3 John 1
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Mukuru, kuna Gayo anodikanwa, wandinoda ini pachokwadi.Select 3 John 1:1
2Mudikanwi, ndinonyengetera pazvinhu zvese kuti ubudirire, uye ugwinye, semweya wako uchibudirira.Select 3 John 1:2
3Nokuti ndakafara zvikuru, hama padzakasvika ndokupupurira chokwadi chako, sezvaunofamba iwe muchokwadi.Select 3 John 1:3
4Handina mufaro unopfuura izvi, kuti ndinzwe vana vangu vachifamba muchokwadi.Select 3 John 1:4
5Mudikanwi, unoita nekutendeka zvese zvaunobata kuhama nekuvaeni,Select 3 John 1:5
6vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana ukavaperekedza zvakafanira Mwari.Select 3 John 1:6
7Nokuti nekuda kwezita rake vakabuda vasingagamuchiri chinhu kuvahedheni.Select 3 John 1:7
8Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira vakadaro, kuti tigova vanobatsirana pachokwadi.Select 3 John 1:8
9Ndakanyorera kereke; asi Dhiotirefesi, anoda kuva wekutanga pakati pavo asingatigamuchiri.Select 3 John 1:9
10Naizvozvo, kana ndichiuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, achitiitira makuhwa nemashoko akaipa; uye asingagutsikani neizvozvo, kunyange iye amene haagamuchiri hama, uye anovadzivisa vanoda, nekudzinga mukereke.Select 3 John 1:10
11Mudikanwi, usatevera chakaipa, asi chakanaka. Anoita chakanaka ndeanobva kuna Mwari; asi anoita zvakaipa, haana kuona Mwari.Select 3 John 1:11
12Dhemetrio anopupurirwa zvakanaka nevese, uye nechokwadi pachacho; nesuwo tinopupura, nemwi munoziva kuti kupupura kwedu ndekwechokwadi.Select 3 John 1:12
13Ndakange ndine zvizhinji zvekunyora, asi handidi kukunyorera neingi nepeni;Select 3 John 1:13
14asi ndinovimba kukurumidza kukuona, titauriranewo muromo nemuromo. Rugare kwauri. Vadikanwi vanokukwazisa. Kwazisa vadikanwi nezita.Select 3 John 1:14
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation