John 2
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino nezuva retatu kwakava nemuchato muKana yeGarirea; namai vaJesu vakange varipo.Select John 2:1
2NaJesuwo wakange akokwa pamwe nevadzidzi vake kumuchato.Select John 2:2
3Waini yakati ichishaikwa, mai vaJesu vakati kwaari: Havana waini.Select John 2:3
4Jesu akati kwavari: Mukadzi, ndinei newe? Nguva yangu haisati yasvika.Select John 2:4
5Mai vake vakati kuvaranda: Chipi nechipi chaanokuudzai, itai.Select John 2:5
6Zvino kwakange kwakaiswapo zvirongo zvitanhatu zvemabwe semachenuriro emaJudha, chimwe nechimwe chaipinda zviyero zviviri kana zvitatu.Select John 2:6
7Jesu akati kwavari: Zadzai zvirongo nemvura. Vakazvizadza kusvikira pamuromo.Select John 2:7
8Ndokubva ati kwavari: Cherai ikozvino, mutakurire kumubati wekudya. Vakazvitakura.Select John 2:8
9Mubati wekudya wakati aravira mvura ikava waini, asingazivi kwainobva (asi varanda vakange vachera mvura vaiziva), mubati wekudya akadana muwani,Select John 2:9
10ndokuti kwaari: Munhu umwe neumwe pakutanga anoisa waini yakanaka, kana vanyatsonwa, isina kunyatsonaka; iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira zvino.Select John 2:10
11Uku kutanga kwezviratidzo kwakaita Jesu paKana yeGarirea, akaratidza kubwinya kwake; vadzidzi vake vakatenda kwaari.Select John 2:11
12Shure kweizvozvo wakaburukira kuKapenaume, iye, namai vake, nevanin'ina vake, nevadzidzi vake; vakagarako mazuva asiri mazvinji.Select John 2:12
13Zvino pasika yeVaJudha yakange yaswedera, Jesu ndokukwira kuJerusarema.Select John 2:13
14Akawanawo mutembere avo vanotengesa nzombe nemakwai nenjiva, nevatsinhanisi vemari vagere.Select John 2:14
15Zvino wakati aita tyava yerwonzi, akavadzinga vese mutembere, nemakwai nenzombe; akateura mari yevatsinhanisi, ndokupidigura matafura.Select John 2:15
16Akati kune vaitengesa njiva: Bvisai zvinhu izvi pano; musaita imba yaBaba vangu imba yekutengeserana.Select John 2:16
17Vadzidzi vake ndokurangarira kuti kwakanyorwa kuchinzi: Kushingairira imba yenyu kwandidya kukandipedza.Select John 2:17
18Naizvozvo VaJudha vakapindura, vakati kwaari: Unotiratidza chiratidzo chei, chekuti unoita zvinhu izvi?Select John 2:18
19Jesu akapindura akati kwavari: Pazai tembere iyi, uye mumazuva matatu ndichaimutsa.Select John 2:19
20Naizvozvo VaJudha vakati: Makore makumi mana nematanhatu tembere iyi ichivakwa, zvino iwe ungaimutsa nemazuva matatu here?Select John 2:20
21Asi iye waireva zvetembere yemuviri wake.Select John 2:21
22Naizvozvo wakati amuka kubva kuvakafa, vadzidzi vake vakarangarira kuti wakange areva izvi kwavari; ndokutenda rugwaro, neshoko Jesu raakange areva.Select John 2:22
23Zvino wakati ava muJerusarema papasika, pamutambo, vazhinji vakatenda kuzita rake pavakaona zviratidzo zvaaiita.Select John 2:23
24Asi Jesu pachake haana kuzvikumikidza kwavari, nokuti wakange achivaziva vese.Select John 2:24
25Uye nokuti wakange asingatsvaki kuti ani nani apupure zvemunhu; nokuti wakange achiziva pachake zvakange zviri mumunhu.Select John 2:25
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation