Skip to content
Church.wiki
Hebrews

Hebrews 4

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Naizvozvo ngatitye zvimwe chivimbiso chekupinda muzororo rake chichiripo umwe wenyu aonekwe achitaira kuchisvikira.Select Hebrews 4:1

2Nokuti nesuwo takaparidzirwa evhangeri, sekwavariwo; asi shoko ravakanzwa harina kuvabatsira, sezvo risina kuvhenganiswa nerutendo kune avo vakanzwa.Select Hebrews 4:2

3Nokuti isu vakatenda tinopinda pazororo, sezvaakareva achiti: Sezvo ndakapika pakutsamwa kwangu ndikati: Havangatongopindi muzororo rangu; kunyange mabasa akange apedzwa kubva pakuvambwa kwenyika.Select Hebrews 4:3

4Nokuti wakataura pane imwe nzvimbo pamusoro pezuva rechinomwe sezvizvi: Mwariwo wakazorora nezuva rechinomwe pamabasa ake ese;Select Hebrews 4:4

5nepanozve: Havangatongopindi muzororo rangu.Select Hebrews 4:5

6Naizvozvo zvazvichipo kuti vamwe vachapinda mariri, uye vakatanga kuparidzirwa evhangeri havana kupinda nekusateerera,Select Hebrews 4:6

7anogurazve rimwe zuva, achiti: Nhasi, achitaura kubudikidza naDhavhidhi, nguva huru yakadai yapfuura, sezvakwakataurwa, kuchinzi: Nhasi kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa moyo yenyu.Select Hebrews 4:7

8Nokuti dai Joshua akange avapa zororo, haazaizoreva pashure peizvi pamusoro perimwe zuva.Select Hebrews 4:8

9Naizvozvo rasarirwa vanhu vaMwari zororo resabata.Select Hebrews 4:9

10Nokuti wakapinda muzororo rake iyewo wakazorora pamabasa ake, saMwari pane ake.Select Hebrews 4:10

11Naizvozvo ngatishingairire kupinda muzororo iroro, kuti kusava neanowira mumuenzaniso iwoyo wekusateerera.Select Hebrews 4:11

12Nokuti shoko raMwari ibenyu, uye rine simba, uye rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, uye rinobaya kusvikira panoparadzana moyo nemweya, nepemafundo nemongo; uye mutongi wendangariro nezvinangwa zvemoyo.Select Hebrews 4:12

13Hakunawo chisikwa chisingaratidziki pamberi pake; asi zvinhu zvese zvakashama uye zvakazarurirwa meso aiye watinozvidavirira kwaari.Select Hebrews 4:13

14Naizvozvo zvatine mupristi mukuru kwazvo, wakapfuurira kumatenga, Jesu Mwanakomana waMwari, ngatibatisise kupupura kwedu.Select Hebrews 4:14

15Nokuti hatina mupristi mukuru asingagoni kunzwiswa tsitsi neutera hwedu, asi wakaedzwa pazvinhu zvese sesu, asina chivi.Select Hebrews 4:15

16Naizvozvo ngatiswederei nekushinga kuchigaro cheushe chenyasha, kuti tigamuchire tsitsi, tiwane nyasha, tibatsirwe panguva yakafanira.Select Hebrews 4:16

Next: Hebrews 5Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Hebrews

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.