Skip to content
Church.wiki
John

John 12

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino mazuva matanhatu pasika isati yasvika Jesu wakasvika Bhetaniya, paiva naRazaro wakange afa, waakamutsa kubva kuvakafa.Select John 12:1

2Naizvozvo vakamuitira chirairo ipapo, uye Marita waishandira; naRazaro wakange ari umwe wevakange vagere naye pakudya.Select John 12:2

3Zvino Maria akatora paundi* yemafuta enadhi* amene, ane mutengo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapusika tsoka dzake nevhudzi rake; imba ikazadzwa nekunhuhwira kwemafuta.Select John 12:3

4Naizvozvo umwe wevadzidzi vake, Judhasi Isikariyoti waSimoni wakange achazomutengesa, akati:Select John 12:4

5Mafuta awa aregerei kutengeswa nemadhenario* mazana matatu, akapiwa varombo?Select John 12:5

6Wakarevawo izvi, kwete kuti wakava nehanya nevarombo, asi nokuti waiva mbavha, uye waiva nechikwama, achitakura zvaiiswamo.Select John 12:6

7Naizvozvo Jesu wakati: Muregei; wamachengetedzera zuva rekuvigwa kwangu.Select John 12:7

8Nokuti varombo munavo nguva dzese, asi ini hamuneni nguva dzese.Select John 12:8

9Naizvozvo chaunga chikuru cheVaJudha chakaziva kuti aripo; ndokuuya kwete nekuda kwaJesu chete, asi kuti vaonewo Razaro, waakange amutsa kubva kuvakafa.Select John 12:9

10Asi vapristi vakuru vakarangana kuti vauraye Razarowo;Select John 12:10

11nokuti nekuda kwake vazhinji veVaJudha vaibva, vachitenda kuna Jesu.Select John 12:11

12Chifume chaunga chikuru chakange chauya kumutambo, chakati chanzwa kuti Jesu anouya kuJerusarema,Select John 12:12

13vakatora matavi emichindwe, vakabuda kunomuchingamidza, vakadanidzira vachiti: Hosana*! Wakaropafadzwa anouya muzita raIshe, Mambo waIsraeri.Select John 12:13

14Zvino Jesu awana dhongwana, akagara pamusoro paro, sezvazvakanyorwa zvichinzi:Select John 12:14

15Usatya, mukunda weZiyoni; tarira, Mambo wako anouya, agere pamusoro pedhongwana rembongoro.Select John 12:15

16Vadzidzi vake havana kunzwisisa zvinhu izvi pakutanga; asi Jesu wakati akudzwa, ipapo vakazorangarira kuti zvinhu izvi zvakange zvakanyorwa pamusoro pake, uye vakange vamuitira zvinhu izvi.Select John 12:16

17Naizvozvo chaunga chaiva naye paakadana Razaro kuti abude muguva, nekumumutsa kubva kuvakafa, chakapupura.Select John 12:17

18Saka chaunga chakamuchingamidzawo, nokuti vakange vanzwa kuti wakaita chiratidzo ichochi.Select John 12:18

19Naizvozvo VaFarisi vakataurirana, vachiti: Munoona kuti hamubatsiri chinhu; tarirai nyika inomutevera.Select John 12:19

20Zvino kwaiva nevamwe VaGiriki pakati pevakange vakwira kuti vanonamata kumutambo;Select John 12:20

21ava ndokuuya kuna Firipi weBhetisaidha reGarirea, vakamukumbira vachiti: Ishe, tinoda kuona Jesu.Select John 12:21

22Firipi akasvika akaudza Andiriya; uye Andiriya naFiripi vakaudzazve Jesu.Select John 12:22

23Jesu ndokuvapindura achiti: Awa rasvika rekuti Mwanakomana wemunhu akudzwe.Select John 12:23

24Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti tsanga yegorosi yawira muvhu ikafa, iyo inogara iri yega; asi kana ikafa, inobereka chibereko chakawanda.Select John 12:24

25Anoda upenyu hwake acharasikirwa nahwo; neanovenga upenyu hwake panyika ino achahuchengetedza kusvikira kuupenyu husingaperi.Select John 12:25

