Skip to content
Church.wiki
John

John 17

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Jesu wakataura zvinhu izvi, ndokusimudzira meso ake kudenga, akati: Baba, awa rasvika; kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana wenyuwo akukudzei;Select John 17:1

2sezvo makamupa simba pamusoro penyama yese, kuti vese vamakamupa, avape upenyu husingaperi.Select John 17:2

3Uye uhu upenyu husingaperi, kuti vakuzivei imwi Mwari wega wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma.Select John 17:3

4Ini ndakakukudzai panyika; ndapedza basa ramakandipa kuti ndiite;Select John 17:4

5uye ikozvino ndikudzei, imwi Baba, kwamuri pachenyu nerukudzo rwandaiva narwo ndinemwi nyika isati yavapo.Select John 17:5

6Ndaratidza zita renyu kuvanhu vamakandipa kubva munyika; vakange vari venyu, uye makavapa ini; uye vakachengeta shoko renyu.Select John 17:6

7Ikozvino voziva kuti zvese-zvese zvamakandipa, zvinobva kwamuri;Select John 17:7

8nokuti ndakapa kwavari mashoko amakandipa; uye ivo vakagamuchira, vakaziva zvirokwazvo kuti ndakabuda kwamuri, uye vakatenda kuti imwi makandituma.Select John 17:8

9Ini ndinokumbirira ivo; handikumbiriri nyika, asi avo vamakandipa, nokuti ndevenyu;Select John 17:9

10uye zvese zvangu ndezvenyu, nezvenyu ndezvangu; uye ndakakudzwa mavari.Select John 17:10

11Uye handichisiri munyika, asi ava vari munyika; uye ini ndinouya kwamuri. Baba vatsvene, vachengetei muzita renyu vamakandipa, kuti vave vamwe, sesu.Select John 17:11

12Pandaiva navo munyika, ini ndaivachengeta muzita renyu; avo vamakandipa, ndikachengetedza, uye hapana umwe wavo wakarasika, kunze kwemwanakomana wekuraswa, kuti rugwaro rwuzadziswe.Select John 17:12

13Asi ikozvino ndinouya kwamuri, uye zvinhu izvi ndinotaura munyika, kuti vave nemufaro wangu wakazadziswa mavari.Select John 17:13

14Ini ndakavapa shoko renyu, uye nyika yakavavenga, nokuti havasi venyika, seni ndisiri wenyika.Select John 17:14

15Handikumbiri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete pane wakaipa.Select John 17:15

16Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.Select John 17:16

17Vaitei vatsvene muchokwadi chenyu; shoko renyu ichokwadi.Select John 17:17

18Sezvamakandituma munyika, neniwo ndavatuma munyika.Select John 17:18

19Uye ini ndinozviita mutsvene nekuda kwavo, kuti ivowo vaitwe vatsvene muchokwadi.Select John 17:19

20Uye handikumbiriri ava chete, asi naivo vachatenda kwandiri neshoko ravo;Select John 17:20

21kuti vese vave umwe; semwi, Baba, mandiri, neni mamuri; kuti ivowo vave umwe matiri; kuti nyika itende kuti imwi makandituma.Select John 17:21

22Nekubwinya kwamakandipa, ini ndakavapa, kuti vave umwe, sesu tiri umwe.Select John 17:22

23Ini mavari, nemwi mandiri, kuti vapedzeredzwe vave umwe; uye kuti nyika izive kuti imwi makandituma, uye makavada, sezvamakandida.Select John 17:23

24Baba, ndinoda kuti ivowo vamakandipa, vave neni apo pandiri ini, kuti vaone kubwinya kwangu, kwamakandipa, nokuti makandida mavambo enyika asati avapo.Select John 17:24

25Baba vakarurama, nenyika haina kukuzivai, asi ini ndakakuzivai, neava vakaziva kuti imwi makandituma;Select John 17:25

26uye ndakazivisa kwavari zita renyu, uye ndicharizivisa, kuti rudo rwamakandida narwo ruve mavari, neni mavari.Select John 17:26

Next: John 18Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

John

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.