Skip to content
Church.wiki
1 Corinthians

1 Corinthians 10

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Uye handidi kuti murege kuziva, hama, kuti madzibaba edu ese akange ari pasi pegore, uye ese akagura nemugungwa,Select 1 Corinthians 10:1

2uye ese akabhabhatidzwa muna Mozisi mugore nemugungwa,Select 1 Corinthians 10:2

3uye ese akadya kudya kumwe kwemweya,Select 1 Corinthians 10:3

4uye ese akanwa zvinwiwa zvimwe zvemweya; nokuti akanwa kubva padombo remweya rakavatevera; uye dombo iro rakange riri Kristu.Select 1 Corinthians 10:4

5Asi muruzhinji rwawo Mwari haana kufadzwa; nokuti akaparadzwa murenje.Select 1 Corinthians 10:5

6Zvino zvinhu izvi zvakava mifananidziro kwatiri, kuti tirege kushuva zvakaipa, sezvavakashuvawo.Select 1 Corinthians 10:6

7Uye musava vanamati vezvifananidzo, sevamwe vavo; sezvakwakanyorwa, kuchinzi: Vanhu vakagara pasi kudya nekunwa, ndokusimuka kutamba.Select 1 Corinthians 10:7

8Uye ngatirege kupomba, sevamwe vavo vakaita upombwe, ndokuwa nezuva rimwe zvuru makumi maviri nezvitatu.Select 1 Corinthians 10:8

9Uye ngatirege kuidza Kristu, sevamwe vavowo vakamuidza, vakaparadzwa nenyoka.Select 1 Corinthians 10:9

10Muregewo kun'un'una, sevamwe vavowo vakan'un'una, vakaparadzwa nemuparadzi.Select 1 Corinthians 10:10

11Zvinhu izvi zvese zvakavawirawo kuti zvive mifananidziro; uye zvakanyorwa kuva yambiro yedu takasvikirwa nemagumo enyika.Select 1 Corinthians 10:11

12Naizvozvo anofunga kuti amire, ngaaone kuti haawi.Select 1 Corinthians 10:12

13Hakuna muedzo wakakubatai kunze kweuri muvanhu; asi Mwari wakatendeka, asingazotenderi kuti muidzwe kupfuura pamunogona napo, asi pamwe nemuedzo achaitawo nzira yekupukunyuka, kuti mugone kuutakura.Select 1 Corinthians 10:13

14Naizvozvo, vadikanwi vangu, tizai kunamata zvifananidzo.Select 1 Corinthians 10:14

15Ndinotaura sekune vakachenjera; imwi tongai zvandinotaura.Select 1 Corinthians 10:15

16Mukombe weropafadzo watinoropafadza, hausi kugoverana kweropa raKristu here? Chingwa chatinomedura, hachisi kugoverana kwemuviri waKristu here?Select 1 Corinthians 10:16

17Nokuti isu vazhinji tiri chingwa chimwe, muviri umwe; nokuti isu tese tinogovana pachingwa chimwe.Select 1 Corinthians 10:17

18Tarirai Israeri zvepanyama; vanodya zvibairo havasi ivo vanogoverana nearitari here?Select 1 Corinthians 10:18

19Ko ndoti kudii? Kuti chifananidzo chinhu here? Kana kuti chakabairwa chifananidzo chinhu here?Select 1 Corinthians 10:19

20Asi kuti vahedheni zvavanobaya, vanozvibaira madhimoni, uye kwete kuna Mwari; zvino handidi kuti mudyidzane nemadhimoni.Select 1 Corinthians 10:20

21Hamugoni kunwa mukombe waIshe nemukombe wemadhimoni; hamugoni kugovana tafura yaIshe netafura yemadhimoni.Select 1 Corinthians 10:21

22Kana tinozvimutsira godo Ishe here? Ko takasimba kumupfuura here?Select 1 Corinthians 10:22

23Zvinhu zvese zvinotenderwa kwandiri; asi hazvisi zvese zvinobatsira. Zvinhu zvese zvinotenderwa kwandiri; asi hazvisi zvese zvinovaka.Select 1 Corinthians 10:23

24Kusava neanozvitsvakira zvake, asi umwe neumwe zveumwe.Select 1 Corinthians 10:24

25Zvese zvinotengeswa pamisika yenyama idyai, musingabvunzi chinhu nekuda kwehana;Select 1 Corinthians 10:25

26nokuti nyika ndeya Ishe nekuzara kwayo.Select 1 Corinthians 10:26

27Uye kana umwe wevasingatendi akakukokai, uye muchida kuenda, chese chinoiswa pamberi penyu idyai musingabvunzi chinhu nekuda kwehana.Select 1 Corinthians 10:27

28Asi kana umwe akati kwamuri: Ichi chakabairwa chifananidzo; musadya nekuda kwaiye wakuratidzai, uye kwehana; nokuti nyika ndeya Ishe nekuzara kwayo.Select 1 Corinthians 10:28

29Asi hana ndinoti, isati iri yako, asi yeumwe; nokuti kusununguka kwangu kunotongerwei nehana yeumwe?Select 1 Corinthians 10:29

30Uye kana ini nenyasha ndichiwana mugove, ndingagotukirwei nekuda kwechinhu chandinovonga ini?Select 1 Corinthians 10:30

31Naizvozvo kana muchidya, kana kunwa, kana chipi nechipi chamunoita, zviitirei rukudzo rwaMwari.Select 1 Corinthians 10:31

32Regai kugumbusa zvese kuVaJudha nekuVaGiriki nekukereke yaMwari;Select 1 Corinthians 10:32

33seniwo ndinofadza vese pazvese, ndisingatsvaki rubatsiro rwangu, asi rwevazhinji, kuti vaponeswe.Select 1 Corinthians 10:33

Next: 1 Corinthians 11Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

1 Corinthians

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.