Hebrews 9
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Naizvozvowo zvirokwazvo sungano yekutanga yakange ine zviga zvekushumira Mwari, nenzvimbo tsvene yenyika.Select Hebrews 9:1
2Nokuti tabhenakeri yakagadzirwa, yekutanga maiva nechigadziko chemwenje netafura nezvingwa zvekuratidza, ndiyo inonzi nzvimbo tsvene.Select Hebrews 9:2
3Zvino seri kwevheiri rechipiri kwakange kune tabhenakeri yainzi nzvimbo tsvene yedzitsvene,Select Hebrews 9:3
4yakange ine mudziyo wegoridhe wezvipfungaidzo zvinonhuhwira, neareka yesungano yakange yakanamwa nhivi dzese negoridhe, maiva nehari yegoridhe yakange ine mana, netsvimbo yaAroni yakatunga, nemaheandefa esungano;Select Hebrews 9:4
5nepamusoro payo makerubhi ekubwinya, akadzikatira nzvimbo yetsitsi; zvatisingarondedzeri tichiita chimwe chimwe ikozvino.Select Hebrews 9:5
6Zvinhu izvi zvakati zvagadzirwa saizvozvo, vapristi vaipinda nguva dzese mutabhenakeri yekutanga, vachipedzeredza mabasa ekushumira Mwari;Select Hebrews 9:6
7asi kune yechipiri mupristi mukuru waipinda ari ega kamwe pagore, kwete asina ropa, raaizvibairira iye pachake nezvitadzo zvevanhu;Select Hebrews 9:7
8Mweya Mutsvene achiratidza ichi, kuti nzira yenzvimbo tsvene yakange isati yataridzwa, tabhenakeri yekutanga ichimire;Select Hebrews 9:8
9yakange iri mufananidzo wenguva iyoyo, paibairwa zvese zvipo nezvibairo, zvisingagoni kupedzeredza maererano nehana iye anoshumira;Select Hebrews 9:9
10zvinongova zvekudya nezvinwiwa nekushamba kwakasiyana-siyana nezviga zvenyama, zvakaiswa pamusoro pavo kusvikira panguva yekururamisa.Select Hebrews 9:10
11Asi Kristu wakati asvika ari mupristi mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozouya, kubudikidza netabhenakeri yakapfuura pakukura nepakuperedzerwa, isina kuitwa nemaoko, ndiko kuti isati iri yekusikwa kuno,Select Hebrews 9:11
12uye kwete neropa rembudzi nemhuru, asi neropa rake pachake wakapinda kamwe panzvimbo tsvene, awana rudzikunuro rwusingaperi.Select Hebrews 9:12
13Nokuti kana ropa renzombe nerembudzi, nemadota etsiru zvichisasa pavakasvibiswa, zvichivaita vatsvene kusvika pakuchenurwa panyama,Select Hebrews 9:13
14zvikuru sei ropa raKristu, iye kubudikidza neMweya wekusingaperi wakazvibaira kuna Mwari asina gwapa, richanatsa hana dzenyu pamabasa akafa, pakushumira Mwari mupenyu?Select Hebrews 9:14
15Uye nemhaka iyi ndiye murevereri wesungano itsva, kuti sezvo rufu rwakasvika pakudzikunurwa kwekudarika pasungano yekutanga, avo vakadanwa vagogamuchira chivimbiso chenhaka isingaperi.Select Hebrews 9:15
16Nokuti pane rugwaro rwenhaka, panofanira kukumikidzwa rufu rwaiye wakaita rugwaro rwenhaka.Select Hebrews 9:16
17Nokuti rugwaro rwenhaka rwune simba kune vakafa, sezvo rwusingatongovi nesimba kana wakaita rugwaro rwenhaka achiri mupenyu.Select Hebrews 9:17
18Naizvozvo kunyange yekutanga haina kugadzwa pasina ropa.Select Hebrews 9:18
19Nokuti zviga zvese zvakati zvataurwa kuvanhu vese naMozisi zvichienderana nemurairo, wakatora ropa remhuru nembudzi, pamwe nemvura nemakushe matsvuku, nehisopi*, akasasa zvese bhuku pacharo nevanhu vese,Select Hebrews 9:19
20achiti: Iri iropa resungano Mwari yaakakurairai.Select Hebrews 9:20
21Saizvozvowo wakasasa neropa zvese tabhenakeri nemidziyo yese yekushumira.Select Hebrews 9:21
22Zvino zvinhu zvinenge zvese maererano nemurairo zvinonatswa neropa, uye pasina kuteurwa kweropa hapana kanganwiro.Select Hebrews 9:22
23Naizvozvo zvakafanira kuti mifananidzo yezvinhu zviri kumatenga inatswe nezvizvi, asi zvinhu zvekudenga pachazvo zvinatswe nezvibairo zvakanaka kupfuura izvi.Select Hebrews 9:23
24Nokuti Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakaitwa nemaoko, iri mifananidzo yezvechokwadi, asi wakapinda kudenga pachake, kuti ikozvino aonekerwe isu pachiso chaMwari;Select Hebrews 9:24
25uye kwete kuti azvibaire kazhinji, semupristi mukuru anopinda panzvimbo tsvene gore rimwe nerimwe neropa rezvimwe;Select Hebrews 9:25
26dai zvakange zvakadaro, waifanira kutambura kazhinji kubva pakuvambwa kwenyika; asi ikozvino wakaonekwa kamwe pakupedzisira kwenguva kuti abvise chivi kubudikidza nechibairo chake amene.Select Hebrews 9:26
27Uye sezvazvakatemerwa vanhu kuti vafe kamwe, uye shure kwezvizvi kutongwa;Select Hebrews 9:27
28saizvozvowo Kristu, abairwa kamwe kuti atakure zvivi zvevazvinji, achazoonekwa rwechipiri asina chivi neavo vanomutarira, rwuve ruponeso.Select Hebrews 9:28
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation