1 Corinthians 12
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino maererano nezvipo zveMweya, hama, handidi kuti musaziva.Select 1 Corinthians 12:1
2Munoziva kuti maiva vahedheni muchikweverwa kuzvifananidzo mbeveve, sevanotungamirirwa.Select 1 Corinthians 12:2
3Saka ndinokuzivisai, kuti hakuna munhu anotaura neMweya waMwari anoti: Jesu ndichakatukwa; uye hakuna munhu angati: Jesu ndiIshe, kunze neMweya Mutsvene.Select 1 Corinthians 12:3
4Zvino kune marudzi akasiyana ezvipo, asi Mweya ndeumwe.Select 1 Corinthians 12:4
5Uye kune marudzi akasiyana eushumiri, asi Ishe mumwe.Select 1 Corinthians 12:5
6Kune marudzi akasiyana emabasa, asi ndiMwari umwe, anobata zvese mune vese.Select 1 Corinthians 12:6
7Asi umwe neumwe anopiwa kuratidza kweMweya kune zvinobatsira.Select 1 Corinthians 12:7
8Nokuti kune umwe kunopiwa neMweya shoko reuchenjeri, nekune umwe shoko reruzivo, neMweya iwoyu;Select 1 Corinthians 12:8
9nekune umwe rutendo, neMweya iwoyu, nekune umwe zvipo zvekuporesa, neMweya iwoyu;Select 1 Corinthians 12:9
10nekune umwe kuita mabasa esimba, nekune umwe chiporofita, nekune umwe kupatsanura mweya, nekune umwe marudzi endimi, nekune umwe kududzira ndimi;Select 1 Corinthians 12:10
11asi izvi zvese Mweya iwoyu umwe unozviita, unogovera umwe neumwe pachake sezvaanoda.Select 1 Corinthians 12:11
12Nokuti muviri sezvauri umwe, uye une mitezo mizhinji, nemitezo yese yemuviri uyu umwe, kunyange iri mizhinji, muviri ndeumwe; wakadarowo Kristu.Select 1 Corinthians 12:12
13Nokutiwo neMweya umwe isu tese takabhabhatidzirwa mumuviri umwe, kana VaJudha kana VaGiriki, kana varanda kana vakasununguka; tesewo takanwiswa paMweya umwe.Select 1 Corinthians 12:13
14Nokutiwo muviri hausi mutezo umwe asi mizhinji.Select 1 Corinthians 12:14
15Kana rutsoka rukati: Nokuti handisi ruoko, handisi wemuviri; zvisinei naizvozvi harwusi rwemuviri here?Select 1 Corinthians 12:15
16Nenzeve kana ikati: Nokuti handisi ziso, handisi wemuviri; zvisinei naizvozvi haisi yemuviri here?Select 1 Corinthians 12:16
17Dai muviri wese waiva ziso, kunzwa kwaivepi? Kana wese waiva kunzwa, kunhuhwidza kungadai kuripi?Select 1 Corinthians 12:17
18Asi zvino Mwari wakagadza mitezo, umwe neumwe wayo, pamuviri, sezvaakada.Select 1 Corinthians 12:18
19Asi kana yese yaiva mutezo umwe, muviri ungadai uri kupi?Select 1 Corinthians 12:19
20Asi zvino mitezo mizhinji, asi muviri umwe.Select 1 Corinthians 12:20
21Uye ziso harigoni kuti kuruoko: Handinei newe; kanazve musoro kutsoka: Handinei newe.Select 1 Corinthians 12:21
22Asi zvikuru kwazvo mitezo iyo yemuviri inoonekwa seisina simba zvikuru, inodikanwa;Select 1 Corinthians 12:22
23naiyo yemuviri yatinofunga kuti haikudzwi, ndiyo yatinopa rukudzo zvakawedzerwa; nemitezo iyo yedu isina kunaka ine runako rwakawedzerwa;Select 1 Corinthians 12:23
24asi yedu ine runako haishaiwi; asi Mwari wakabatanidza muviri pamwe, apa rukudzo rukuru kune yaishayiwa,Select 1 Corinthians 12:24
25kuti parege kuva nekupatsanurana pamuviri; asi mitezo ichengetane zvakaenzana.Select 1 Corinthians 12:25
26Uye kana mutezo umwe uchitambudzika, mitezo yese inotambudzika pamwe nawo; kana mutezo umwe uchikudzwa, mitezo yese inofara pamwe nawo.Select 1 Corinthians 12:26
27Zvino imwi muri muviri waKristu, nemitezo, umwe neumwe.Select 1 Corinthians 12:27
28Uye Mwari wakagadza vamwe pakereke, kutanga vaapositori, kechipiri vaporofita, kechitatu vadzidzisi, kozouya mabasa esimba, tevere zvipo zvekuporesa, mabasa erubatsiro, utungamiriri, ndimi dzakasiyana-siyana.Select 1 Corinthians 12:28
29Vese vaapositori here? Vese vaporofita here? Vese vadzidzisi here? Vese vanoita mabasa esimba here?Select 1 Corinthians 12:29
30Vese vane zvipo zvekuporesa here? Vese vanotaura nendimi here? Vese vanodudzira here?Select 1 Corinthians 12:30
31Asi shuvai zvipo zvakanakisisa. Uye ndichiri kukuratidzai nzira yakanakisisa zvikuru.Select 1 Corinthians 12:31
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation