Hebrews 1
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Mwari iye ataura kare nenzira dzakawanda kumadzibaba nevaporofita muzvikamu nezvikamu,Select Hebrews 1:1
2pamazuva awa ekupedzisira akataura kwatiri muMwanakomana, waakagadza mudyi wenhaka wezvinhu zvese, waakaitawo naye nyika,Select Hebrews 1:2
3iye ari kupenya kwekubwinya, nemufananidzo chaiwo wekuvapo kwake, uye achitakura zvinhu zvese neshoko resimba rake, wakati aita kubudikidza naiye pachake kunatswa kwezvivi zvedu, akagara pasi kuruoko rwerudyi rweuMambo huri kunzvimbo dzekumusoro,Select Hebrews 1:3
4apfuudzwa vatumwa zvikuru pakunaka, sezvo akange awana nhaka yezita gurusa kupfuura ivo.Select Hebrews 1:4
5Nokuti ndekune upi wevatumwa kwaakamboti: Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ini ndakubereka? Uyezve: Ini ndichava kwaari Baba, uye iye achava Mwanakomana kwandiri?Select Hebrews 1:5
6Uye kana achiuisazve dangwe panyika anoti: Nevatumwa vese vaMwari ngavamunamate.Select Hebrews 1:6
7Nekuvatumwa zvirokwazvo anoti: Iye anoita vatumwa vake mweya, nevaranda vake murazvo wemoto;Select Hebrews 1:7
8asi kuMwanakomana anoti: Chigaro chenyu cheushe, Mwari, chiripo nekusingaperi-peri, tsvimbo yekururama itsvimbo yeushe hwenyu.Select Hebrews 1:8
9Makada kururama, ndokuvenga kuipa; naizvozvo Mwari, iye Mwari wenyu, wakakuzodzai nemafuta emufaro kupfuura vamwe venyu.Select Hebrews 1:9
10Uye kuti: Imwi Ishe, pakutanga makateya nheyo dzenyika, nematenga mabasa emaoko enyu;Select Hebrews 1:10
11izvo zvichaparara, asi imwi mucharamba muripo; uye zvese zvichasakara senguvo;Select Hebrews 1:11
12uye sechifukidzo muchazvipeta, uye zvichashandurwa; asi imwi makangodaro, nemakore enyu haangagumi.Select Hebrews 1:12
13Asi ndekune upi wevatumwa kwaakambotaura achiti: Gara kuruoko rwangu rwerudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako?Select Hebrews 1:13
14Ko havasi vese mweya inoshumira yakatumwa kuzoshumira nekuda kwevachazodya nhaka yeruponeso here?Select Hebrews 1:14
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation