Skip to content
Church.wiki
Revelation

Revelation 7

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino shure kweizvi ndakaona vatumwa vana vamire kumativi mana enyika vakabata mhepo ina dzenyika, kuti mhepo irege kuvhuvhuta panyika, kana pagungwa, kana pamuti upi zvawo.Select Revelation 7:1

2Uye ndakaona umwe mutumwa achikwira kubva kumabvazuva kwezuva ane mucherechedzo waMwari mupenyu; akadana nenzwi guru kuvatumwa vana, vaya vakange vapiwa simba kuti vatadzire nyika negungwa,Select Revelation 7:2

3achiti: Musatadzira nyika, kana gungwa, kana miti, kusvikira taisa mucherechedzo varanda vaMwari wedu pahuma dzavo.Select Revelation 7:3

4Zvino ndakanzwa uwandu hwevakaiswa mucherechedzo: Zvuru zana nemakumi mana nezvina vakaiswa mucherechedzo kubva kumarudzi ese evana vaIsraeri.Select Revelation 7:4

5Kubva kurudzi rwaJudha zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaRubheni zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaGadhi zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo;Select Revelation 7:5

6kubva kurudzi rwaAsheri zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaNafutarimi zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaManase zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo;Select Revelation 7:6

7kubva kurudzi rwaSimioni zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaRevhi zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaIsaskari zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo;Select Revelation 7:7

8kubva kurudzi rwaZebhuruni zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaJosefa zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaBhenjamini zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo.Select Revelation 7:8

9Shure kwaizvozvi ndakaona, zvino tarira, chaunga chikuru, chisina anogona kuverenga, chinobva kundudzi dzese, nemarudzi, nevanhu, nendimi, vakamira pamberi pechigaro cheushe nepamberi peGwayana, vakamonera nguvo refu chena, nemichindwe mumaoko avo;Select Revelation 7:9

10zvino vakadanidzira nenzwi guru, vachiti: Ruponeso ngaruve kuna Mwari wedu anogara pachigaro cheushe, nekuGwayana.Select Revelation 7:10

11Zvino vatumwa vese vakamira vakakomba chigaro cheushe nevakuru nezvisikwa zvipenyu zvina, vakawa pamberi pechigaro cheushe nezviso zvavo, ndokunamata Mwari,Select Revelation 7:11

12vachiti: Ameni: Kurumbidzwa nekubwinya nenjere nekuvonga nerukudzo nesimba nemasimba ngazvive kuna Mwari wedu kusvikira rinhi narinhi. Ameni.Select Revelation 7:12

13Zvino umwe wevakuru wakapindura, achiti kwandiri: Ava vakapfeka nguvo refu chena ndivana ani, uye vakabvepi?Select Revelation 7:13

14Zvino ndakati kwaari: Ishe, ndimwi munoziva. Zvino akati kwandiri: Ava ndivo vanobva mukutambudzika kukuru, uye vakasuka nguvo refu dzavo, uye ivo vakadzichenesa muropa reGwayana.Select Revelation 7:14

15Nekuda kweizvi vari pamberi pechigaro cheushe chaMwari, vanomushumira masikati neusiku mutembere yake; uye anogara pachigaro cheushe achatandavadza tende pamusoro pavo.Select Revelation 7:15

16Havachazombovi nenzara kana kuzombova nenyota, nezuva haringatongovawiri, kana kupisa kupi zvako;Select Revelation 7:16

17nokuti Gwayana riri pakati pechigaro cheushe richavafunda, uye richavatungamirira kuzvitubu zvipenyu zvemvura; uye Mwari achapusika misodzi yese pameso avo.Select Revelation 7:17

Next: Revelation 8Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Revelation

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.