1 Thessalonians 3
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Saka zvatakange tisisagoni kutsunga, takati zvakanaka kuti tisiiwe tiri tega paAtene,Select 1 Thessalonians 3:1
2ndokutuma Timotio hama yedu nemushumiri waMwari nemushandi pamwe nesu muevhangeri yaKristu, kuti akusimbisei, nekukunyaradzai maererano nerutendo rwenyu,Select 1 Thessalonians 3:2
3kuti kurege kuva neumwe anozununguswa nematambudziko awa, nokuti munoziva momene kuti takamisirwa izvozvi.Select 1 Thessalonians 3:3
4Nokuti kunyange tichinemwi, takagara takuudzai kuti tava kuzotambudzwa, kunyange sezvazvakaitika, nemwi munoziva.Select 1 Thessalonians 3:4
5Nekuda kweizvozviwo zvandakange ndisisagoni kutsunga, ndakamutuma kuti ndizive rutendo rwenyu, zvimwe pamwe muidzi wakakuidzai, basa redu rikava pasina.Select 1 Thessalonians 3:5
6Asi zvino Timotio wakati asvika kwatiri achibva kwamuri, wakatipira mashoko akanaka erutendo rwenyu nerudo, uye kuti mune murangariro wakanaka pamusoro pedu nguva dzese, muchishuva zvikuru kutiona, sesuwo imwi;Select 1 Thessalonians 3:6
7nekuda kwezvizvi takanyaradzwa, hama, pamusoro penyu padambudziko redu rese nenhamo nerutendo rwenyu;Select 1 Thessalonians 3:7
8nokuti ikozvino tinorarama, kana imwi mumire makasimba muna Ishe.Select 1 Thessalonians 3:8
9Nokuti kuvonga kwakadini kwatingagona kuripira kuna Mwari pamusoro penyu, nemufaro wese watinofara nawo nekuda kwenyu pamberi paMwari wedu?Select 1 Thessalonians 3:9
10Siku nesikati tichinyengetera zvikurusa kuti tione chiso chenyu, tizadzise zvakataira parutendo rwenyu.Select 1 Thessalonians 3:10
11Zvino dai Mwari pachake naBaba vedu, naIshe wedu Jesu Kristu aruramisira nzira yedu kwamuri;Select 1 Thessalonians 3:11
12uye dai Ishe akukurisai nekukuwanzirai rudo umwe kune umwe nekune vese, sesuwo kwamuri,Select 1 Thessalonians 3:12
13kuti asimbise moyo yenyu isingamhuriki pautsvene pamberi paMwari, uye Baba vedu, pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu pamwe nevatsvene vake vese.Select 1 Thessalonians 3:13
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation