Skip to content
Church.wiki
John

John 9

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Wakati achipfuura, akaona munhu bofu kubva pakuberekwa.Select John 9:1

2Vadzidzi vake ndokumubvunza, vachiti: Rabhi*, ndiani wakatadza, uyu kana vabereki vake, kuti aberekwe ari bofu?Select John 9:2

3Jesu akapindura akati: Uyu haana kutadza, kana vabereki vake; asi kuti mabasa aMwari aoneswe maari.Select John 9:3

4Ndinofanira kushanda mabasa ewakandituma achiri masikati; usiku hunouya, apo pasina munhu angagona kushanda.Select John 9:4

5Kana ndichiri panyika, ndiri chiedza chenyika.Select John 9:5

6Wakati areva izvi, akapfira pasi, akaita dope nemate, akazodza dope pameso ebofu,Select John 9:6

7akati kwaari: Enda unoshamba mudziva reSiroami (zvinoshandurwa kuti: Wakatumwa). Naizvozvo wakaenda akashamba, akadzoka achiona.Select John 9:7

8Naizvozvo vavakidzani nevaimuona pakutanga kuti wakange ari bofu, vakati: Haasi iye uyu waigara achipemha here?Select John 9:8

9Vamwe vakati: Uyu ndiye; asi vamwe vakati: Wakaita saiye. Iye akati: Ndini.Select John 9:9

10Naizvozvo vakati kwaari: Meso ako akazarurwa sei?Select John 9:10

11Akapindura izvo akati: Munhu anonzi Jesu wakaita dope, akazodza meso angu, akati kwandiri: Enda kudziva reSiroami unoshamba. Zvino ndikaenda ndikashamba, ndikaonazve.Select John 9:11

12Naizvozvo vakati kwaari: Iye aripi? Akati: Handizivi.Select John 9:12

13Vakamuisa kuVaFarisi, iye waimbova bofu.Select John 9:13

14Zvino raiva sabata apo Jesu akaita dope, akasvinudza meso ake.Select John 9:14

15Naizvozvo zvekare VaFarisi vakamubvunzawo, kuti wakaonazve sei. Akati kwavari: Waisa dope pameso angu ndikashamba, ndava kuona.Select John 9:15

16Naizvozvo vamwe veVaFarisi vakati: Munhu uyu haabvi kuna Mwari, nokuti haachengeti sabata. Vamwe vakati: Munhu ari mutadzi angaita sei zviratidzo zvakadai? Kukava nekupesana pakati pavo.Select John 9:16

17Vakatizve kubofu: Iwe unoti kudini pamusoro pake, sezvo asvinudza meso ako? Akati: Muporofita.Select John 9:17

18Zvino VaJudha havana kutenda pamusoro pake, kuti wakange ari bofu, akaonazve, kusvikira vadana vabereki vewakaonazve,Select John 9:18

19zvino vakavabvunza, vachiti: Uyu mwanakomana wenyu imwi wamunoti wakaberekwa ari bofu here? Naizvozvo ikozvino woona sei?Select John 9:19

20Vabereki vake vakavapindura vakati: Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu, uye kuti wakaberekwa ari bofu;Select John 9:20

21asi kuti ikozvino woona sei, hatizivi; kana ndiani wasvinudza meso ake, isu hatizivi; iye wayaruka, mubvunzei, iye pachake achazvitaurira.Select John 9:21

22Vabereki vake vakareva izvi, nokuti vaitya VaJudha; nokuti VaJudha vakange vatotenderana kuti kana ani nani anobvuma kuti ndiye Kristu, abudiswe musinagoge.Select John 9:22

23Naizvozvo vabereki vake vakati: Wayaruka, mubvunzei.Select John 9:23

24Naizvozvo vakadana rwechipiri uyo munhu wakange ari bofu, vakati kwaari: Ipa Mwari rumbidzo; isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.Select John 9:24

25Naizvozvo iye akapindura achiti: Kana ari mutadzi handizivi; chinhu chimwe chandinoziva, kuti ndaiva bofu, ikozvino ndoona.Select John 9:25

26Zvino vakati kwaarizve: Wakaitei kwauri? Wakasvinudza meso ako sei?Select John 9:26

27Akavapindura, akati: Ndadokuudzai, asi hamuna kunzwa, munodirei kunzwa zvekare? Nemwi munoda kuva vadzidzi vake kanhi?Select John 9:27

28Naizvozvo vakamutuka, vakati: Ndiwe mudzidzi wake; asi isu tiri vadzidzi vaMozisi.Select John 9:28

29Isu tinoziva kuti Mwari wakataura kuna Mozisi; asi uyu hatizivi kwaanobva.Select John 9:29

30Munhu akapindura akati kwavari: Nokuti pachinhu ichi pane chinoshamisa, kuti imwi hamuzivi kwaanobva, asi wasvinudza meso angu.Select John 9:30

31Zvino tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi; asi kana munhu ari mushumiri waMwari, achiita chido chake, uyu anomunzwa.Select John 9:31

32Kubvira rinhi hakuna kumbonzwika kuti umwe wakasvinudza meso ewakaberekwa ari bofu.Select John 9:32

33Dai uyu anga asingabvi kuna Mwari, haasaigona kuita chinhu.Select John 9:33

34Vakapindura vakati kwaari: Iwe zvachese wakaberekerwa muzvivi, zvino iwe wotidzidzisa here? Vakamudzingira kunze.Select John 9:34

35Jesu akanzwa kuti vamudzingira kunze; akati amuwana, akati kwaari: Iwe unotenda kuMwanakomana waMwari here?Select John 9:35

36Iye akapindura akati: Ndiani, Ishe, kuti nditende kwaari?Select John 9:36

37Jesu ndokuti kwaari: Newe wamuona, uye anotaura newe, ndiye.Select John 9:37

38Zvino akati: Ishe ndinotenda; akamunamata.Select John 9:38

39Jesu ndokuti: Kutonga ndiko ini kwandakauira panyika ino, kuti vasingaoni vaone; nevanoona vave mapofu.Select John 9:39

40Uye avo veVaFarisi vaiva naye vakanzwa zvinhu izvi, vakati kwaari: Nesu tiri mapofu here?Select John 9:40

41Jesu akati kwavari: Dai maiva mapofu, mungadai musina chivi. Asi ikozvino munoti: Tinoona; naizvozvo chivi chenyu chinogara.Select John 9:41

Next: John 10Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

John

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.