Skip to content
Church.wiki
John

John 1

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Pakutanga wakange aripo Shoko, uye Shoko wakange ana Mwari, uye Shoko wakange ari Mwari.Select John 1:1

2Iye uyu wakange ana Mwari pakutanga.Select John 1:2

3Zvinhu zvese zvakaitwa naye, uye kunze kwake hakuna kuitwa chinhu chimwe chakaitwa.Select John 1:3

4Maari maiva neupenyu, uye upenyu hwaiva chiedza chevanhu,Select John 1:4

5uye chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchigamuchira.Select John 1:5

6Kwakauya munhu wakatumwa kubva kuna Mwari, zita rake riri Johwani.Select John 1:6

7Iye wakauyira uchapupu, kuti apupure zvechiedza, kuti vese vatende naye.Select John 1:7

8Iye wakange asiri icho chiedza, asi wakatumwa kuti apupure pamusoro pechiedza.Select John 1:8

9Chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu umwe neumwe anouya panyika.Select John 1:9

10Wakange ari munyika, nenyika yakaitwa naye, asi nyika haina kumuziva.Select John 1:10

11Wakauya kune zvake, asi vake havana kumugamuchira.Select John 1:11

12Asi vese vakamugamuchira, wakavapa kodzero kuti vave vana vaMwari, ivo vanotenda kuzita rake;Select John 1:12

13vakaberekwa kwete neropa, kana nechido chenyama, kana nechido chemurume, asi naMwari.Select John 1:13

14Shoko ndokuzova nyama, akagara pakati pedu, uye takaona kubwinya kwake, kubwinya sekwewakaberekwa umwe ega waBaba, azere nenyasha nechokwadi.Select John 1:14

15Johwani wakapupura pamusoro pake, akadanidzira achiti: Uyu ndiye wandaireva ndichiti: Uyu anouya shure kwangu wakanditangira; nokuti wakange aripo mberi kwangu.Select John 1:15

16Nepakuzara kwake isu tese takagamuchira, uye nyasha nenyasha.Select John 1:16

17Nokuti murairo wakapiwa naMozisi, nyasha nechokwadi zvakauya naJesu Kristu.Select John 1:17

18Hakuna wakatongoona Mwari; Mwanakomana wakaberekwa umwe ega, ari pachifuva chaBaba, ndiye wakamuzivisa.Select John 1:18

19Uye uhu ndihwo uchapupu hwaJohwani, apo VaJudha vakatuma vapristi neVaRevhi kubva kuJerusarema kuti vanomubvunza kuti: Iwe ndiwe ani?Select John 1:19

20Akabvuma, uye haana kuramba; ndokubvuma achiti: Ini handisi Kristu.Select John 1:20

21Zvino vakamubvunza vachiti: Saka kudini? Iwe uri Erija here? Akati: Handisi. Iwe uri uya muporofita here? Akapindura akati: Kwete.Select John 1:21

22Naizvozvo vakati kwaari: Ndiwe ani? Kuti tipe mhinduro vatituma; unoti kudini pamusoro pako?Select John 1:22

23Akati: Ini ndini inzwi reanodanidzira murenje: Ruramisai nzira yaIshe; sezvakareva Isaya muporofita.Select John 1:23

24Ava vakange vatumwa vaibva kuVaFarisi.Select John 1:24

25Zvino vakamubvunza, vakati kwaari: Unogobhabhatidzirei, kana iwe usiri Kristu, kana Eria, kana muporofita uya?Select John 1:25

26Johwani akavapindura, achiti: Ini ndinobhabhatidza nemvura; asi pakati penyu pamire wamusingazivi imwi;Select John 1:26

27ndiye anouya shure kwangu, ari mberi kwangu, wandisina kufanira ini kuti ndisunungure rukanda rweshangu yake.Select John 1:27

28Izvozvi zvakaitika paBhetabhara, mhiri kwaJoridhani, kwaibhabhatidza Johwani.Select John 1:28

29Ava mangwana Johwani wakaona Jesu achiuya kwaari, akati: Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa rotakura chivi chenyika.Select John 1:29

30Uyu ndiye ini wandaitaura nezvake ndichiti: Shure kwangu kunouya murume, wakanditangira, nokuti wakange ariko mberi kwangu.Select John 1:30

31Neni ndakange ndisingamuzivi; asi kuti aziviswe kuna Israeri, nekuda kweizvozvo ini ndakauya ndichibhabhatidza nemvura.Select John 1:31

32Johwani ndokupupura, achiti: Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva, akagara pamusoro pake.Select John 1:32

33Neni ndakange ndisingamuzivi; asi wakandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunoona Mweya achiburukira pamusoro pake nekugara pamusoro pake, ndiye anobhabhatidza neMweya Mutsvene.Select John 1:33

34Zvino ini ndakaona ndikapupura kuti uyu Mwanakomana waMwari.Select John 1:34

35Ava mangwanazve Johwani wakange amire, nevaviri vevadzidzi vake;Select John 1:35

36zvino wakatarisa Jesu achifamba-famba, akati: Tarirai Gwayana raMwari.Select John 1:36

37Vadzidzi vaviri ndokumunzwa achitaura, ndokutevera Jesu.Select John 1:37

38Zvino Jesu atendeuka wakavaona vachitevera, akati kwavari: Munotsvakei? Vakati kwaari: Rabhi* (ndokuti kana zvichishandurwa, Mudzidzisi) munogarepi?Select John 1:38

39Akati kwavari: Uyai muone. Vakauya vakaona paaigara; ndokugara naye zuva iroro; rakange riri awa rinenge regumi.Select John 1:39

40Andiriya munin'ina waSimoni Petro waiva umwe wevaviri vakange vazvinzwa naJohwani vakamutevera.Select John 1:40

41Iye wakatanga kuwana mukoma wake chaiye Simoni, akati kwaari: Tamuwana Mesiasi; ndiko kuti kana zvichishandurwa, Kristu.Select John 1:41

42Zvino akamuisa kuna Jesu. Jesu ndokuti amutarira akati: Iwe uri Simoni mwanakomana waJona; iwe uchanzi Kefasi (zvinoshandurwa kunzi Petro).Select John 1:42

43Ava mangwana Jesu akada kubudira kuGarirea, ndokuwana Firipi, ndokuti kwaari: Nditevere.Select John 1:43

44Zvino Firipi wakange ari weBhetisaidha, muguta raAndiriya naPetro.Select John 1:44

45Firipi akawana Nataniyeri, ndokuti kwaari: Tamuwana Mozisi waakanyora nezvake pamurairo nevaporofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.Select John 1:45

46Nataniyeri ndokuti kwaari: Chinhu chakanaka chinogona kubva muNazareta here? Firipi akati kwaari: Uya uone.Select John 1:46

47Jesu wakaona Nataniyeri achiuya kwaari, ndokuti pamusoro pake: Tarira muIsraeri wechokwadi, musina kunyengera maari.Select John 1:47

48Nataniyeri akati kwaari: Mandizivirepi? Jesu akapindura, akati kwaari: Firipi asati akudana, pawanga uri munyasi memuonde, ndakuona.Select John 1:48

49Nataniyeri akapindura ndokuti kwaari: Rabhi, imwi muri Mwanakomana waMwari, imwi muri Mambo waIsraeri.Select John 1:49

50Jesu akapindura ndokuti kwaari: Unotenda nokuti ndati kwauri: Ndakuona munyasi memuonde. Uchaona zvinhu zvikuru kune izvi.Select John 1:50

51Zvino akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kubva ikozvino muchaona denga razaruka, nevatumwa vaMwari vachikwira nekuburukira pamusoro peMwanakomana wemunhu.Select John 1:51

Next: John 2Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

John

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.