1 Timothy 3
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Ishoko rakatendeka rekuti: Kana munhu achishuva basa reutariri, anoshuva basa rakanaka.Select 1 Timothy 3:1
2Naizvozvo mutariri anofanira kuva asina chaangapomerwa, murume wemukadzi umwe, wakazvibata, anozvidzora, ane chiremerera, anogamuchira vaeni, nyanzvi pakudzidzisa,Select 1 Timothy 3:2
3asiri muraradzi, asingafariri kurwa, asingakariri mibairo yakaipa, asi wakadzikama, asina gakava, asingakariri mari;Select 1 Timothy 3:3
4anobata imba yake pachake zvakanaka, anodzora vana vake nerukudzo rwese,Select 1 Timothy 3:4
5nokuti kana munhu asingazivi kubata imba yake pachake, achachengeta sei kereke yaMwari?Select 1 Timothy 3:5
6Asava mutendi mutsva, kuti nekukudzwa arege kuwira mukupiwa mhosva kwadhiabhorosi.Select 1 Timothy 3:6
7Uyezve anofanira kuva neuchapupu hwakanaka kubva kune vari kunze, kuti arege kuwira mukumhurwa nemumusungo wadhiabhorosi.Select 1 Timothy 3:7
8Saizvozvo vadhikoni* ngavave vanokudzwa, vasina manzwi maviri, vasingadi waini zhinji, vasingakariri fuma yakaipa,Select 1 Timothy 3:8
9vanochengeta chakavanzika cherutendo muhana yakachena.Select 1 Timothy 3:9
10Naivava ngavatange kuedzwawo, ipapo vangashumire, kana vasina chavangapomerwa.Select 1 Timothy 3:10
11Saizvozvo vakadzi vavo ngavave vanokudzwa, kwete vacheri, vanozvidzora, vakatendeka pazvese.Select 1 Timothy 3:11
12Vadhikoni ngavave varume vemukadzi umwe, vanobata vana vavo nedzimba dzavo pachavo zvakanaka.Select 1 Timothy 3:12
13Nokuti avo vakashumira zvakanaka, vanozviwanira chimiro chakanaka, nekutsunga kukuru parutendo rwuri muna Kristu Jesu.Select 1 Timothy 3:13
14Zvinhu izvi ndinokunyorera, ndichitarisira kuuya kwauri nekukurumidza;Select 1 Timothy 3:14
15asi kana ndikanonoka, kuti uzive kuti vanofanira kufamba sei mumba maMwari, inova kereke yaMwari mupenyu, mbiru nehwaro hwechokwadi.Select 1 Timothy 3:15
16Zvinotendekawo kuti chakavanzika chekunamata Mwari chikuru; Mwari wakaratidzwa panyama, wakanzi wakarurama paMweya, wakaonekwa nevatumwa, akaparidzwa kuvahedheni, akatendwa panyika, akakwidzwa mukubwinya.Select 1 Timothy 3:16
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation