John 7
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Shure kwezvinhu izvi Jesu wakafamba-famba muGarirea; nokuti wakange asingadi kufamba-famba muJudhiya, nokuti VaJudha vakange vachitsvaka kumuuraya.Select John 7:1
2Zvino mutambo weVaJudha, mutambo wematende wakange waswedera.Select John 7:2
3Naizvozvo vanin'ina vake vakati kwaari: Ibvai pano muende muJudhiya, kuti vadzidzi venyuwo vaone mabasa enyu amunoita.Select John 7:3
4Nokuti hakuna umwe anoita chinhu muchivande iye amene achitsvakawo kuva pachena. Kana uchiita zvinhu izvi, zviratidze kunyika.Select John 7:4
5Nokuti kunyange vanin'ina vake vaiva vasingatendi kwaari.Select John 7:5
6Naizvozvo Jesu akati kwavari: Nguva yangu haisati yasvika, asi nguva yenyu inogara yakagadzirwa.Select John 7:6
7Nyika haigoni kukuvengai; asi ini inondivenga, nokuti ini ndinopupura nezvayo, kuti mabasa ayo akaipa.Select John 7:7
8Kwirai imwi kumutambo uyu; ini handisati ndokwira kumutambo uyu, nokuti nguva yangu haisati yazadzisika.Select John 7:8
9Wakati areva zvinhu izvi kwavari, akagara muGarirea.Select John 7:9
10Asi vanin'ina vake vakati vakwira, naiye akabva okwira kumutambo, kwete pachena, asi panenge sepachivande.Select John 7:10
11Zvino VaJudha vakamutsvaka pamutambo, vakati: Aripi uya?Select John 7:11
12Kwakavapo kun'un'una kwakawanda pakati pezvaunga pamusoro pake; vamwe vachiti: Wakanaka. Asi vamwe vachiti: Kwete, asi anotsausa chaunga.Select John 7:12
13Kunyange zvakadaro kwakange kusina munhu wakataura pachena pamusoro pake nekutya VaJudha.Select John 7:13
14Zvino pava pakati pemutambo, Jesu akakwira kutembere, akadzidzisa.Select John 7:14
15Zvino VaJudha vakashamisika vachiti: Uyu anoziva sei magwaro asina kudzidza?Select John 7:15
16Jesu akavapindura akati: Dzidziso yangu haisi yangu, asi yake wakandituma.Select John 7:16
17Kana munhu achida kuita chido chake, achaziva zvedzidziso kana ichibva kuna Mwari, kana kuti ini ndinotaura zvangu.Select John 7:17
18Anozvitaurira zvake, anotsvaka rumbidzo yake pachake; asi anotsvaka rumbidzo yewakamutuma, ndiye wechokwadi, uye hapana kusarurama maari.Select John 7:18
19Mozisi haana kukupai murairo here? Asi hakuna wenyu anoita murairo. Munotsvakirei kundiuraya?Select John 7:19
20Chaunga chikapindura chikati: Une dhimoni; ndiani anotsvaka kukuuraya?Select John 7:20
21Jesu akapindura akati kwavari: Ndakaita basa rimwe, uye munoshamisika mese.Select John 7:21
22Naizvozvo Mozisi wakakupai dzingiso (kusiri kuti yakabva kuna Mozisi, asi kumadzibaba), zvino nesabata munodzingisa munhu.Select John 7:22
23Kana munhu nesabata achigamuchira dzingiso, kuti murairo waMozisi urege kutyorwa, munonditsamwira nokuti ndaporesa munhu zvakaperera nesabata here?Select John 7:23
24Musatonga nezvinoonekwa, asi tongai kutonga kwakarurama.Select John 7:24
25Vamwe veveJerusarema ndokuti: Uyu haasiye wavanotsvaka kuuraya here?Select John 7:25
26Asi tarira, anotaura pachena, asi havarevi chinhu kwaari. Kuti vatungamiriri vanoziva zvechokwadi here kuti ndiye Kristu chaiye?Select John 7:26
