Skip to content
Church.wiki
1 Corinthians

1 Corinthians 7

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino maererano nezvinhu zvamakandinyorera, ndinoti: Zvakanaka kumunhu kuti asabata mukadzi.Select 1 Corinthians 7:1

2Asi nekuda kweupombwe, umwe neumwe ngaave nemukadzi wake pachake, nemukadzi umwe neumwe ngaave nemurume wake pachake.Select 1 Corinthians 7:2

3Murume ngaaripire mukadzi chido chakafanira; nemukadzi saizvozvowo kumurume.Select 1 Corinthians 7:3

4Mukadzi haana simba pamusoro pemuviri wake pachake, asi murume; uye saizvozvowo murume haana simba pamusoro pemuviri wake pachake, asi mukadzi.Select 1 Corinthians 7:4

5Musanyimana, kunze kwekutenderana kwechinguva, kuti muzvipe kukutsanya nekunyengetera, mugosanganazve, kuti Satani arege kukuidzai pakusazvidzora kwenyu.Select 1 Corinthians 7:5

6Asi ndinotaura izvi nemvumo, kwete nemurairo.Select 1 Corinthians 7:6

7Nokuti ndinoda kuti dai vanhu vese vava seni; asi umwe neumwe ane chipo chake pachake chinobva kuna Mwari, umwe chakadai, umwewo chakadai.Select 1 Corinthians 7:7

8Asi ndinoti kune vasina kuwana nekuchirikadzi: Zvakanaka kwavari kana vachigara seniwo.Select 1 Corinthians 7:8

9Asi kana vasina kuzvidzora, ngavawane; nokuti zviri nani kuwana pakutsva.Select 1 Corinthians 7:9

10Zvino kune vakawana ndinoraira, kwete ini, asi Ishe, kuti mukadzi arege kuparadzana nemurume.Select 1 Corinthians 7:10

11Asi kana iye achiparadzana naye, ngaarambe asina kuwanikwa, kana ayananiswe nemurume, nemurume ngaarege kurasa mukadzi.Select 1 Corinthians 7:11

12Zvino kune vamwe ndini ndinotaura, kwete Ishe: Kana hama ipi ine mukadzi asingatendi, uye iye achifara kugara naye, ngaarege kumurasa.Select 1 Corinthians 7:12

13Nemukadzi ane murume asingatendi, uye iye achida hake kugara naye, ngaarege kumusiya.Select 1 Corinthians 7:13

14Nokuti murume asingatendi anoitwa mutsvene nemukadzi, nemukadzi asingatendi anoitwa mutsvene nemurume. Kana zvisina kudaro vana venyu vaiva netsvina, asi zvino vatsvene.Select 1 Corinthians 7:14

15Zvino kana asingatendi achizviparadzanisa, ngaazviparadzanise; hamarume kana hamakadzi haisungwi pane zvakadaro; asi Mwari wakatidanira murugare.Select 1 Corinthians 7:15

16Nokuti unoziva nei, mukadzi, kana uchaponesa murume? Kana unoziva nei, murume, kana uchaponesa mukadzi?Select 1 Corinthians 7:16

17Chete Mwari sezvaakagovera kune umwe neumwe, Ishe sezvaakadana umwe neumwe, ngaafambe saizvozvo. Saizvozvowo ndinoraira pamakereke ese.Select 1 Corinthians 7:17

18Kune wakadanwa adzingiswa here? Ngaarege kuva asakadzingiswa. Kune wakadanwa asakadzingiswa here? Ngaaarege kudzingiswa.Select 1 Corinthians 7:18

19Dzingiso hachisi chinhu, nekusadzingiswa hachisi chinhu, asi kuchengetwa kwemirairo yaMwari.Select 1 Corinthians 7:19

20Umwe neumwe ngaagare mukudanwa kwaakadanwa makuri.Select 1 Corinthians 7:20

21Wakadanwa uri muranda here? Usazvidya moyo; asiwo kana ungasunungurwa, zviri nani uzvishandise.Select 1 Corinthians 7:21

22Nokuti uyo wakadanwa muna Ishe ari nhapwa, wava musunungurwa waIshe; saizvozvowo uyo wakadanwa akasununguka, wava nhapwa yaKristu.Select 1 Corinthians 7:22

23Makatengwa nemutengo; musava varanda vevanhu.Select 1 Corinthians 7:23

24Umwe neumwe zvaakadanirwa, hama, ngaagare pazviri anaMwari.Select 1 Corinthians 7:24

25Asi maererano nemhandara handina murairo waIshe; asi ndinopa maonero angu sewakawana tsitsi naIshe kuva wakatendeka.Select 1 Corinthians 7:25

26Naizvozvo ndinofunga kuti izvi zvakanaka nekuda kwematambudziko aripo, kuti zvakanakira munhu kuti adai.Select 1 Corinthians 7:26

27Wakasungirirwa kumukadzi here? Usatsvaka kusunungurwa. Wakasunungurwa kubva kumukadzi here? Usatsvaka mukadzi.Select 1 Corinthians 7:27

28Asi zvino kana wawana, hauna kutadza; nemhandara kana yawanikwa, haina kutadza. Asi vakadaro vachava nedambudziko panyama; asi ini ndinoda kukutavirirai.Select 1 Corinthians 7:28

29Asi ndinozvitaura izvi, hama, kuti nguva ipfupi; kubva ikozvino nevane vakadzi ngavave sevasina;Select 1 Corinthians 7:29

30nevanochema, sevasingachemi; nevanofara, sevasingafari; nevanotenga, sevasina chinhu;Select 1 Corinthians 7:30

31nevanoshandisa nyika ino, sevasingaishandisi kwazvo; nokuti chimiro chenyika ino chinopfuura.Select 1 Corinthians 7:31

32Asi ndinoda kuti murege kuva nekufunganya. Asina kuwana anofunganya zvinhu zvaIshe, kuti angafadza Ishe sei;Select 1 Corinthians 7:32

33asi wakawana anofunganya zvinhu zvenyika, kuti angafadza mukadzi sei.Select 1 Corinthians 7:33

34Mukadzi wakasiyaniswa nemhandara. Asina kuwanikwa anofunganya zvinhu zvaIshe, kuti ave mutsvene zvese pamuviri nepamweya; asi uyo wakawanikwa anofunganya zvinhu zvenyika, kuti angafadza murume sei.Select 1 Corinthians 7:34

35Izvi ndinotaurira rubatsiro rwenyu pachenyu; kwete kuti ndikande musungo pamusoro penyu, asi zvakafanira nekunamatira pana Ishe musingapinganidzwi.Select 1 Corinthians 7:35

36Asi kana umwe achifunga kuti anozvibata zvisakafanira kumhandara yake, iyo yakurisa, uye zvakafanira kuti zviitike saizvozvo, ngaaite zvaanoda, haatadzi; ngavawanane.Select 1 Corinthians 7:36

37Asi anomira akasimba mumoyo, asingamanikidzwi chinhu, uye ane simba pamusoro pechido chake pachake, akatema izvi mumoyo make kuti achachengeta mhandara yake, anoita zvakanaka.Select 1 Corinthians 7:37

38Naizvozvowo uyo anowananisa anoita zvakanaka; asi asingawananisi anoita zviri nani.Select 1 Corinthians 7:38

39Mukadzi wakasungwa nemurairo nguva dzese murume wake achirarama; asi kana murume wake afa, wasununguka kuwanikwa newaanoda, muna Ishe chete.Select 1 Corinthians 7:39

40Asi anganyanya kufara kana achigara akadaro, pakufunga kwangu; uye ndinofunga kuti neni ndine Mweya waMwari.Select 1 Corinthians 7:40

Next: 1 Corinthians 8Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

1 Corinthians

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.