Hebrews 7
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Nokuti Merikizedheki uyu, mambo weSaremi, mupristi waMwari Wekumusoro-soro, wakasangana naAbhurahama achidzoka kubva kunouraya madzimambo, ndokumuropafadza,Select Hebrews 7:1
2Abhurahama wakamugovera chegumi chezvese; iye pakutanga ari nekuturikirwa mambo wekururama, uye shure kweizvozvo mambo weSaremiwo, ndokuti mambo werugare;Select Hebrews 7:2
3asina baba, asina mai, asina dzinza, asina mavambo amazuva, kana kuguma kweupenyu, asi wakafananidzwa neMwanakomana waMwari, anogara ari mupristi nekusingaperi.Select Hebrews 7:3
4Zvino rangarirai kuti mukuru sei uyu, teteguru Abhurahama vaakapawo chegumi chezvakapambiwa.Select Hebrews 7:4
5Zvino zvirokwazvo avo vanobva kuvanakomana VaRevhi vakagamuchira basa reupristi vane murairo wekutora chegumi kuvanhu zvichienderana nemurairo, ndiko kuti kuhama dzavo, kunyange vakabva muchiuno chaAbhurahama;Select Hebrews 7:5
6asi iye dzinza rake risina kuverengerwa kwavari wakagamuchira chegumi kuna Abhurahama, akamuropafadza iye wakange ane zvivimbiso.Select Hebrews 7:6
7Zvino pasina kupikisa kwese, mudiki unoropafadzwa nemukuru.Select Hebrews 7:7
8Uye pano vanhu vanofa vanogamuchira zvegumi; asi apo, anopupurirwa kuti mupenyu ndiye anogamuchira.Select Hebrews 7:8
9Zvino, kunganzi, kubudikidza naAbhurahama Revhiwo anogamuchira zvegumi wakapa zvegumi;Select Hebrews 7:9
10nokuti wakange achiri muchiuno chababa, apo Merikizedheki akamuchingamidza.Select Hebrews 7:10
11Naizvozvo, kana kupedzeredzwa kwaivapo neupristi hwaRevhi (nokuti pasi pahwo vanhu rwakapiwa murairo), ko umwe mupristi waifanira kuzomukirei kubva kurudzi rwaMerikizedheki, uye asingaidzwi werudzi rwaAroni?Select Hebrews 7:11
12Nokuti kana upristi huchishandurwa, zvinofanirawo kuti kuve neshanduko yemurairo.Select Hebrews 7:12
13Nokuti iye anorehwa zvinhu izvi pamusoro pake ndewerumwe rudzi, rwakange rusina munhu wakashumira paaritari.Select Hebrews 7:13
14Nokuti zviri pachena kuti Ishe wedu wakamuka kuna Judha, rudzi Mozisi rwaasina kumbotaura pamusoro parwo maererano neupristi.Select Hebrews 7:14
15Uye zvichiri pachena kwazvo kwazvo, kana kuchimuka umwe mupristi sewakatodzana naMerikizedheki,Select Hebrews 7:15
16asina kuitwa nenzira yemurairo wekuraira kwenyama, asi nenzira yesimba reupenyu husingaparadziki.Select Hebrews 7:16
17Nokuti anopupura achiti: Iwe uri mupristi nekusingaperi kubva kurudzi rwaMerikizedheki.Select Hebrews 7:17
18Nokuti kuparadzwa kwemurairo wekutanga kwakavapo nekuda kweutera nekusabatsira kwawo;Select Hebrews 7:18
19nokuti murairo hauna kupedzeredza chinhu, asi kutangiswa kwetariro iri nani kwakazviita, yatinoswedera nayo kuna Mwari.Select Hebrews 7:19
20Uye zvaasina kuitwa pasina mhiko,Select Hebrews 7:20
21(nokuti ivo vakava vapristi pasina mhiko, asi iye nemhiko, kubudikidza naiye wakati kwaari: Ishe wakapika uye haangazvidembi achiti: Iwe uri mupristi nekusingaperi kubva kurudzi rwaMerikizedheki);Select Hebrews 7:21
22saizvozvo Jesu wakaitwa rubatso rwesungano inopfuura pakunaka.Select Hebrews 7:22
23Naivo zvirokwazvo vaiva vapristi vazhinji, nokuti vakadziviswa kugara nekuda kwerufu.Select Hebrews 7:23
24Asi uyu, nokuti anogara nekusingaperi ane upristi husingapfuuri.Select Hebrews 7:24
25Naizvozvo ane simbawo rekuponesa zvakakwana avo vanouya kuna Mwari nemaari, zvaanoraramira kuvareverera nekusingaperi.Select Hebrews 7:25
26Nokuti mupristi mukuru wakadaro ndiye wakatifanira, mutsvene, asina chakaipa, asina kusvibiswa, wakaparadzaniswa nevatadzi, wakakwidzwa kupfuura matenga;Select Hebrews 7:26
27asingafaniri zuva nezuva, sevaya vapristi vakuru, kubaira chibairo pakutanga pamusoro pezvivi zvake pachake, pashure zvevanhu; nokuti wakaita izvozvi kamwe chete, paakazvibaira iye.Select Hebrews 7:27
28Nokuti murairo unogadza vanhu kuva vapristi vakuru, vane utera; asi shoko remhiko, rakatevera murairo, rinogadza Mwanakomana, wakakwana nekusingaperi.Select Hebrews 7:28
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation