Revelation 4
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Shure kweizvi ndakaona, zvino tarira, mukova wakazaruka kudenga, nenzwi rekutanga randakanzwa rakaita serehwamanda richitaura neni, richiti: Kwira pano, ndigokuratidza zvinhu zvinofanira kuitika shure kweizvi.Select Revelation 4:1
2Zvino pakarepo ndakava muMweya; zvino tarira, chigaro cheushe chakagadzwa kudenga, nepamusoro pechigaro cheushe umwe agere.Select Revelation 4:2
3Iye wakange agere pakuonekwa wakange akafanana nebwe rejasipisi* nesadhio*; nemurarabungu wakakomberedza chigaro cheushe waitaridzika sebwe reemaradhi*.Select Revelation 4:3
4Zvino zvigaro zveushe makumi maviri nezvina zvakange zvakakomberedza chigaro cheushe; nepazvigaro zveushe ndakaona vakuru makumi maviri nevana vagere, vakapfeka nguvo chena, uye vakange vane korona dzegoridhe pamisoro yavo.Select Revelation 4:4
5Nepachigaro cheushe pakabuda mheni nekutinhira nemanzwi; nemwenje minomwe yemoto ichipfuta pamberi pechigaro cheushe, iri Mweya minomwe yaMwari.Select Revelation 4:5
6Zvino pamberi pechigaro cheushe pakange pane gungwa regirazi, rakafanana nekrisitaro*. Nepakati pechigaro cheushe nepakapoteredza chigaro cheushe pane zvisikwa zvina zvipenyu zvizere nemeso mberi neshure.Select Revelation 4:6
7Zvino chisikwa chipenyu chekutanga chakange chakafanana neshumba, uye chisikwa chipenyu chechipiri chakafanana nemhuru, nechisikwa chipenyu chechitatu chakange chine chiso semunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakange chakafanana negondo rinobhururuka.Select Revelation 4:7
8Nezvisikwa zvipenyu izvi chimwe nechimwe chakange chine mapapiro matanhatu mativi ese, nemukati zvakange zvizere nemeso; uye hazvizorori masikati neusiku, zvichiti: Mutsvene, mutsvene, mutsvene, Ishe Mwari, Wemasimbaose, wakange aripo, uye aripo, neachazouya.Select Revelation 4:8
9Zvino apo zvisikwa zvipenyu izvi pazvaimupa kubwinya nerukudzo nekuvongwa iye anogara pachigaro cheushe, iye anorarama kusvikira rinhi narinhi,Select Revelation 4:9
10vakuru makumi maviri nevana vakazviwisira pasi pamberi peagere pachigaro cheushe ndokumunamata iye anorarama kusvikira rinhi narinhi, uye vachikandira korona dzavo pamberi pechigaro cheushe, vachiti:Select Revelation 4:10
11Makafanira, Ishe, kugamuchira kubwinya, nerukudzo, nesimba; nokuti ndimwi makasika zvinhu zvese, uye nekuda kwechido chenyu zviripo uye zvakasikwa.Select Revelation 4:11
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation