Skip to content
Church.wiki
1 Thessalonians

1 Thessalonians 5

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Asi maererano nenguva nemwaka, hama, hamufaniri kuti munyorerwe,Select 1 Thessalonians 5:1

2nokuti imwi mumene munoziva kwazvo kuti sembavha usiku, saizvozvo zuva raIshe rinosvika;Select 1 Thessalonians 5:2

3nokuti pavanoti: Rugare nekugarika, pakarepo kuparadzwa kunovawira, sekurwadzwa nemimba kwemukadzi ane mimba; uye havangatongopukunyuki.Select 1 Thessalonians 5:3

4Asi imwi, hama, hamusi murima, kuti zuva iro rikubatei sembavha.Select 1 Thessalonians 5:4

5Imwi mese muri vana vechiedza nevana vemasikati; hatisi veusiku kana verima;Select 1 Thessalonians 5:5

6naizvozvo zvino ngatirege kurara sevamwewo, asi ngatirinde, tipengenuke.Select 1 Thessalonians 5:6

7Nokuti vanorara vanorara usiku; nevanoraradza vanoraradza usiku.Select 1 Thessalonians 5:7

8Asi isu tiri vemasikati, ngatipengenuke, tichipfeka chidzitiro chechifuva cherutendo nerudo; netariro yeruponeso ive ngowani.Select 1 Thessalonians 5:8

9Nokuti Mwari haana kutitemera hasha, asi kuwana ruponeso naIshe wedu Jesu Kristu,Select 1 Thessalonians 5:9

10wakatifira, kuti kana tikarinda kana kurara, tirarame pamwe naye.Select 1 Thessalonians 5:10

11Saka kurudziranai, muvakane, sezvamunoitawo.Select 1 Thessalonians 5:11

12Asi tinokukumbirai, hama, kuziva vanoshanda zvine simba pakati penyu, nevanokutungamirirai muna Ishe, nekukurairai,Select 1 Thessalonians 5:12

13uye muvakudze zvikurusa murudo, nekuda kwebasa ravo. Ivai nerugare pakati penyu.Select 1 Thessalonians 5:13

14Asi tinokukurudzirai, hama, yambirai vasina murairo, munyaradze vanopera moyo, tsigirai vasina simba, muve nemoyo murefu kune vese.Select 1 Thessalonians 5:14

15Chenjerai kuti umwe arege kutsiva umwe zvakaipa nezvakaipa; asi nguva dzese teverai zvakanaka, zvese pakati penyu nekune vese.Select 1 Thessalonians 5:15

16Farai nekusingaperi;Select 1 Thessalonians 5:16

17nyengeterai musingamiri;Select 1 Thessalonians 5:17

18vongai pazvinhu zvese; nokuti ichi ndicho chido chaMwari muna Kristu Jesu maererano nemwi.Select 1 Thessalonians 5:18

19Musadzima Mweya;Select 1 Thessalonians 5:19

20musazvidza zviporofita;Select 1 Thessalonians 5:20

21idzai zvinhu zvese; mubatisise zvakanaka;Select 1 Thessalonians 5:21

22ibvai pakuonekwa kwese kwekuipa.Select 1 Thessalonians 5:22

23NaMwari werugare amene ngaakuitei vatsvene zvakazara; nemweya wenyu wese, nemoyo, nemuviri, zvichengetwe zvisina zvazvingapomerwa pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu.Select 1 Thessalonians 5:23

24Wakatendeka iye anokudanai, achazviitawo.Select 1 Thessalonians 5:24

25Hama, tinyengetererei.Select 1 Thessalonians 5:25

26Kwazisai hama dzese nekutsvoda kutsvene.Select 1 Thessalonians 5:26

27Ndinokupikirai naIshe, kuti tsamba iyi iverengerwe hama tsvene dzese.Select 1 Thessalonians 5:27

28Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi. Ameni.Select 1 Thessalonians 5:28

Next: 2 Thessalonians 1Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

1 Thessalonians

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.