26Kana munhu achindishandira, ngaanditevere; nepandiri ini, achavapowo muranda wangu. Uye kana munhu achindishandira, Baba vachamukudza.Select John 12:26

27Ikozvino mweya wangu unotambudzika; zvino ndichatii? Baba, ndiponesei paawa rino. Asi nekuda kweizvi ndasvika paawa rino.Select John 12:27

28Baba, kudzai zita renyu. Naizvozvo inzwi rakauya richibva kudenga, richiti: Ndarikudzawo, uye ndicharikudzazve.Select John 12:28

29Naizvozvo chaunga chakange chimire chichizvinzwa chakati: Kwatinhira. Vamwe vakati: Mutumwa wataura naye.Select John 12:29

30Jesu akapindura akati: Inzwi iri harina kuuya nekuda kwangu, asi nekuda kwenyu.Select John 12:30

31Ikozvino pane mutongo wenyika ino; ikozvino mutungamiriri wenyika ino achadzingirwa panze.Select John 12:31

32Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndichakwevera vese kwandiri.Select John 12:32

33Wakarevawo izvi achiratidza kuti waizofa nerufu rwakadini.Select John 12:33

34Chaunga chakamupindura chichiti: Isu takanzwa pamurairo kuti Kristu achagara nekusingaperi; zvino imwi moreva sei kuti: Mwanakomana wemunhu anofanira kusimudzwa? Ndiani uyu Mwanakomana wemunhu?Select John 12:34

35Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Pachine chinguvana chiedza chichinemwi. Fambai muchine chiedza, zvimwe rima ringakukundai; uye anofamba murima haazivi kwaanoenda.Select John 12:35

36Muchine chiedza, tendai kuchiedza, kuti muve vana vechiedza. Jesu wakareva zvinhu izvi, akabva, akazvivanza kwavari.Select John 12:36

37Kunyange akange aita zviratidzo zvizhinji kudai pamberi pavo, havana kutenda kwaari;Select John 12:37

38kuti shoko raIsaya muporofita rizadziswe, raakareva achiti: Ishe, ndiani wakatenda mharidzo yedu? Neruoko rwaIshe rwakazarurirwa kuna ani?Select John 12:38

39Naizvozvo vakange vasingagoni kutenda, nokuti Isaya wakatizve:Select John 12:39

40Wakapofumadza meso avo, akaomesa moyo wavo; kuti varege kuona nemeso kana kunzwisisa nemoyo, vagotendeuka, ndigovaporesa.Select John 12:40

41Isaya wakareva zvinhu izvi, paakaona kubwinya kwake, ndokutaura pamusoro pake.Select John 12:41

42Asi kunyange zvakadaro, vazhinji vevatongiwo vakatenda kwaari; asi nekuda kweVaFarisi vakange vasingabvumi, kuti varege kubudiswa musinagoge;Select John 12:42

43nokuti vakada rukudzo rwevanhu kupfuura rukudzo rwaMwari.Select John 12:43

44Zvino Jesu wakadanidzira akati: Anotenda kwandiri, haatendi kwandiri, asi kune wakandituma.Select John 12:44

45Neanoona ini, anoona wakandituma.Select John 12:45

46Ini ndakauya ndiri chiedza panyika, kuti ani nani anotenda kwandiri arege kugara murima.Select John 12:46

47Uye kana ani nani achinzwa mashoko angu akasatenda, handimutongi ini; nokuti handina kuuya kuti nditonge nyika, asi kuti ndiponese nyika.Select John 12:47

48Uyo anondiramba asingagamuchiri mashoko angu, ane anomutonga; shoko randakareva, ndiro richamutonga nezuva rekupedzisira.Select John 12:48

49Nokuti ini handina kureva zvemusoro wangu, asi Baba vakandituma, ndivo vakandipa murairo, zvandichareva nezvandichataura.Select John 12:49

50Uye ndinoziva kuti murairo wavo upenyu husingaperi; naizvozvo ini zvandinotaura, saBaba zvavakataura kwandiri, saizvozvo ndinotaura.Select John 12:50

Next: John 13Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

John

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.