Skip to content
Church.wiki
John

John 15

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Ini ndiri muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu murimi.Select John 15:1

2Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki chibereko, vanoribvisa; uye rimwe nerimwe rinobereka chibereko, vanorichekerera, kuti riwedzere kubereka chibereko.Select John 15:2

3Imwi matochena neshoko randataura kwamuri.Select John 15:3

4Garai mandiri, neni mamuri. Sedavi risingagoni kubereka chibereko pacharo, kana risingagari mumuzambiringa, saizvozvo nemwi kwete, kana musingagari mandiri.Select John 15:4

5Ini ndiri muzambiringa, imwi matavi. Anogara mandiri, neni maari, ndiye anobereka chibereko chakawanda; nokuti kunze kwangu hamugoni kuita chinhu.Select John 15:5

6Kana munhu asingagari mandiri, anoraswa kunze sedavi, ndokusvava, vanoaunganidza, ndokukandira mumoto, apiswe.Select John 15:6

7Kana muchigara mandiri, nemashoko angu achigara mamuri, muchakumbira chero zvamunoda, uye muchazviitirwa.Select John 15:7

8Baba vangu vanokudzwa neizvi, kuti mubereke chibereko chakawanda; uye muchava vadzidzi vangu.Select John 15:8

9Baba sezvavakandida, iniwo ndakakudai; garai murudo rwangu.Select John 15:9

10Kana muchichengeta mirairo yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndakachengeta mirairo yaBaba vangu, ndinogara murudo rwavo.Select John 15:10

11Zvinhu izvi ndazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, uye mufaro wenyu uzare.Select John 15:11

12Uyu ndiwo murairo wangu, kuti mudanane, sezvandakakudai.Select John 15:12

13Hakuna ane rudo rukuru kune urwu, kuti munhu anoradzikira pasi shamwari dzake upenyu hwake.Select John 15:13

14Imwi muri shamwari dzangu, kana muchiita chipi nechipi ini chandinokurairai.Select John 15:14

15Handichakuidziizve varanda, nokuti muranda haazivi ishe wake chaanoita; asi ndakuidzai shamwari; nokuti zvese zvandakanzwa naBaba vangu, ndakakuzivisai.Select John 15:15

16Imwi hamuna kundisarudza, asi ini ndakakusarudzai, ndikakugadzai, kuti imwi muende mubereke chibereko, uye chibereko chenyu chigare; kuti chipi nechipi chamunokumbira kuna Baba muzita rangu, vakupei.Select John 15:16

17Izvi zvinhu ndinokurairai, kuti mudanane.Select John 15:17

18Kana nyika ichikuvengai, muzive kuti yavenga ini isati yakuvengai imwi.Select John 15:18

19Dai maiva venyika, nyika yaida zvayo pachayo; asi nokuti hamusi venyika, asi ini ndakakusarudzai kubva panyika, naizvozvo nyika inokuvengai.Select John 15:19

20Rangarirai shoko ini randakareva kwamuri: Muranda haasi mukuru kuna ishe wake. Kana vakashusha ini, vachashusha imwiwo; kana vakachengeta shoko rangu vachachengeta renyuwo.Select John 15:20

21Asi izvi zvese vachakuitirai nekuda kwezita rangu, nokuti havamuzivi wakandituma.Select John 15:21

22Dai ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina chivi; asi ikozvino havana manzvengero pachivi chavo.Select John 15:22

23Anondivenga, anovenga Baba vanguwo.Select John 15:23

24Dai ndisina kuita pakati pavo mabasa asina umwe wakaaita, vangadai vasina chivi; asi ikozvino vakaona ndokuvenga zvese ini naBaba vangu.Select John 15:24

25Asi kuti shoko rizadziswe rakanyorwa pamurairo wavo, rinoti: Vakandivenga pasina chikonzero.Select John 15:25

26Asi kana Munyaradzi auya, ini wandichatumira kwamuri kubva kuna Baba, Mweya wechokwadi, unobuda kuna Baba, uyu achapupura nezvangu.Select John 15:26

27Nemwiwo muchapupura, nokuti maiva neni kubva pakutanga.Select John 15:27

Next: John 16Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

John

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.