Skip to content
Church.wiki
Revelation

Revelation 21

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rekutanga nenyika yekutanga zvakange zvapfuura, uye gungwa rakange risisipo.Select Revelation 21:1

2Zvino ini Johwani ndakaona guta dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kubva kuna Mwari kubva kudenga, rakagadzirirwa semwenga wakashongedzerwa murume wake.Select Revelation 21:2

3Zvino ndakanzwa inzwi guru kubva kudenga, richiti: Tarira, tabhenakeri yaMwari iri pavanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake; naMwari amene achava navo, ari Mwari wavo.Select Revelation 21:3

4Zvino Mwari achapusika misodzi yese kubva pameso avo, nerufu haruchazovipo, kana kushungurudzika, kana kurira, kana kurwadziwa hakungachavipo; nokuti zvinhu zvekutanga zvapfuura.Select Revelation 21:4

5Zvino agere pachigaro cheushe wakati: Tarira, ndinoita zvinhu zvese zvive zvitsva. Ndokuti kwandiri: Nyora; nokuti mashoko awa ndeechokwadi uye akatendeka.Select Revelation 21:5

6Zvino akati kwandiri: Zvaitika. Ndini Arifa naOmega, Kutanga neKupedzisira. Ini ndichapa kuna iye ane nyota zvinobva pachitubu chemvura yeupenyu pachena.Select Revelation 21:6

7Anokunda achagara nhaka yezvinhu zvese; uye ndichava Mwari wake, naiye achava mwanakomana wangu.Select Revelation 21:7

8Asi vanotya, nevasingatendi, nevanyangadzi, nemhondi, nemhombwe, nevaroyi, nevanonamata zvifananidzo, nevese varevi venhema, vachava nemugove wavo mudziva rinopfuta nemoto nesarufa; rwunova rufu rwechipiri.Select Revelation 21:8

9Zvino kwakauya kwandiri umwe wevatumwa vanomwe vakange vane ndiro nomwe dzizere nematambudziko manomwe ekupedzisira, akataura neni, achiti: Uya pano ndigokuratidza mwenga, mukadzi weGwayana.Select Revelation 21:9

10Zvino wakanditakurira muMweya kugomo guru uye refu, akandiratidza guta guru, Jerusarema dzvene, richiburuka kubva kudenga kubva kuna Mwari,Select Revelation 21:10

11rine kubwinya kwaMwari; uye chiedza charo chakaita sebwe rinokoshesesa, sebwe rejasipisi*, rinonjenjemera sekrisitaro*;Select Revelation 21:11

12uye rakange rine rusvingo rukuru uye rurefu, rine masuwo gumi nemaviri, nevatumwa gumi nevaviri pamusuwo, nemazita akanyorwa pamusoro, ari emarudzi gumi nemaviri evana vaIsraeri.Select Revelation 21:12

13Kumabvazuva masuwo matatu; kumaodzanyemba masuwo matatu; kuchamhembe masuwo matatu; nekumavirira masuwo matatu;Select Revelation 21:13

14zvino rusvingo rweguta rwakange rwune nheyo gumi nembiri, nepadziri mazita evaapositori gumi nevaviri veGwayana.Select Revelation 21:14

15Zvino wakataura neni wakange ane rutsanga rwegoridhe, kuti ayere guta, namasuwo aro, nerusingo rwaro.Select Revelation 21:15

16Zvino guta rakange rakamiswa rakaenzana mativi mana, nekureba kwaro kwakakura kudai sekufara; ndokuyera guta nerutsanga, rikasvika pamastadhia* zvuru gumi nezviviri; kureba nekufara nekukwirira kwaro zvakaenzana.Select Revelation 21:16

17Zvino wakayera rusvingo rwaro, mbimbi zana nemakumi mana nemana, chiyero chemunhu, chinova chemutumwa.Select Revelation 21:17

18Uye maiva nechivakwa cherusvingo rwaro, jasipisi, uye guta riri goridhe rakakwana, rakafanana negirazi rakachenesesa.Select Revelation 21:18

19Nenheyo dzerusvingo rweguta dzakashongedzwa nebwe rimwe nerimwe rinokosha. Nheyo yekutanga ijasipisi, yepiri isafiri*, yetatu ikarikidhoni*, yechina iemaradhi*,Select Revelation 21:19

20yeshanu isaridhonikisi*, yetanhatu isaridhio*, yechinomwe ikrisoriti*, yerusere bheriri*, yepfumbamwe topasi*, yegumi kirisopirasi*, yegumi neimwe hiasindi*, yegumi nembiri ametesiti*.Select Revelation 21:20

21Zvino masuwo gumi nemaviri maparera gumi nemaviri; rimwe nerimwe remasuwo rakange riri reparera rimwe; uye nzira yemuguta igoridhe rakakwana segirazi rinonjenjemera.Select Revelation 21:21

22Zvino handina kuona tembere mukati marwo, nokuti Ishe Mwari Wemasimbaose itembere yarwo, neGwayana.Select Revelation 21:22

23Zvino guta harishaiwi zuva kana mwedzi kuvhenekera mariri; nokuti kubwinya kwaMwari kunorivhenekera, nemwenje waro iGwayana;Select Revelation 21:23

24zvino marudzi evanoponeswa achafamba muchiedza charo, nemadzimambo enyika achauisa kubwinya nerukudzo rwawo mariri.Select Revelation 21:24

25Zvino masuwo aro haangatongopfigwi masikati, nokuti usiku hahuchazovipo.Select Revelation 21:25

26Uye vachauisa kubwinya nerukudzo rwendudzi mariri.Select Revelation 21:26

27Uye hamungatongopindi chero chinhu chinosvibisa mariri, uye chinosemesa, uye nhema; asi vakanyorwa mubhuku reupenyu reGwayana.Select Revelation 21:27

Next: Revelation 22Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Revelation

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.