Skip to content
Church.wiki
1 Thessalonians

1 Thessalonians 2

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Nokuti munoziva imwi, hama, kupinda kwedu kwamuri, kuti hakuna kuva pasina;Select 1 Thessalonians 2:1

2asi kunyange takambotambudzika nekuitirwa zvakaipa, sezvamunoziva, paFiripi, takatsunga muna Mwari wedu kutaura kwamuri evhangeri yaMwari pakati pekupikiswa kukuru.Select 1 Thessalonians 2:2

3Nokuti kurudziro yedu haina kubva pakunyengera, uye haina kubva patsvina, hainawo kubva pamano-mano;Select 1 Thessalonians 2:3

4asi sezvatakatendiwa naMwari, kuti tibatiswe evhangeri, saizvozvo tinotaura; kwete sekufadza vanhu, asi Mwari anoidza moyo yedu.Select 1 Thessalonians 2:4

5Nokuti hatina kutongouya nemashoko ekubata kumeso, sezvamunoziva, kana nemano-mano eruchiva; Mwari chapupu;Select 1 Thessalonians 2:5

6tisingatsvaki rukudzo kuvanhu, kana rwunobva kwamuri kana kuvamwe, kunyange taigona kukuremedzai sevaapositori vaKristu.Select 1 Thessalonians 2:6

7Asi takange tiri vanyoro pakati penyu, semureri achivaraidza vana vake;Select 1 Thessalonians 2:7

8sezvatinokushuvai kwazvo, takada zvikuru kukupai kwete evhangeri yaMwari chete, asi mweya yedu pacheduwo, nokuti makange muri vadikanwi kwatiri.Select 1 Thessalonians 2:8

9Nokuti munorangarira, hama, kushingaira nekurwisa kwedu; nokuti taibata siku nesikati, kuti tisava mutoro kune umwe wenyu, takakuparidzirai evhangeri yaMwari.Select 1 Thessalonians 2:9

10Imwi muri zvapupu, naMwari, kuti taiva vatsvene sei uye takarurama tisina chatingapomerwa kwamuri vanotenda.Select 1 Thessalonians 2:10

11Sezvamunoziva kuti umwe neumwe wenyu, sababa kuvana vavo takakukurudzirai sei nekunyaradza nekupupura,Select 1 Thessalonians 2:11

12kuti mufambe zvakafanira Mwari, anokudanirai kuushe hwake nekubwinya.Select 1 Thessalonians 2:12

13Nekuda kwaizvozvi nesu hatimiri kuvonga Mwari, kuti pamakagamuchira shoko raMwari ramakanzwa kwatiri, makarigamuchira kwete seshoko revanhu, asi seriri chokwadi, shoko raMwari rinoshandawo mamuri imwi munotenda.Select 1 Thessalonians 2:13

14Nokuti imwi, hama, makava vateveri vemakereke aMwari ari muJudhiya muna Kristu Jesu; nokuti imwiwo makatambudzika zvakadaro kune vekwenyu momene, sezvavakatambudzwa ivowo neVaJudha,Select 1 Thessalonians 2:14

15ndivowo vakauraya Ishe Jesu nevaporofita vavo vomene, vakatishushawo isu, vasingafadziwo Mwari, uye vachipesana nevanhu vese,Select 1 Thessalonians 2:15

16vachitidzivisa kutaurira vahedheni kuti vaponeswe, kuti vagare vachizadzisa zvivi zvavo; asi hasha dzakasvika pamusoro pavo kusvikira pakuguma.Select 1 Thessalonians 2:16

17Zvino isu, hama, sezvo takaparadzaniswa nemwi kwechinguvana pazviso, kwete pamoyo, takashingairira zvikuru nechishuwo chikuru kuti tione chiso chenyu.Select 1 Thessalonians 2:17

18Naizvozvo taida kuuya kwamuri, zvikuru ini Pauro, kamwe nekudzokorora, asi Satani wakatidzivisa.Select 1 Thessalonians 2:18

19Nokuti tariro yedu chii, kana mufaro, kana korona yekuzvirumbidza? Hamusi imwizve here pamberi paIshe wedu Jesu Kristu pakuuya kwake?Select 1 Thessalonians 2:19

20Nokuti imwi muri kubwinya nemufaro wedu.Select 1 Thessalonians 2:20

Next: 1 Thessalonians 3Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

1 Thessalonians

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.