1 Corinthians 14
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Tevererai rudo; mushuve zvikuru zvemweya, asi zvikurusa kuti muporofite.Select 1 Corinthians 14:1
2Nokuti anotaura nendimi haatauri kuvanhu, asi kuna Mwari; nokuti hakuna anomunzwa; asi mumweya anotaura zvakavanzika.Select 1 Corinthians 14:2
3Asi anoporofita anotaura kuvanhu kuvaka nekurudziro nenyaradzo.Select 1 Corinthians 14:3
4Anotaura nendimi anozvivaka iye; asi anoporofita anovaka kereke.Select 1 Corinthians 14:4
5Ndinodawo kuti imwi mese mutaure nendimi, asi zvikuru kuti muporofite; nokuti anoporofita mukuru kune anotaura nendimi, kunze kwekuti achidudzira, kuti kereke iwane kuvakwa.Select 1 Corinthians 14:5
6Asi ikozvino, hama, kana ndichiuya kwamuri ndichitaura nendimi, ndichakubatsirai nei, kunze kwekuti ndichitaura nemwi kana muchakazarurwa, kana muruzivo, kana muchiporofita, kana mudzidziso?Select 1 Corinthians 14:6
7Zvakadaro zvinhu zvisina upenyu zvinorira, kana nyere, kana rudimbwa, kana zvisingapi musiyano pamaririro, zvingazikanwa sei chinoridzwa nenyere kana kuridzwa rudimbwa?Select 1 Corinthians 14:7
8Nokutiwo kana hwamanda ichipa maungira asinganzwisisiki, ndiani angazvigadzira hondo?Select 1 Corinthians 14:8
9Saizvozvowo imwi, kana musingapi nerurimi shoko rakareruka kunzwisiswa, zvinotaurwa zvichazikanwa sei? Nokuti muchava vanotaura kumhepo.Select 1 Corinthians 14:9
10Ariko, kana zvingaitika, manzwi ane marudzi mazhinji zvakadai panyika asi hakuna rimwe risingarevi chinhu.Select 1 Corinthians 14:10
11Naizvozvo kana ndisingazivi zvinoreva inzwi, ndichava munhu werumwe rurimi kune anotaura, neanotaura munhu werumwe rurimi kwandiri.Select 1 Corinthians 14:11
12Zvakadaro nemwi, sezvamunoshingairira zvipo zveMweya, tsvakai kuti mupfuurise pakuvaka kereke.Select 1 Corinthians 14:12
13Naizvozvo anotaura nendimi ngaanyengetere kuti adudzire.Select 1 Corinthians 14:13
14Nokuti kana ndichinyengetera nendimi, mweya wangu unonyengetera, asi fungwa dzangu hadzina chibereko.Select 1 Corinthians 14:14
15Zvino chii? Ndichanyengetera nemweya, uye ndichanyengetera nefungwawo; ndichaimba nemweya, uye ndichaimba nefungwawo.Select 1 Corinthians 14:15
16Kana zvisakadaro, kana uchivonga nemweya, uyo agere pachigaro cheasina kudzidza achati Ameni sei pakuvonga kwako, zvaasingazivi chaunotaura?Select 1 Corinthians 14:16
17Nokuti zvirokwazvo iwe unovonga zvakanaka, asi umwe haavakwi.Select 1 Corinthians 14:17
18Ndinovonga Mwari wangu, kuti ndinotaura nendimi kupfuura imwi mese;Select 1 Corinthians 14:18
19asi mukereke ndinoda kutaura mashoko mashanu nefungwa dzangu, kuti ndidzidzise vamwewo, pamashoko zvuru gumi nendimi.Select 1 Corinthians 14:19
20Hama, musava vana pafungwa; asi pazvakaipa muve vacheche, asi pakuziva muve vakuru.Select 1 Corinthians 14:20
21Pamurairo pakanyorwa kuti: Nedzimwe ndimi uye neimwe miromo ndichataura kurudzi urwu; kunyange zvakadaro havangandinzwi, anoreva Ishe.Select 1 Corinthians 14:21
22Naizvozvo ndimi ndedzechiratidzo, kwete kune vanotenda, asi kune vasingatendi; asi chiporofita hachisi chevasingatendi, asi chevanotenda.Select 1 Corinthians 14:22
23Naizvozvo kana kereke yese yaungana panzvimbo imwe, vese ndokutaura nendimi, vasina kudzidza kana vasina rutendo vakapinda, havati munopenga here?Select 1 Corinthians 14:23
24Asi kana vese vakaporofita, umwe asingatendi kana asina kudzidza ndokupinda, achatsiurwa nevese, aongororwe nevese;Select 1 Corinthians 14:24
25uye saizvozvo zvakavanzika zvemoyo wake zvinoratidzwa; saizvozvowo achawa nechiso achinamata Mwari, nekupupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo.Select 1 Corinthians 14:25
26Zvino chii, hama? Pega-pega pamunoungana, umwe neumwe wenyu ane pisarema, ane dzidziso, ane ndimi, ane chakazarurwa, ane dudziro. Zvinhu zvese ngazviitirwe kuvaka.Select 1 Corinthians 14:26
27Kana umwe achitaura nendimi ngazviitwe nevaviri, kana varege kupfuura vatatu, uye vachiravana, neumwe ngaadudzire.Select 1 Corinthians 14:27
28Asi kana pasina mududziri, ngaanyarare mukereke; uye ngaataure kwaari nekuna Mwari.Select 1 Corinthians 14:28
29Vaporofitawo ngavataure vaviri kana vatatu, nevamwe ngavatonge.Select 1 Corinthians 14:29
30Asi kana zvakazarurirwa umwe agerepo, wekutanga ngaanyarare.Select 1 Corinthians 14:30
31Nokuti mese mungaporofita umwe-umwe, kuti vese vadzidze, uye vese vakurudzirwe;Select 1 Corinthians 14:31
32nemweya yevaporofita inozviisa pasi pevaporofita.Select 1 Corinthians 14:32
33Nokuti Mwari haasi wenyonga-nyonga, asi werugare, sapamakereke ese evatsvene.Select 1 Corinthians 14:33
34Vanhukadzi venyu ngavanyarare mumakereke; nokuti havatenderwi kutaura; asi kuzviisa pasi, sezvinorevawo murairo.Select 1 Corinthians 14:34
35Kana vachidawo kudzidza chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba; nokuti chinyadzo kumunhukadzi kutaura mukereke.Select 1 Corinthians 14:35
36Ko shoko raMwari rakabva kwamuri here? Kana rakasvika kwamuri mega here?Select 1 Corinthians 14:36
37Kana munhu achifunga kuti muporofita kana wemweya, ngaatende zvinhu zvandinonyora kwamuri, kuti mirairo yaIshe.Select 1 Corinthians 14:37
38Asi kana munhu asingazivi, ngaave asingazivi.Select 1 Corinthians 14:38
39Naizvozvo, hama, shingairirai kuporofita, musingadzivisi kutaura nendimi.Select 1 Corinthians 14:39
40Zvinhu zvese ngazviitwe nemutoo wakafanira uye zvichitevedzana.Select 1 Corinthians 14:40
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation