Revelation 6
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino ndakaona Gwayana parakazarura chimwe chemicherechedzo, ndokunzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti, senzwi remutinhiro: Uya uone.Select Revelation 6:1
2Zvino ndakaona, uye tarira, bhiza jena, naiye wakaritasva wakange ane uta; korona ndokupiwa kwaari, zvino akabuda achikunda, uye kuti akunde.Select Revelation 6:2
3Zvino rakati razarura mucherechedzo wechipiri, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti: Uya uone.Select Revelation 6:3
4Zvino kwakabuda rimwe bhiza dzvuku; newakaritasva akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, nokuti vaurayane; ndokupiwa kwaari munondo mukuru.Select Revelation 6:4
5Zvino rakati razarura mucherechedzo wechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti: Uya uone. Zvino ndikaona, uye tarira, bhiza dema, newakange akaritasva wakange ane chiyereso muruoko rwake.Select Revelation 6:5
6Zvino ndakanzwa inzwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina richiti: Chiyero chezviyo nedhenario*, nezviyero zvitatu zvebhari* nedhenario; nemafuta newaini usazvitadzira.Select Revelation 6:6
7Zvino rakati razarura mucherechedzo wechina, ndakanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina richiti: Uya uone.Select Revelation 6:7
8Zvino ndakaona, uye tarira, bhiza rakachenuruka, newakange akaritasva zita rake Rufu; uye hadhesi rakateverana naye. Simba ndokupiwa kwazviri kuuraya kusvika pane chechina chenyika, nemunondo, uye nenzara, uye nerufu, uye nezvikara zvenyika.Select Revelation 6:8
9Zvino rakati razarura mucherechedzo wechishanu, ndakaona pasi pearitari mweya yevakange vaurawa nekuda kweshoko raMwari, uye nekuda kweuchapupu hwavaiva nahwo.Select Revelation 6:9
10Zvino vakadana nenzwi guru vachiti: Kusvikira rinhi, Tenzi, mutsvene uye wechokwadi, regai kutonga nekutsiva ropa redu pane vanogara panyika?Select Revelation 6:10
11Zvino kwakapiwa umwe neumwe nguvo refu chena, zvikanzi kwavari vambozorora chinguva chidiki kusvikira vamwewo varanda pamwe navo nehama dzavo dzaiva dzoda kuurawa saivowo vakwaniswa.Select Revelation 6:11
12Zvino ndakaona parakange razarura mucherechedzo wechitanhatu, uye tarira, kwakava nekudengenyeka kwenyika kukuru, uye zuva rakasviba sesaga remvere, nemwedzi ukaita seropa;Select Revelation 6:12
13nenyeredzi dzedenga dzakawira panyika, semuonde unowisa maonde awo eshure, uchizuzwa nemhepo huru.Select Revelation 6:13
14Zvino denga rakabva serugwaro rwakapetwa; negomo rega-rega nechiwi zvakabviswa panzvimbo dzazvo.Select Revelation 6:14
15Nemadzimambo enyika, nevanhu vakuru, nevafumi, nevatungamiriri vehondo, nevane simba, nevaranda vese, nevakasununguka vese vakanozvivanza mumapako nemumabwe emakomo,Select Revelation 6:15
16zvino vakati kumakomo nekumabwe: Wirai pamusoro pedu, mutivige pachiso chaiye anogara pachigaro cheushe, nepakutsamwa kweGwayana;Select Revelation 6:16
17nokuti zuva guru rekutsamwa kwaro rasvika; zvino ndiani anogona kumira?Select Revelation 6:17
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation