Skip to content
Church.wiki
1 Peter

1 Peter 4

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Naizvozvo Kristu zvaakatitamburira panyama, nemwi muzvishongedze nemurangariro wakadaro; nokuti iye watambudzika panyama, aregedzwa pachivi;Select 1 Peter 4:1

2kuti nguva yasara panyama musachiraramira kuchiva kwevanhu, asi chido chaMwari.Select 1 Peter 4:2

3Nokuti yakatiringana nguva yakapfuura yeupenyu kuita chido chevahedheni, patakafamba mukusazvibata, kuchiva, kuraradza, makaro, nemitambo yekunwa, nekunamata zvifananidzo zvisingatenderwi;Select 1 Peter 4:3

4zvavanoshamisika mazviri, kuti hamumhanyidzani navo pakuwandisa kumwe kwenyonga-nyonga, vachikutukai;Select 1 Peter 4:4

5vachazvidavirira kuna iye wakagadzirira kutonga vapenyu nevakafa.Select 1 Peter 4:5

6Nokuti nekuda kwaizvozvi evhangeri yakaparidzirwa kune vakafawo, kuti vatongwe zvinoenderana nevanhu panyama, asi vararame zvinoenderana naMwari pamweya.Select 1 Peter 4:6

7Zvino kuguma kwezvinhu zvese kwaswedera; naizvozvo svinurai murinde muminyengetero.Select 1 Peter 4:7

8Uye mberi kwezvinhu zvese ivai nerudo rwunopfuta pakati penyu, nokuti rudo ruchafukidzira zvivi zvizhinji-zhinji.Select 1 Peter 4:8

9Gamuchiranai, pasina kunyunyuta.Select 1 Peter 4:9

10Umwe neumwe sezvaakagamuchira chipo, shumiranai ichocho sevatariri vakanaka venyasha dzakasiyana-siyana dzaMwari.Select 1 Peter 4:10

11Kana umwe achitaura, ngaataure semashoko aMwari; kana umwe achishumira ngazviitwe sezvinobva kusimba Mwari raanopa; kuti Mwari akudzwe pazvinhu zvese kubudikidza naJesu Kristu, kwaari kune kukudzwa nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni.Select 1 Peter 4:11

12Vadiwa, musashamisika nemuedzo unopisa uri pamuri unokuidzai, sezvinonzi mawirwa nechisingazikanwi;Select 1 Peter 4:12

13asi sezvamuri vagovani vematambudziko aKristu, farai, kuti nepakuratidzwa kwekubwinya kwake mufare nemufaro mukurusa.Select 1 Peter 4:13

14Kana muchitukwa nekuda kwezita raKristu, makaropafadzwa; nokuti Mweya wekubwinya newaMwari agere pamusoro penyu; kwavari zvirokwazvo anonyombwa, asi kwamuri anokudzwa.Select 1 Peter 4:14

15Asi kusava neumwe wenyu anotambudzika semhondi, kana mbavha, kana muiti wezvakaipa, kana anongongwarira zvevamwe;Select 1 Peter 4:15

16asi kana achitambudzika semuKristu, asanyara; asi ngaakudze Mwari pachinhu ichi.Select 1 Peter 4:16

17Nokuti yava nguva yekuti kutonga kutange paimba yaMwari; zvino kana kukatanga kwatiri, kuguma kwevasingateereri evhangeri yaMwari kuchavei?Select 1 Peter 4:17

18Uye kana wakarurama achiponeswa nemutsutsururu, asingadi Mwari nemutadzi vachaonekwepi?Select 1 Peter 4:18

19Naizvozvo naivo vanotambudzika zvinoenderana nechido chaMwari, sekuMusiki wakatendeka ngavakumikidze mweya yavo pakuita zvakanaka.Select 1 Peter 4:19

Next: 1 Peter 5Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

1 Peter

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.