27Asi uyu tinoziva kwaanobva; asi Kristu kana achisvika, hakuna angaziva kwaanobva.Select John 7:27
28Naizvozvo Jesu wakadanidzira mutembere achidzidzisa achiti: Nemwi munoziva ini, uye munoziva kwandakabva; uye handina kuzviuira, asi wakandituma ndewechokwadi, wamusingazivi imwi.Select John 7:28
29Asi ini ndinomuziva, nokuti ndinobva kwaari, uye iye wakandituma.Select John 7:29
30Naizvozvo vakatsvaka kumubata, asi hakuna wakaisa ruoko paari, nokuti awa rake rakange risati rasvika.Select John 7:30
31Asi vazhinji vechaunga vakatenda kwaari, vakati: Kana Kristu achisvika, achaita zviratidzo zvizhinji kune izvi uyu zvaaita here?Select John 7:31
32VaFarisi vakanzwa chaunga chichin'un'una zvinhu izvi pamusoro pake; VaFarisi nevapristi vakuru ndokutuma vabatsiri kuti vamubate.Select John 7:32
33Naizvozvo Jesu akati kwavari: Ndichinemwi chinguvana, ndoenda kune wakandituma.Select John 7:33
34Muchanditsvaka mukasandiwana; uye apo pandiri ini, imwi hamugoni kuuya.Select John 7:34
35Naizvozvo VaJudha vakataurirana vachiti: Uyu oda kuendepi kuti isu tisamuwana? Achaenda kune vakapararira veVaGiriki, adzidzise VaGiriki here?Select John 7:35
36Ishokoi iri raanoti: Muchanditsvaka, asi hamungandiwani; nerekuti: Pandiri ini, imwi hamugoni kuuya?Select John 7:36
37Zvino nezuva rekupedzisira, iro guru remutambo Jesu wakasimuka akadanidzira achiti: Kana ani nani ane nyota, ngaauye kwandiri anwe.Select John 7:37
38Anotenda kwandiri, rugwaro sezvarwakareva, nzizi dzemvura mhenyu dzichaerera kubva mudumbu rake.Select John 7:38
39Asi izvi wakareva zveMweya wavaizogamuchira vanotenda kwaari; nokuti Mweya Mutsvene wakange asati avapo, nokuti Jesu wakange asati akudzwa.Select John 7:39
40Naizvozvo vazhinji vechaunga vakati vachinzwa shoko iri vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye muporofita.Select John 7:40
41Vamwe vakati: Uyu ndiye Kristu. Asi vamwe vakati: Ko Kristu angabva Garirea here?Select John 7:41
42Rugwaro haruna kureva here kuti Kristu achabva kumbeu yaDhavhidhi, nepamusha weBhetirehemu paiva naDhavhidhi?Select John 7:42
43Naizvozvo pakava nekupesana pakati pechaunga pamusoro pake.Select John 7:43
44Zvino vamwe vavo vakada kumubata, asi hakuna wakaisa maoko kwaari.Select John 7:44
45Zvino vabatsiri vakaenda kuvapristi vakuru neVaFarisi; ivo vakati kwavari: Nemhaka yei musina kumuuisa?Select John 7:45
46Vabatsiri vakapindura vakati: Hakuna kumbotaura munhu seizvi, semunhu uyu.Select John 7:46
47Zvino VaFarisi vakavapindura vakati: Nemwi matsauswa kanhi?Select John 7:47
48Aripo here wakatenda kwaari kuvatungamiriri kana kuVaFarisi?Select John 7:48
49Asi chaunga ichi chisingazivi murairo chakatukwa.Select John 7:49
50Nikodhimo, uya akauya kwaari usiku, ari umwe wavo, akati kwavari:Select John 7:50
51Murairo wedu unotonga munhu here, kunze kwekuti wambomunzwa nekuziva chaanoita?Select John 7:51
52Vakapindura vakati kwaari: Ko iwewo uri weGarirea here? Nzvera uone kuti hakuna kumuka muporofita kuGarirea.Select John 7:52
53Umwe neumwe ndokuenda kumba kwake.Select John 7:53
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation