Skip to content
Church.wiki
John

John 20

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino newekutanga wevhiki Maria Magidharini wakasvika mangwanani-ngwanani paguva, kuchakasviba, akaona ibwe rabviswa kubva paguva.Select John 20:1

2Naizvozvo wakamhanya akauya kuna Simoni Petro nekune umwe mudzidzi Jesu waaida, ndokuti kwavari: Vabvisa Ishe muguva, uye hatizivi pavamuradzika.Select John 20:2

3Zvino Petro akabuda neumwe mudzidzi, vakasvika kuguva.Select John 20:3

4Zvino vakamhanya vari vaviri pamwe chete; zvino umwe mudzidzi akamhanya kusiya Petro, akatanga kusvika paguva.Select John 20:4

5Zvino akotama achidongorera, wakaona micheka yerineni yakawaridzwa, asi haana kupinda.Select John 20:5

6Zvino Simoni Petro akasvika achimutevera, akapinda muguva, akaona micheka yerineni yakawaridzwa,Select John 20:6

7nemucheka wekumeso wakange uri mumusoro make, usina kuwaridzwa nemicheka yerineni, asi wakapetwa uri pane imwe nzvimbo wega.Select John 20:7

8Naizvozvo ipapo umwe mudzidzi wakatanga kusvika paguva akapindawo, akaona, akatenda;Select John 20:8

9nokuti vakange vachigere kunzwisisisa rugwaro, kuti anofanira kumuka kubva kuvakafa.Select John 20:9

10Naizvozvo vadzidzi vakabva vakaendazve kwavo.Select John 20:10

11Asi Maria wakamira kunze paguva achichema; zvino wakati achichema akakotama akadongorera muguva,Select John 20:11

12akaona vatumwa vaviri vane nguvo chena vagere, umwe kumusoro, neumwe kutsoka, ipapo pakambenge parere mutumbi waJesu.Select John 20:12

13Ivo ndokuti kwaari: Mukadzi, unochemei? Akati kwavari: Nokuti vakabvisa Ishe wangu, zvino handizivi kwavakamuradzika.Select John 20:13

14Zvino wakati areva zvinhu izvi akatendeukira kumashure, akaona Jesu amire, asi haana kuziva kuti ndiJesu.Select John 20:14

15Jesu akati kwaari: Mukadzi, unochemei? Unotsvaka ani? Iye achifunga kuti ndiye murimi wemunda, akati kwaari: Ishe, kana imwi mamubvisa, ndiudzei pamamuradzika, uye ini ndichanomutora.Select John 20:15

16Jesu akati kwaari: Maria! Iye akatendeuka akati kwaari: Rabhoni! ndiko kuti: Mudzidzisi.Select John 20:16

17Jesu akati kwaari: Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kuna Baba vangu; asi enda kuvanin'ina vangu, uti kwavari: Ndinokwira kuna Baba vangu naBaba venyu, naMwari wangu naMwari wenyu.Select John 20:17

18Maria Magidharini akauya ndokuudza vadzidzi kuti waona Ishe, uye wamuudza zvinhu izvi.Select John 20:18

19Zvino ava madekwani nezuva iroro rekutanga revhiki, mikova yapfigwa pakange pakaungana vadzidzi nekutya VaJudha, Jesu akauya akamira pakati, akati kwavari: Rugare kwamuri.Select John 20:19

20Zvino wakati ataura izvi akavaratidza zvanza nerutivi rwake. Naizvozvo vadzidzi vakafara vachiona Ishe.Select John 20:20

21Naizvozvo Jesu akatizve kwavari: Rugare kwamuri; Baba sezvavakandituma, neni ndinokutumai.Select John 20:21

22Zvino wakati areva izvi akafuridzira kwavari, ndokuti kwavari: Gamuchirai Mweya Mutsvene.Select John 20:22

23Ani nani wamunokanganwira zvivi, vazvikanganwirwa; vese vamunobata zvavo zvabatwa.Select John 20:23

24Asi Tomasi, umwe wevanegumi nevaviri, wainzi Dhidhimo, wakange asipo navo Jesu paakauya.Select John 20:24

25Naizvozvo vamwe vadzidzi vakati kwaari: Taona Ishe. Asi iye wakati kwavari: Kana ndisingaoni vanga rembambo muzvanza zvake, nekuisa munwe wangu muvanga rembambo, nekuisa ruoko rwangu murutivi rwake, handingatongotendi.Select John 20:25

26Zvino mushure memazuva masere vadzidzi vake vakange vari mukatizve, naTomasi anavo. Jesu akauya, mikova yakapfigwa, ndokumira pakati akati: Rugare kwamuri.Select John 20:26

27Ipapo akati kuna Tomasi: Uisa munwe wako pano uone zvanza zangu; uuise ruoko rwako uise murutivi rwangu, usava usingatendi, asi unotenda.Select John 20:27

28Zvino Tomasi akapindura, akati kwaari: Ishe wangu naMwari wangu!Select John 20:28

29Jesu akati kwaari: Nokuti wandiona, Tomasi, watenda; vakaropafadzwa vasina kuona asi vatenda.Select John 20:29

30Zvino zvirokwazvo Jesu wakaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pevadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iri.Select John 20:30

31Asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiKristu, Mwanakomana waMwari, uye kuti muchitenda muve neupenyu muzita rake.Select John 20:31

Next: John 21Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

John

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.