1 Timothy 5
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Usatuka mukuru, asi umutsiure sababa, vadiki sevanin'ina,Select 1 Timothy 5:1
2vakadzi vakuru sanamai; vakadzi vadiki sehanzvadzi, pakuchena kwese.Select 1 Timothy 5:2
3Kudza chirikadzi dziri chirikadzi zvirokwazvo.Select 1 Timothy 5:3
4Asi kana imwe chirikadzi ine vana kana vazukuru, ngavatange kudzidza kuratidza rukudzo kumba kwavo pachavo, vadzosere zvakafanira kuvabereki; nokuti ndizvo zvakanaka zvinogamuchirwa pamberi paMwari.Select 1 Timothy 5:4
5Zvino uyo ari chirikadzi zvirokwazvo yakasiiwawo yega anovimba naMwari, anogarawo pamikumbiro neminyengetero siku nesikati.Select 1 Timothy 5:5
6Asi uyo anozvipira kuzvifadza, wakafa ari mupenyu.Select 1 Timothy 5:6
7Uye raira zvinhu izvi, kuti varege kuva nechavangapomerwa.Select 1 Timothy 5:7
8Asi kana munhu asingachengeti vekwake, zvikuruwo veimba yake, waramba rutendo, uye wakaipa kukunda asingatendi.Select 1 Timothy 5:8
9Chirikadzi ngainyorwe pasi ine makore asiri pasi pemakumi matanhatu, yaiva mukadzi wemurume umwe,Select 1 Timothy 5:9
10inopupurirwa mabasa akanaka, kana yakarera vana, kana yakagamuchira vaeni, kana yakashambidza tsoka dzevatsvene, kana yakabatsira vari mumatambudziko, kana yakateverera basa rese rakanaka.Select 1 Timothy 5:10
11Asi chirikadzi diki urambe, nokuti kana dzochiva zvinopesana naKristu, dzinoda kuwanikwa;Select 1 Timothy 5:11
12dzava nemhosva, nokuti dzarasa rutendo rwekutanga.Select 1 Timothy 5:12
13Neipapowo dzinodzidza usimbe dzichipotedza dzimba; uye hadzisi simbe chete, asi vezvisina maturo, vanopindira zvisi zvavo, vachitaura zvavasingafaniri.Select 1 Timothy 5:13
14Naizvozvo ndinoda kuti chirikadzi diki dziwanikwe, dzibereke vana, dzibate dzimba dzadzo, dzirege kutongopa muvengi mukana wekutuka.Select 1 Timothy 5:14
15Nokuti vamwe vatotsauka vachitevera Satani.Select 1 Timothy 5:15
16Kana murume upi neupi kana mukadzi anotenda ane chirikadzi, ngaadzibatsire, nekereke irege kuremedzwa, kuti ibatsire chirikadzi chaidzo.Select 1 Timothy 5:16
17Vakuru vanobata zvakanaka ngavaverengerwe sevanofanirwa nekukudzwa kwakapetwa, zvikuru avo vanobata nesimba pashoko nepadzidziso.Select 1 Timothy 5:17
18Nokuti rugwaro rwunoti: Usasunga muromo wenzombe inopura; uye: Mushandi wakafanirwa nemubairo wake.Select 1 Timothy 5:18
19Usangogamuchira mhaka inopomerwa mutariri, kunze kana kuri mberi kwezvapupu zviviri kana zvitatu.Select 1 Timothy 5:19
20Vanotadza utsiure pamberi pevese, kuti vamwewo vave nekutya.Select 1 Timothy 5:20
21Ndinokurairisa kwazvo pamberi paMwari naIshe Jesu Kristu, nevatumwa vakasanangurwa, kuti uchengete zvinhu izvi usingagari watotonga, kana kuita chinhu uchitsaura vanhu.Select 1 Timothy 5:21
22Usakurumidza kuisa maoko pamusoro pemunhu, kana kugovana pazvivi zvevamwe; uzvichengete iwe uri mutsvene.Select 1 Timothy 5:22
23Usachiramba uchinwa mvura chete, asi ushandise waini shoma, nekuda kwemudumbu mako neundonda hwako hwekazhinji.Select 1 Timothy 5:23
24Zvivi zvevamwe vanhu zviri pachena, zvinotungamirira kukutongwa; zvevamwewo zvichiteverawo.Select 1 Timothy 5:24
25Saizvozvowo mabasa akanaka ari pachena, neasina kudaro haagoni kuvanzwa.Select 1 Timothy 5:25
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation