Hebrews 11
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino rutendo ndirwo rusimbiso rwezvinotarisirwa, umbowo hwezvinhu zvisingaonekwi.Select Hebrews 11:1
2Nokuti nairwo vanhu vekare vakapupurirwa.Select Hebrews 11:2
3Nerutendo tinonzwisisa kuti nyika dzakarongwa neshoko raMwari, zvekuti zvinhu zvinoonekwa hazvibvi kuzvinhu zvinoonekwa.Select Hebrews 11:3
4Nerutendo Abheri wakabaira kuna Mwari chibairo chakanakisisa kupfuura Kaini; chaakawana nacho uchapupu kuti wakange akarurama, Mwari achipupurira zvipo zvake; naicho kunyange akafa achiri kutaura.Select Hebrews 11:4
5Nerutendo Enoki wakabviswa kuti arege kuona rufu, uye haana kuwanikwa, nokuti Mwari wakange amubvisa; nokuti asati abviswa wakapupurirwa kuti wakange afadza Mwari;Select Hebrews 11:5
6asi kunze kwerutendo hazvigoni kumufadza; nokuti anouya kuna Mwari anofanira kutenda kuti iye aripo, uye mupi wemubairo wevanomutsvaka.Select Hebrews 11:6
7Nerutendo Nowa wakati ayambirwa naMwari pamusoro pezvinhu zvichigere kuonekwa, nekutya akagadzira areka yeruponeso rweimba yake; akapa nyika mhosva nayo, akava mudyi wenhaka wekururama zvichienderana nerutendo.Select Hebrews 11:7
8Nerutendo Abhurahama wakateerera adanwa kuti abude aende kunzvimbo yaakanzi achazoigamuchira ive nhaka, ndokubuda, asingazivi kwaanoenda.Select Hebrews 11:8
9Nerutendo wakagara semutorwa munyika yechivimbiso, senyika yeutorwa, achigara mumatende pamwe naIsaka naJakobho, vadyi venhaka yechivimbiso chimwecho pamwe naye;Select Hebrews 11:9
10nokuti wakange achitarisira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nemuvaki waro.Select Hebrews 11:10
11Nerutendo naSara pachake wakagamuchira simba rekugamuchira mbeu, akabereka apfuura nguva, nokuti wakati iye wavimbisa wakatendeka.Select Hebrews 11:11
12Naizvozvowo vakaberekwa neumwe, izviwo ndezvewakafa, vakaita senyeredzi dzekudenga pakuwanda, uye sejecha riri pamahombekombe egungwa risingaverengeki.Select Hebrews 11:12
13Iva vese vakafira murutendo, vasina kugamuchira zvivimbiso, asi vakazvionera kure, vakatendeswa, vakazvigamuchira, vakabvuma kuti vaeni nevapfuuri panyika.Select Hebrews 11:13
14Nokuti vanotaura zvinhu zvakadaro, vanoratidza kuti vanotsvaka nyika yekwavo.Select Hebrews 11:14
15Nokuti kana zvirokwazvo vaifunga zvenyika iyo yavakabva kwairi, vangadai vakawana mukana wekudzokera.Select Hebrews 11:15
16Asi ikozvino vanoshuva iri nani, ndiyo yekudenga; naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo, kuti aidzwe Mwari wavo; nokuti wakavagadzirira guta.Select Hebrews 11:16
17Nerutendo Abhurahama paakaedzwa wakabaira Isaka, iyewo wakange agamuchira zvivimbiso akabaira mwana wake wakaberekwa umwe wega,Select Hebrews 11:17
18kwakanzi kwaari: Muna Isaka mbeu yako ichatumidzwa;Select Hebrews 11:18
19wakaona kuti Mwari anogona kumutsa kunyange kubva kuvakafa; ndipapowo paakamugamuchira mumufananidzo.Select Hebrews 11:19
20Nerutendo Isaka wakaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvinhu zvinouya.Select Hebrews 11:20
21Nerutendo Jakobho ava kufa wakaropafadza umwe neumwe wevanakomana vaJosefa, akanamata akasendama pamusoro pemudonzvo wake.Select Hebrews 11:21
22Nerutendo Josefa ava kufa wakataura zvekubuda kwevana vaIsraeri, akaraira pamusoro pemafupa ake.Select Hebrews 11:22
23Nerutendo Mozisi aberekwa wakavanzwa mwedzi mitatu nevabereki vake, nokuti vakaona mwana akanaka; uye havana kutya murairo wamambo.Select Hebrews 11:23
24Nerutendo Mozisi akura wakaramba kunzi mwanakomana wemukunda waFarao,Select Hebrews 11:24
25akasarudza kupfuura izvozvo kuitirwa zvakaipa pamwe nevanhu vaMwari pane kuva mumufaro wechivi kwechinguva;Select Hebrews 11:25
26akati kutukwa kwaKristu ifuma huru pane zvakakosha zveEgipita; nokuti wakange akatarira kumubairo.Select Hebrews 11:26
27Nerutendo wakasiya Egipita, asingatyi kutsamwa kwamambo; nokuti wakatsungirira seanomuona uyo asingaonekwi.Select Hebrews 11:27
28Nerutendo wakachengetedza pasika nekusaswa kweropa, kuti anouraya matangwe arege kuvabata.Select Hebrews 11:28
29Nerutendo vakagura nemuGungwa Dzvuku sepakaoma; VaEgipita vachizviidza vakanyura.Select Hebrews 11:29
30Nerutendo masvingo eJeriko akawa, apoteredzwa kusvikira mazuva manomwe.Select Hebrews 11:30
31Nerutendo Rakabhi chifeve haana kuparara pamwe nevasina kutenda, agamuchira vashori nerugare.Select Hebrews 11:31
32Zvino ndichataurireizve? Nokuti ndichapererwa nenguva ndichirondedzera zvaGidhioni naBharaki naSamusoni naJefita naDhavhidhi naSamueri, nezvevaporofita;Select Hebrews 11:32
33avo nerutendo vakakunda ushe, vakaita kururama, vakawana zvivimbiso, vakadzivira miromo yeshumba,Select Hebrews 11:33
34vakadzima simba remoto, vakapukunyuka muromo wemunondo, vakava nesimba kubva pautera, vakasimba pakurwa, vakadzinga hondo dzemamwe marudzi.Select Hebrews 11:34
35Vakadzi vakagamuchira vakafa vavo vachibva pakumuka; vamwewo vakashungurudzwa, vasingagamuchiri kusunungurwa, kuti vawane kumuka kuri nani;Select Hebrews 11:35
36vamwewo vakaedzwa nekuitwa chiseko nekuzvamburwa, uye nezvisungo nejere;Select Hebrews 11:36
37vakatakwa nemabwe, vakatsemurwa nepakati, vakaedzwa, vakafa pakuuraya kwemunondo; vakadzungaira vakapfeka matehwe emakwai nematehwe embudzi; vari nhoronhondo, vachitambudzika, vachishungurudzwa,Select Hebrews 11:37
38(nyika haina kuvafanira) vachidzungaira mumagwenga nemakomo nemapako nemakomba enyika.Select Hebrews 11:38
39Neava vese, vapupurirwa zvakanaka kubudikidza nerutendo havana kugamuchira chivimbiso,Select Hebrews 11:39
40sezvo Mwari wakange atigadzirira chinhu chiri nani, kuti varege kupedzeredzwa pasina isu.Select Hebrews 11:40
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation