Skip to content
Church.wiki
Revelation

Revelation 3

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Uye kumutumwa wekereke iri muSadhisi nyora uti: Zvinhu izvi anoreva iye ane Mweya minomwe yaMwari nenyeredzi nomwe: Ndinoziva mabasa ako, kuti une zita rekuti unorarama, asi wakafa.Select Revelation 3:1

2Iva wakarinda, uye simbisa zvinhu zvakasara zvoda kufa; nokuti handina kuwana mabasa ako akaperedzerwa pamberi paMwari.Select Revelation 3:2

3Naizvozvo rangarira kuti wakagamuchira nekunzwa sei; uye chengeta, uye tendeuka. Naizvozvo kana usingarindi, ndichauya kwauri sembavha, uye haungatongozivi kuti iawa ripi randichauya naro pamusoro pako.Select Revelation 3:3

4Une mazita mashoma kunyange paSadhisi asina kusvibiswa nguvo dzawo; uye vachafamba neni munguvo chena, nokuti vakafanira.Select Revelation 3:4

5Uyo anokunda, ndiye achapfekedzwa nguvo chena; uye handichatongodzimi zita rake pabhuku reupenyu, uye ndichareurura zita rake pamberi paBaba vangu, nepamberi pevatumwa vake.Select Revelation 3:5

6Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke.Select Revelation 3:6

7Nekumutumwa wekereke iri muFiradhefia nyora uti: Zvinhu izvi anoreva Mutsvene, Wechokwadi, iye ane kiyi yaDhavhidhi, iye anozarura pasinawo anopfiga, nekupfiga pasinawo anozarura:Select Revelation 3:7

8Ndinoziva mabasa ako; tarira, ndakaisa pamberi pako mukova wakazarurwa, uye hakuna angagona kuupfiga, nokuti une simba shoma, uye wakachengeta shoko rangu, nekusaramba zita rangu.Select Revelation 3:8

9Tarira, ndichakupa vanobva kusinagoge raSatani, vanozviti VaJudha, vasiri ivo, asi vanoreva nhema; tarira, ndichavaita kuti vauye vagonamata pamberi petsoka dzako, uye vazive kuti ini ndakakuda.Select Revelation 3:9

10Nokuti wakachengeta shoko rekutsungirira kwangu, neni ndichakuchengeta panguva yekuedzwa ichauya pamusoro penyika yese, kuedza vanogara panyika.Select Revelation 3:10

11Tarira, ndinouya nekukurumidza; batisisa chaunacho, kuti kusava neanotora korona yako.Select Revelation 3:11

12Uyo anokunda, ndichamuita mbiru mutembere yaMwari wangu, uye haachatongobudizve; uye ndichanyora pamusoro pake zita raMwari wangu, nezita reguta raMwari wangu, reJerusarema idzva, rinoburuka richibva kudenga kuna Mwari wangu, nezita rangu idzva.Select Revelation 3:12

13Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke.Select Revelation 3:13

14Nekumutumwa wekereke yeVaRaodhikia nyora uti: Zvinhu izvi anoreva Ameni, chapupu chakatendeka uye chechokwadi, kutanga kwezvisikwa zvaMwari:Select Revelation 3:14

15Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori uye haupisi. Ndaida kuti dai uchitonhora kana uchipisa.Select Revelation 3:15

16Zvino zvaunodziya, uye hautonhori uye haupisi, ndichakusvisvina mumuromo mangu.Select Revelation 3:16

17Nokuti unoti: Ndiri mufumi, uye ndakafuma, uye handishaiwi chinhu, asi hauzivi kuti ndiwe unotambura, neune nhamo, nemurombo, nebofu, newakashama;Select Revelation 3:17

18ndinokupa zano kuti utenge kwandiri goridhe rakaidzwa mumoto, kuti ufume; nenguvo chena, kuti upfeke, uye nyadzi dzekushama kwako dzirege kuratidzika; uye uzore meso ako nechizoro chameso, kuti uone.Select Revelation 3:18

19Vese vandinoda ini, ndinotsiura nekuranga. Naizvozvo shingaira utendeuke.Select Revelation 3:19

20Tarira, ndimire pamukova ndichigogodza; kana umwe achinzwa inzwi rangu, akazarura mukova, ndichapinda kwaari, uye ndicharaira naye, naiye neni.Select Revelation 3:20

21Anokunda, ndichamupa kugara neni pachigaro changu cheushe, sezvo neni ndakakunda ndikagara pamwe naBaba vangu pachigaro chavo cheushe.Select Revelation 3:21

22Ane nzeve ngaanzwe zinoreva Mweya kumakereke.Select Revelation 3:22

Next: Revelation 4Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Revelation

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.