Revelation 22
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino wakandiratidza rwizi rwemvura yeupenyu rwakachena, yakapenya sekrisitaro*, ichibuda pachigaro cheushe chaMwari, necheGwayana.Select Revelation 22:1
2Pakati penzira yaro uye kurutivi urwu neurwu rwerwizi kune muti weupenyu unoita zvibereko gumi nezviviri, uchibereka zvibereko zvawo mwedzi umwe neumwe; nemashizha emuti aiva ekuporesa ndudzi.Select Revelation 22:2
3Zvino hakuchavizve nekutuka kwese; asi chigaro cheushe chaMwari necheGwayana zvichava mariri; uye varanda vake vachamushumira,Select Revelation 22:3
4zvino vachaona chiso chake; nezita rake richava pahuma dzavo.Select Revelation 22:4
5Zvino usiku hahuchazovipo ipapo, uye havatsvaki mwenje kana chiedza chezuva, nokuti Ishe Mwari anovapa chiedza; uye vachatonga kusvikira rinhi narinhi.Select Revelation 22:5
6Zvino akati kwandiri: Mashoko awa akatendeka uye ndeechokwadi; uye Ishe, Mwari wevaporofita vatsvene, wakatuma mutumwa wake kuti aratidze kuvaranda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.Select Revelation 22:6
7Tarira, ndinokurumidza kuuya. Wakaropafadzwa anochengeta mashoko echiporofita chebhuku iri.Select Revelation 22:7
8Zvino ini Johwani, ndini ndakaona zvinhu izvi uye ndakanzwa. Zvino ndakati ndanzwa nekuona, ndakawira pasi kuti ndinamate pamberi petsoka dzemutumwa wakandiratidza zvinhu izvi.Select Revelation 22:8
9Zvino akati kwandiri: Rega kudaro; nokuti ndiri muranda pamwe newe, newehama dzako vaporofita, newevanochengeta mashoko ebhuku iri; namata Mwari.Select Revelation 22:9
10Zvino akati kwandiri: Usavharira nemucherechedzo mashoko echiporofita chebhuku iri, nokuti nguva yava pedo.Select Revelation 22:10
11Anoita zvisakarurama ngaagare achiita zvisakarurama; neane tsvina ngaagare ane tsvina; newakarurama ngaagare achiruramiswa; mutsvenewo ngaagare achiitwa mutsvene.Select Revelation 22:11
12Zvino tarira, ndinouya nekukurumidza; uye mubairo wangu uneni, kuti ndiripire umwe neumwe sezvichava mabasa ake.Select Revelation 22:12
13Ini ndiri Arifa naOmega, Kutanga neKupedzisira, Wekutanga neWekupedzisira.Select Revelation 22:13
14Vakaropafadzwa vanoita mirairo yake, kuti vave nekodzero yemuti weupenyu, vagopinda nepamasuwo muguta.Select Revelation 22:14
15Asi kunze kune imbwa, nevaroyi, nemhombwe, nemhondi, nevanamati vezvifananidzo, nevese vanoda nhema vachidziita.Select Revelation 22:15
16Ini Jesu ndakatuma mutumwa wangu kukupupurirai zvinhu izvozvi pamakereke. Ini ndiri mudzi nechizvarwa chaDhavhidhi, nyeredzi inopenya uye yemangwanani.Select Revelation 22:16
17Zvino Mweya nemwenga vanoti: Uya! Naiye anonzwa ngaati: Uya! Uye ane nyota ngaauye; neanoda ngaatore mvura yeupenyu pachena.Select Revelation 22:17
18Nokuti ndinopupura kune wese anonzwa mashoko echiporofita chebhuku iri, ndichiti: Kana munhu akawedzera pazvinhu izvi, Mwari achawedzera kwaari matambudziko akanyorwa mubhuku iri;Select Revelation 22:18
19uye kana munhu akabvisa pamashoko ebhuku rechiporofita ichi, Mwari achabvisa mugove wake pabhuku reupenyu, nepaguta dzvene, nezvinhu zvakanyorwa mubhuku iri.Select Revelation 22:19
20Anopupura zvinhu izvi anoti: Hongu, ndinouya nekukurumidza. Ameni. Hongu uyai, Ishe Jesu.Select Revelation 22:20
21Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mese. Ameni.Select Revelation 22:21
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation