2 Corinthians 11
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Dai muchindiitira moyo murefu zvishoma paupenzi hwangu; asiwo munondiitira moyo murefu.Select 2 Corinthians 11:1
2Nokuti ndine godo nemwi negodo raMwari; nokuti ndakakuwanisai kumurume umwe, kuti ndikukumikidzeimuri mhandara yakachena kuna Kristu.Select 2 Corinthians 11:2
3Asi ndinotya kuti zvimwe nyoka sezvayakanyengera Evha nemano ayo, saizvozvo ndangariro dzenyu dzingatsauswa pauchokwadi huri muna Kristu.Select 2 Corinthians 11:3
4Nokuti kana anosvika achiparidza umwe Jesu watisina kuparidza, kana zvimwe muchigamuchira umwe mweya wamusina kugamuchira, kana imwe evhangeri yamusina kugamuchira, zvakanaka kuti muzviitire moyo murefu.Select 2 Corinthians 11:4
5Nokuti ndinoona ndisingasariri nepadiki kuvaapositori vakurusa.Select 2 Corinthians 11:5
6Kanawo kunyange ndisina kudzidza pashoko, asi kwete paruzivo; asi pachinhu chese takaratidzwa kwamuri muzvinhu zvese.Select 2 Corinthians 11:6
7Kana ndakaita chivi here pakuzvininipisa kuti imwi mukudzwe, nokuti ndakaparidza kwamuri evhangeri yaMwari pasina muripo?Select 2 Corinthians 11:7
8Ndakapamba amwe makereke, ndichitora muripo kuti ndikushandirei.Select 2 Corinthians 11:8
9Uye pandakange ndiripo kwamuri ndichishaiwa handina kuremedza munhu; nokuti zvandaishaiwa, hama dzaibva Makedhonia dzakapa; uye pazvese ndakazvichengeta kuti ndirege kuva mutoro kwamuri, uye ndichazvichengeta.Select 2 Corinthians 11:9
10Chokwadi chaKristu chiri mandiri, kuti kuzvikudza uku hakungamiswi mandiri kumatunhu eAkaya.Select 2 Corinthians 11:10
11Nemhaka yei? Nokuti handikudii here? Mwari anoziva.Select 2 Corinthians 11:11
12Asi chandinoita, ndichaitawo, kuti ndigure mukana kune vanoshuva mukana; kuti pane zvavanozvikudza nazvo vawanikwe vakaita sesuwo.Select 2 Corinthians 11:12
13Nokuti vakadaro vaapositori venhema, vabati vanonyengera, vanozvishandura kuva vaapositori vaKristu.Select 2 Corinthians 11:13
14Hazvishamisiwo; nokuti Satani amene anozvishandura kuva mutumwa wechiedza.Select 2 Corinthians 11:14
15Naizvozvo hachisi chinhu chikuru kana nevashumiri vake vachizvishandura kuita sevashumiri vekururama; kuguma kwavo kuchava semabasa avo.Select 2 Corinthians 11:15
16Ndinotizve: Ngakurege kuva nemunhu anofunga kuti ndiri benzi; asi kana zvisakadaro, sebenziwo ndigamuchirei, kuti neni ndizvikudze zvishoma.Select 2 Corinthians 11:16
17Zvandinotaura, handitauri sekuna Ishe, asi sepaupenzi, pachivimbo ichi chekuzvikudza.Select 2 Corinthians 11:17
18Sezvo vazhinji vachizvikudza panyama, iniwo ndichazvikudza.Select 2 Corinthians 11:18
19Nokuti munoitira mapenzi moyo murefu nemufaro muri vakachenjera.Select 2 Corinthians 11:19
20Nokuti munoita moyo murefu, kana munhu achikuisai muuranda, kana munhu achikudyai kupedza, kana munhu achikutapai, kana munhu achizvikudza, kana munhu achikurovai kumeso.Select 2 Corinthians 11:20
21Ndinoreva sechinyadzo, senge kuti isu takange tine utera. Asi pane chipi nechipi umwe paane ushingi (ndinotaura paupenzi), ini ndine ushingiwo.Select 2 Corinthians 11:21
22VaHebheru here? Neniwo. VaIsraeri here? Neniwo. Imbeu yaAbhurahama here? Neniwo.Select 2 Corinthians 11:22
23Vashumiri vaKristu here? (Ndinotaura semupengo), ndinovapfuura, zvikurusa pamabasa anorema, pamavanga kupfuura chipimo, mumajere zvikurusa, pandufu kazhinji.Select 2 Corinthians 11:23
24KuVaJudha ndakagamuchira kashanu shamhu dzine makumi mana kusiya imwe.Select 2 Corinthians 11:24
25Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe ndakatakwa nemabwe, katatu ndakaputsikirwa nechikepe, usiku humwe nemasikati ndakange ndiri muudziku hwegungwa;Select 2 Corinthians 11:25
26panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzemakororo, panjodzi nevekwangu, panjodzi nevahedheni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi mugungwa, panjodzi pakati pehama dzenhema;Select 2 Corinthians 11:26
27pakutambudzika nepakuremerwa, pakusarara kazhinji, panzara nenyota, pakutsanya kazhinji, pachando nepakushama.Select 2 Corinthians 11:27
28Kunze kwezvinhu izvi zviri panze, kurangarira makereke ese kunondimanikidza zuva rimwe nerimwe.Select 2 Corinthians 11:28
29Ndiani anoshaiwa simba, neni ndikasashaiwa simba? Ndiani anogumburwa, neni ndikasatsva?Select 2 Corinthians 11:29
30Kana zvakafanira kuzvikudza, ndichazvikudza nezvinhu zveutera hwangu.Select 2 Corinthians 11:30
31Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, anorumbidzwa kusvikira rinhi narinhi, anoziva kuti handirevi nhema.Select 2 Corinthians 11:31
32PaDhamasiko mutungamiriri wamambo Areta wakarinda guta reveDhamasiko achida kundibata;Select 2 Corinthians 11:32
33uye ndakaburuswa nepawindo ndiri mudengu nepamudhuri, ndikapukunyuka pamaoko ake.Select 2 Corinthians 11:33
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation