1 Peter 3
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Saizvozvo vakadzi, muzviise pasi pevarume venyu pachenyu; kuti kanawo vamwe vasingateereri kushoko, vawanikwe nemafambiro evakadzi pasina shoko,Select 1 Peter 3:1
2vachiona mafambiro enyu akachena pakutya.Select 1 Peter 3:2
3Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwekunze kwekuruka vhudzi nekwekupfeka goridhe, kana kupfeka nguvo;Select 1 Peter 3:3
4asi ngakuve munhu wakavanzika wemoyo, pachinhu chisingaori chemweya munyoro wakanyarara, anokosha zvikuru pamberi paMwari.Select 1 Peter 3:4
5Nokuti karewo vakazvishongedza saizvozvo vakadzi vatsvene vaivimba naMwari, vachizviisa pasi pevarume vavo pachavo;Select 1 Peter 3:5
6saSara akateerera Abhurahama akamuidza ishe; vakunda vake vamuri imwi, kana muchiita zvakanaka, uye musingatyiswi nechipi nechipi chinovhundusa.Select 1 Peter 3:6
7Saizvozvo varume, garisanai nevakadzi venyu zvinoenderana neruzivo, muchikudza mukadzi sekumudziyo usina simba, sevadyiwo venhaka yenyasha dzeupenyu pamwe navo; kuti minyengetero yenyu irege kudzivirirwa.Select 1 Peter 3:7
8Pakupedzisirawo, ivai nemoyo umwe mese, muchinzwirana tsitsi, mude hama, muve nemoyo munyoro, mune rudo;Select 1 Peter 3:8
9musingatsivi chakaipa nechakaipa, kana kutuka nekutuka; asi pachinzvimbo chaizvozvo muchiropafadze, muchiziva kuti ndizvo zvamakadanirwa, kuti mugare nhaka yeropafadzo.Select 1 Peter 3:9
10Nokuti uyo anoda kuda upenyu, nekuona mazuva akanaka, ngaadzore rurimi rwake pane zvakaipa, nemiromo yake kuti irege kutaura kunyengera.Select 1 Peter 3:10
11Ngaatsauke pane zvakaipa ndokuita zvakanaka; ngaatsvake rugare arutevere.Select 1 Peter 3:11
12Nokuti meso aIshe ari pamusoro pevakarurama, nenzeve dzake pamunyengetero wavo. Asi chiso chaIshe chinopikisa vanoita zvakaipa.Select 1 Peter 3:12
13Zvino ndiani achakukuvadzai, kana muri vatevedzeri vezvakanaka?Select 1 Peter 3:13
14Asi kunyange kana imwi muchitambudzika nekuda kwekururama, makaropafadzwa; uye musatya kutyisa kwavo, kana kuvhiringidzwa;Select 1 Peter 3:14
15asi itai Ishe Mwari mutsvene mumoyo yenyu; mugare makazvigadzirira kupindura umwe neumwe anokubvunzai chikonzero chetariro iri mukati menyu, neunyoro nekutya;Select 1 Peter 3:15
16mune hana yakanaka, kuti pavanokucherai sevaiti vezvakaipa vanyare, ivo vanotuka mafambiro enyu akanaka muna Kristu.Select 1 Peter 3:16
17Nokuti zviri nani kutambudzika muchiita zvakanaka, kana chido chaMwari chichida, pane muchiita zvakaipa.Select 1 Peter 3:17
18Nokuti Kristuwo wakatambudzika kamwe nekuda kwezvivi, iye wakarurama pachinzvimbo chevasakarurama, kuti atiise kuna Mwari; aurawa zvirokwazvo panyama, asi wakararamiswa neMweya;Select 1 Peter 3:18
19mauri wakaendawo akaparidzira kumweya iri mutirongo,Select 1 Peter 3:19
20iyo yaimbova isingateereri, apo moyo murefu waMwari uchimirira, pamazuva aNowa apo areka ichagadzirwa, kukaponeswa mairi vashoma, ndiko kuti mweya misere nemvura.Select 1 Peter 3:20
21Mufananidzo wayo rubhabhatidzo rwunotiponesawo ikozvino, kwete kubviswa kwetsvina yenyama, asi kukumbira kwehana yakanaka kuna Mwari kubudikidza nekumukazve kwaJesu Kristu,Select 1 Peter 3:21
22ari kuruoko rwerudyi rwaMwari aenda kudenga; vatumwa neumambo nemasimba zvaiswa pasi pake.Select 1 Peter 3:22
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation