Skip to content
Church.wiki
1 John

1 John 5

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Ani nani anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, wakaberekwa kubva kuna Mwari; uye ani nani anoda uyo wakabereka anodawo wakaberekwa kubva kwaari.Select 1 John 5:1

2Pane izvi tinoziva kuti tinoda vana vaMwari, kana tichida Mwari, uye tichichengeta mirairo yake.Select 1 John 5:2

3Nokuti urwu rudo rwaMwari, kuti tichengete mirairo yake; uye mirairo yake hairemi.Select 1 John 5:3

4Nokuti chipi nechipi chakaberekwa kubva kuna Mwari chinokunda nyika; uye uku ndiko kukunda kunokunda nyika, irwo rutendo rwedu.Select 1 John 5:4

5Ndiani anokunda nyika, kana asiri iye anotenda kuti Jesu Mwanakomana waMwari?Select 1 John 5:5

6Uyu ndiye wakauya nemvura neropa, iye Jesu Kristu; kwete nemvura yega, asi nemvura neropa. Zvino Mweya ndiye anopupura, nokuti Mweya ichokwadi.Select 1 John 5:6

7Nokuti kune vatatu vanopupura kudenga, Baba, Shoko, naMweya Mutsvene; uye ava vatatu ndimumwe.Select 1 John 5:7

8Uye kune vatatu vanopupura panyika, Mweya, nemvura, neropa, uye ava vatatu vanonova chimwe.Select 1 John 5:8

9Kana tichigamuchira uchapupu hwevanhu, uchapupu hwaMwari hwakapfuura kukura; nokuti uhu uchapupu hwaMwari, hwaakapupura pamusoro peMwanakomana wake.Select 1 John 5:9

10Uyo anotenda kuMwanakomana waMwari ane uchapupu maari pachake; asingatendi Mwari wakamuita murevi wenhema, nokuti haana kutenda uchapupu Mwari hwaakapupura maererano neMwanakomana wake.Select 1 John 5:10

11Uye uhu ndihwo uchapupu, kuti Mwari wakatipa upenyu husingaperi; zvino upenyu uhu huri muMwanakomana wake.Select 1 John 5:11

12Uyo ane Mwanakomana ane upenyu; uyo asina Mwanakomana waMwari haana upenyu.Select 1 John 5:12

13Zvinhu izvi ndazvinyora kwamuri imwi munotenda kuzita reMwanakomana waMwari, kuti muzive kuti mune upenyu husingaperi, uye kuti mutende kuzita reMwanakomana waMwari.Select 1 John 5:13

14Uye uhu ndihwo ushingi hwatinahwo maari, kuti kana tichikumbira chinhu zvinoenderana nekuda kwake, anotinzwa;Select 1 John 5:14

15zvino kana tichiziva kuti anotinzwa, zvese zvatinokumbira, tinoziva kuti tine zvichemo zvatakakumbira kwaari.Select 1 John 5:15

16Kana umwe achiona hama yake ichitadza chivi chisiri cherufu, achakumbira, uye achamupa upenyu kune vasingatadzi chivi cherufu. Chiripo chivi cherufu; handisi kuti akumbire pamusoro pechichi.Select 1 John 5:16

17Kusarurama kwese chivi; uye chivi chiripo chisiri cherufu.Select 1 John 5:17

18Tinoziva kuti ani nani wakaberekwa kubva kuna Mwari haatadzi; asi uyo wakaberekwa kubva kuna Mwari anozvichengeta, uye wakaipa haamubati.Select 1 John 5:18

19Tinoziva kuti tiri vanobva kuna Mwari, nenyika yese irere muzvakaipa.Select 1 John 5:19

20Uye tinoziva kuti Mwanakomana waMwari wakauya, akatipa kunzwisisa kuti tizive iye wechokwadi; nesu tiri mune wechokwadi, muMwanakomana wake Jesu Kristu. Uyu ndiye Mwari wechokwadi, neupenyu husingaperi.Select 1 John 5:20

21Vana vadiki, zvichengetedzei pazvifananidzo. Ameni.Select 1 John 5:21

Next: 2 John 1Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

1 John

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.