John 19
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Naizvozvo ipapo Pirato wakatora Jesu, akamurova netyava.Select John 19:1
2Zvino mauto akaruka korona yeminzwa akaisa pamusoro wake, ndokumupfekedza nguvo ine ruvara rwehute.Select John 19:2
3Vakati: Hekanhi, Mambo weVaJudha! Ndokumurova nembama.Select John 19:3
4Naizvozvo Pirato akabudazve panze, ndokuti kwavari: Tarirai, ndinomubudisira kwamuri, kuti muzive kuti handiwani mhosva maari.Select John 19:4
5Naizvozvo Jesu wakabuda panze, akapfeka korona yeminzwa, nenguvo ine ruvara rwehute. Pirato ndokuti kwavari: Tarirai munhu uyu!Select John 19:5
6Naizvozvo vapristi vakuru nemapurisa pavakamuona, vakadanidzira vachiti: Roverera pamuchinjikwa, roverera pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Mutorei imwi, muroverere pamuchinjikwa; nokuti ini handiwani mhosva kwaari.Select John 19:6
7VaJudha vakamupindura vakati: Isu tine murairo, uye nemurairo wedu anofanira kufa, nokuti wakazviita Mwanakomana waMwari.Select John 19:7
8Naizvozvo Pirato paakanzwa shoko iri, wakanyanya kutya.Select John 19:8
9Akapindazve mumba memutungamiriri, ndokuti kuna Jesu: Unobvepi iwe? Asi Jesu haana kumupa mhinduro.Select John 19:9
10Pirato akati kwaari: Hautauri neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rekukuroverera pamuchinjikwa uye ndine simba rekukusunungura?Select John 19:10
11Jesu akapindura akati: Haungatongovi nesimba pamusoro pangu, dai usina kuripiwa kubva kumusoro; naizvozvo anondikumikidza kwauri ane chivi chikuru.Select John 19:11
12Kubva ipapo Pirato akatsvaka kumusunungura. Asi VaJudha vakadanidzira, vachiti: Kana mukasunungura uyu, hamusi shamwari yaKesari; umwe neumwe anozviita mambo, anopikisana naKesari.Select John 19:12
13Naizvozvo Pirato anzwa shoko iri wakabudisa Jesu panze, akagara pachigaro chekutonga, panzvimbo inonzi Pakarongwa neMabwe, asi nechiHebheru Gabhata.Select John 19:13
14Zvino raiva gadziriro repasika, uye raiva awa rinenge rechitanhatu; ndokuti kuVaJudha: Tarirai Mambo wenyu!Select John 19:14
15Asi vakadanidzira vachiti: Bvisai, bvisai, murovererei pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Ndoroverera pamuchinjikwa Mambo wenyu here? Vapristi vakuru vakapindura vachiti: Hatina mambo kunze kwaKesari.Select John 19:15
16Naizvozvo ipapo akamukumikidza kwavari, kuti arovererwe pamuchinjikwa. Zvino vakatora Jesu vakamutinha.Select John 19:16
17Zvino wakatakura muchinjikwa wake akabuda akaenda kunzvimbo yainzi yeDehenya, ichinzi nechiHebheru Gorogota,Select John 19:17
18pavakamuroverera pamuchinjikwa nevamwe vaviri naye, parutivi neparutivi, naJesu pakati.Select John 19:18
19Pirato ndokunyorawo chiziviso akaisa pamuchinjikwa; chakange chakanyorwa kuti: JESU MUNAZARETA MAMBO WEVAJUDHA.Select John 19:19
20Naizvozvo vazhinji veVaJudha vakaverenga chiziviso ichi; nokuti nzvimbo pakange pakarovererwa Jesu pamuchinjikwa yaiva pedo neguta; uye pakange pakanyorwa nechiHebheru, nechiGiriki, nechiRoma.Select John 19:20
21Naizvozvo vapristi vakuru veVaJudha vakati kuna Pirato: Musanyora muchiti: Mambo weVaJudha; asi kuti uyo wakati: Ndiri mambo weVaJudha.Select John 19:21
22Pirato akapindura akati: Zvandanyora, ndanyora.Select John 19:22
23Naizvozvo mauto akati aroverera Jesu pamuchinjikwa, akatora nguvo dzake, akaita migove mina, kumuuto umwe neumwe mugove; neshatiwo; asi shati iyi yakange isina musono, yakange yakarukwa yese kubva kumusoro.Select John 19:23
24Naizvozvo vakataurirana vachiti: Ngatirege kuibvarura, asi tiikandire mijenya, kuti ichava yaani; kuti rugwaro ruzadziswe rwunoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakandawo mujenya pamusoro pechekupfeka changu. Naizvozvo mauto akaita zvinhu izvi.Select John 19:24
25Zvino pamuchinjikwa waJesu pakange pamire mai vake, nemunin'ina wamai vake, Maria mukadzi waKiropasi, naMaria Magidharini.Select John 19:25
26Naizvozvo Jesu wakati achiona mai vake, nemudzidzi waaida amirepo, akati kuna mai vake: Mukadzi, tarira mwanakomana wako.Select John 19:26
27Shure kweizvozvo wakati kumudzidzi: Tarira mai vako. Zvino kubva paawa iro mudzidzi wakavatora akavaisa kumba kwake.Select John 19:27
28Shure kwaizvozvi, Jesu achiziva kuti zvinhu zvese zvatopedzwa, kuti rugwaro rwuzadziswe, akati: Ndine nyota.Select John 19:28
29Zvino pakange pakagadzikwa hari izere nevhiniga; zvino vakazadza chipanje nevhiniga vakaisa parutanda rwehisopi*, vakaisa kumuromo wake.Select John 19:29
30Naizvozvo Jesu agamuchira vhiniga, wakati: Zvapedzwa! Akakotamisa musoro, akapa mweya wake.Select John 19:30
31Naizvozvo VaJudha nokuti rakange riri gadziriro, kuti mitumbi isagara pamuchinjikwa nesabata (nokuti zuva resabata iro raiva guru), vakakumbira Pirato kuti makumbo avo avhuniwe, uye vabviswe.Select John 19:31
32Naizvozvo mauto akauya, akavhuna makumbo ewekutanga, neeumwe wakange arovererwa pamuchinjikwa pamwe naye;Select John 19:32
33asi vasvika kuna Jesu, pavakaona kuti watofa, havana kuvhuna makumbo ake;Select John 19:33
34asi umwe wemauto wakabaya rutivi rwake nepfumo, pakarepo kukabuda ropa nemvura.Select John 19:34
35Uye iye wakaona wakapupura, uye kupupura kwake ichokwadi; uye iye anoziva kuti anoreva chokwadi, kuti imwi mutende.Select John 19:35
36Nokuti zvinhu izvi zvakaitwa kuti rugwaro rwuzadziswe rwunoti: Fupa rake haringavhunwi.Select John 19:36
37Uyezve rumwe rugwaro rwunoti: Vachamutarira wavakabvovora.Select John 19:37
38Shure kweizvozvi Josefa weArimatia, ari mudzidzi waJesu, asi pachivande nekutya VaJudha, wakakumbira kuna Pirato kuti abvise mutumbi waJesu. Zvino Pirato akamutendera. Naizvozvo akauya akabvisa mutumbi waJesu.Select John 19:38
39Kwakauyawo Nikodhimo, wakauya pakutanga kuna Jesu usiku, akatakura musanganiswa wemura* nearosi* mapaundi anenge zana.Select John 19:39
40Ipapo vakatora mutumbi waJesu, vakamuputira nemicheka yerineni nezvinonhuhwira, seyaiva tsika yeVaJudha yekuviga.Select John 19:40
41Zvino panzvimbo iyo paakarovererwa pamuchinjikwa pakange pane bindu, uye mubindu mune guva idzva, makange musina kumboradzikwa munhu.Select John 19:41
42Naizvozvo vakaradzika Jesu ipapo nekuda kwegadziriro yeVaJudha, nokuti guva rakange riri pedo.Select John 19:42
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation