1 John 4
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Vadikanwi, musatenda mweya umwe neumwe, asi muidze mweya, kana yakabva kuna Mwari; nokuti vazhinji vaporofita venhema vakabudira munyika.Select 1 John 4:1
2Neizvi munoziva Mweya waMwari: Wese mweya unobvuma kuti Jesu Kristu wakauya panyama, unobva muna Mwari.Select 1 John 4:2
3Zvino mweya wese usingabvumi kuti Jesu Kristu wakauya panyama, haubvi muna Mwari; uye uyu ndiye wemupikisi waKristu, wamakanzwa kuti anouya, naikozvino watova panyika.Select 1 John 4:3
4Imwi munobva muna Mwari, vana vadiki, uye makavakunda; nokuti ari mamuri mukuru kune ari munyika.Select 1 John 4:4
5Ivo vanobva munyika; naizvozvo vanotaura zvinobva munyika, uye nyika inovanzwa.Select 1 John 4:5
6Isu tinobva muna Mwari; uyo anoziva Mwari, anotinzwa; asingabvi muna Mwari, haatinzwi. Kubva pane izvi tinoziva mweya wechokwadi nemweya wekutsauka.Select 1 John 4:6
7Vadikanwi, ngatidanane; nokuti rudo rwunobva muna Mwari, uye umwe neumwe anoda wakaberekwa kubva muna Mwari, uye anoziva Mwari.Select 1 John 4:7
8Asingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo.Select 1 John 4:8
9Pane izvi rudo rwaMwari rwakaratidzwa matiri, kuti Mwari wakatuma Mwanakomana wake wakaberekwa umwe wega munyika, kuti tirarame kubudikidza naye.Select 1 John 4:9
10Rudo rwuri pachinhu ichi, kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave muripo wekuyananisa maererano nezvivi zvedu.Select 1 John 4:10
11Vadikanwi, kana Mwari akatida saizvozvo, nesu tinofanira kudanana.Select 1 John 4:11
12Hakuna wakamboona Mwari; kana tichidanana, Mwari anogara matiri, uye rudo rwake rwunoperedzerwa matiri.Select 1 John 4:12
13Pane izvi tinoziva kuti tinogara maari, naiye matiri, nokuti wakatipa zvinobva paMweya wake.Select 1 John 4:13
14Isuwo takaona uye tinopupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana kuva Muponesi wenyika.Select 1 John 4:14
15Ani nani anobvuma kuti Jesu Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari, naiye muna Mwari.Select 1 John 4:15
16Nesu takaziva uye takatenda rudo Mwari rwaanarwo kwatiri. Mwari rudo, uye anogara murudo anogara muna Mwari, naMwari maari.Select 1 John 4:16
17Pane izvi rudo rwakapedzeredzwa nesu, kuti tive neushingi nezuva rekutonga, nokuti sezvaari iye, nesu takadaro kunyika ino.Select 1 John 4:17
18Hakuna kutya murudo, asi rudo rwakaperera rwunodzingira kunze kutya, nokuti kutya kune marwadzo; anotya haana kuperedzerwa parudo.Select 1 John 4:18
19Isu tinomuda, nokuti iye wakatanga kutida.Select 1 John 4:19
20Kana umwe achitaura kuti: Ndinoda Mwari, asi achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti uyo asingadi hama yake yaakaona, anogona sei kuda Mwari waasina kuona?Select 1 John 4:20
21Uye murairo uyu tinawo kubva kwaari, kuti anoda Mwari ngaadewo hama yake.Select 1 John 4:21
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation