Skip to content
Church.wiki
John

John 11

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Kwaiva neumwe wairwara, wainzi Razaro weBhetaniya, mumusha waMaria nemukoma wake Marita.Select John 11:1

2Waiva iye Maria wakazodza Ishe nemafuta, akapusika tsoka dzake nevhudzi rake, hanzvadzi yake Razaro wakange achirwara.Select John 11:2

3Naizvozvo hanzvadzi dzakatumira kwaari dzichiti: Ishe, tarirai uyo wamunoda anorwara.Select John 11:3

4Jesu wakati anzwa akati: Ukosha uhu hahusviki murufu, asi ndehwembiri yaMwari, kuti Mwanakomana waMwari arumbidzwe nahwo.Select John 11:4

5Zvino Jesu wakange achida Marita nemunin'ina wake naRazaro.Select John 11:5

6Naizvozvo wakati anzwa kuti anorwara, ipapo akagara mazuva maviri panzvimbo paakange ari.Select John 11:6

7Shure kweizvozvo wakati kuvadzidzi: Hendeizve kuJudhiya.Select John 11:7

8Vadzidzi vakati kwaari: Rabhi*, VaJudha vachangobva kutsvaka kukutakai nemabwe; zvino moendazve ikoko here?Select John 11:8

9Jesu akapindura akati: Hapana maawa gumi nemaviri masikati here? Kana munhu achifamba masikati, haagumburwi, nokuti anoona chiedza chenyika ino.Select John 11:9

10Asi kana munhu achifamba usiku, anogumburwa, nokuti hamuna chiedza maari.Select John 11:10

11Wakataura zvinhu izvi, shure kweizvozvo ndokuti kwavari: Shamwari yedu Razaro yarara; asi ndinoenda kuti ndimumutse.Select John 11:11

12Naizvozvo vadzidzi vake vakati: Ishe, kana arere, achanaya.Select John 11:12

13Asi Jesu wakareva zverufu rwake; asi ivo vakafunga kuti anoreva kuzorora kwehope.Select John 11:13

14Naizvozvo ipapo Jesu akavaudza pachena: Razaro wafa.Select John 11:14

15Zvino ndinofara nekuda kwenyu kuti ndakange ndisipo, kuti mugotenda; asi hendei kwaari.Select John 11:15

16Naizvozvo Tomasi, wainzi Dhidhimo, wakati kuvadzidzi pamwe naye: Hendei isuwo kuti tinofa naye.Select John 11:16

17Zvino Jesu wakati achisvika, akawana atova muguva mazuva mana.Select John 11:17

18Zvino Bhetaniya rakange riri pedo neJerusarema, masitadhiya* anenge gumi nemashanu kubva ipapo;Select John 11:18

19nevazhinji veVaJudha vakange vauya kuna Marita naMaria, kuti vavanyaradze pamusoro pehanzvadzi yavo.Select John 11:19

20Zvino Marita wakati anzwa kuti Jesu wouya, akaenda kunomuchingamidza; asi Maria wakagara mumba.Select John 11:20

21Marita ndokuti kuna Jesu: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.Select John 11:21

22Asi naikozvino ndinoziva kuti zvipi zvazvo zvamunokumbira kuna Mwari, Mwari achakupai.Select John 11:22

23Jesu akati kwaari: Hanzvadzi yako ichamukazve.Select John 11:23

24Marita akati kwaari: Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka nezuva rekupedzisira.Select John 11:24

25Jesu akati kwaari: Ndini kumuka neupenyu; anotenda kwandiri, kunyange akafa, achararama;Select John 11:25

26uye umwe neumwe anorarama uye anotenda kwandiri, haangatongofi nekusingaperi. Unotenda izvi here?Select John 11:26

27Akati kwaari: Hongu, Ishe; ini ndinotenda kuti ndimwi Kristu, Mwanakomana waMwari, waizouya panyika.Select John 11:27

28Zvino wakati areva izvi akaenda, akanodana Maria munin'ina wake pachivande, akati: Mudzidzisi wasvika, anokudana.Select John 11:28

29Iye wakati achingozvinzwa, akakurumidza kusimuka akaenda kwaari.Select John 11:29

30Zvino Jesu wakange asati asvika pamusha, asi wakange achiri panzvimbo Marita paakamuchingamidza.Select John 11:30

31Naizvozvo VaJudha vakange vanaye mumba vachimunyaradza, vakati vachiona Maria kuti wakasimuka nekukurumidza achibuda, vakamutevera vachiti: Anoenda kuguva kuti acheme ikoko.Select John 11:31

32Zvino Maria, wakati achisvika pakange pana Jesu, achimuona, akawira patsoka dzake, achiti kwaari: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.Select John 11:32

33Naizvozvo Jesu wakati achimuona achichema, VaJudhawo vachichema vakange vauya naye, akagomera mumweya, akazvitambudza,Select John 11:33

34akati: Mamuradzikepi? Vakati kwaari: Ishe, uyai muone.Select John 11:34

35Jesu akachema misodzi.Select John 11:35

36Zvino VaJudha vakati: Tarirai kuti waimuda sei.Select John 11:36

37Asi vamwe vavo vakati: Uyu wakasvinudza meso ebofu, haagoni kuita here kuti uyuwo asafa?Select John 11:37

38Naizvozvo Jesu wakagomerazve mukati make asvika paguva. Zvino raiva bako, nebwe rakange rakaradzikwa pamusoro paro.Select John 11:38

39Jesu akati: Bvisai ibwe. Marita hanzvadzi yewakafa akati kwaari: Ishe, wotonhuhwa; nokuti ane mazuva mana.Select John 11:39

40Jesu akati kwaari: Handina kutaura here kwauri, kuti kana ukatenda, uchaona kubwinya kwaMwari?Select John 11:40

41Naizvozvo vakabvisa ibwe, pakange paradzikwa wakafa. Jesu ndokusimudzira meso kumusoro, ndokuti: Baba, ndinokuvongai nokuti mandinzwa.Select John 11:41

42Asi ini ndanga ndichiziva kuti munondinzwa nguva dzese; asi nekuda kwechaunga chakakomberedza ndareva, kuti vatende kuti imwi makandituma.Select John 11:42

43Zvino wakati areva izvozvi, akadanidzira nenzwi guru, akati: Razaro, buda!Select John 11:43

44Uyo wakange afa ndokubuda, akasungwa makumbo nemaoko nemicheka yeguva, nechiso chake chakapombwa nemucheka wekumeso. Jesu akati kwavari: Musunungurei, mumurege aende.Select John 11:44

45Naizvozvo vazhinji veVaJudha, vakange vauya kuna Maria vakati vaona Jesu zvaakaita, vakatenda kwaari.Select John 11:45

46Asi vamwe vavo vakaenda kuVaFarisi, ndokuvaudza zvinhu Jesu zvaakange aita.Select John 11:46

47Naizvozvo vapristi vakuru neVaFarisi vakaunganidza dare remakurukota, vakati: Todini? Nokuti uyu munhu anoita zviratidzo zvizhinji.Select John 11:47

48Kana tikamurega akadaro, vese vachatenda kwaari; neVaRoma vachauya vakatora zviri zviviri nzvimbo nerudzi rwedu.Select John 11:48

49Asi umwe wavo, Kayafasi, wakange ari mupristi mukuru gore iroro, akati kwavari: Hamuzivi chinhu imwi,Select John 11:49

50uye hamurangariri kuti zvakatinakira kuti munhu umwe afire vanhu, uye rudzi rwese rurege kuparara.Select John 11:50

51Asi haana kureva izvi pachake, asi zvaakange ari mupristi mukuru gore iro, wakaporofita kuti Jesu waizofira rudzi urwo,Select John 11:51

52uye kwete rudzi urwo rwega, asi kutiwo aunganidze vana vaMwari vakapararira vave umwe.Select John 11:52

53Zvino kubva pazuva iro vakarangana kuti vamuuraye.Select John 11:53

54Naizvozvo Jesu haana kuzombofamba pachena pakati peVaJudha, asi wakabvapo akaenda kunyika iri pedo nerenje, kuguta rainzi Efuremu, ndokugarako nevadzidzi vake.Select John 11:54

55Zvino pasika yeVaJudha yakange yaswedera; vazhinji ndokubuda mumaruwa vakakwira kuJerusarema pasika isati yasvika, kuti vazvichenure.Select John 11:55

56Naizvozvo vakatsvaka Jesu, vakataurirana vamire mutembere, vachiti: Munofungei? Kuti haangatongouyi kumutambo here?Select John 11:56

57Zvino vese vapristi vakuru neVaFarisi vakange vapa murairo kuti kana kune anoziva kwaari, azivise, kuti vamubate.Select John 11:57

Next: John 12Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

John

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.