2 Corinthians 12
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Kuzvikudza zvirokwazvo hakubatsiri kwandiri; nokuti ndichauya pazviratidzo nezvakazarurwa zvaIshe.Select 2 Corinthians 12:1
2Ndinoziva munhu ari muna Kristu makore gumi nemana apfuura (kana zvakaitwa mumuviri, handizivi, kana kunze kwemuviri, handizivi, Mwari anoziva), wakadai wakabvutirwa kudenga rechitatu.Select 2 Corinthians 12:2
3Uye ndinoziva munhu wakadai (kana mumuviri, kana kunze kwemuviri, handizivi; Mwari anoziva),Select 2 Corinthians 12:3
4kuti wakabvutwa akaiswa muparadhiso, akanzwa mashoko asingatauriki, asingabviri munhu kutaura.Select 2 Corinthians 12:4
5Ndichazvikudza newakadai; asi pamusoro pangu ndomene handizvikudzi, asi pautera hwangu.Select 2 Corinthians 12:5
6Nokuti kana ndichida kuzvikudza, handaizova benzi; nokuti ndichareva chokwadi; asi ndinorega, zvimwe umwe angandifungira kuva mukuru kune zvaakaona ndiri, kana zvaakanzwa kwandiri,Select 2 Corinthians 12:6
7uye kuti ndirege kukudzwa kubudikidza nekuwanda kwezvakazarurwa, ndakapiwa munzwa munyama, nhume yaSatani kuti indirove, kuti ndirege kukudzwa.Select 2 Corinthians 12:7
8Maererano nechinhu ichi ndakakumbirisa Ishe katatu kuti chibve kwandiri.Select 2 Corinthians 12:8
9Zvino akati kwandiri: Nyasha dzangu dzakakukwanira; nokuti simba rangu rinozadziswa muutera. Naizvozvo ndichazvirumbidza nemufaro mukuru muutera hwangu, kuti simba raKristu rigare pamusoro pangu.Select 2 Corinthians 12:9
10Naizvozvo ndinofara muutera, mukutukwa, mukushaiwa, murushusho, mukushungurudzwa, nekuda kwaKristu; nokuti kana ndine utera, ipapo ndine simba.Select 2 Corinthians 12:10
11Ndava benzi ndichizvikudza; ndimwi makandimanikidza; nokuti ini ndaifanira kuziviswa nemwi; nokuti handisariri nepadiki kuvaapositori vakurusa, kunyange ndisiri chinhu.Select 2 Corinthians 12:11
12Zvirokwazvo zviratidzo zvemuapositori zvakaitwa pakati penyu pamoyo murefu wese, muzviratidzo nezvishamiso nemabasa esimba.Select 2 Corinthians 12:12
13Nokuti chii chamuri pasi nacho kune amwe makereke, kunze kwekuti ini ndomene handina kuva mutoro kwamuri? Ndikanganwirei kusarurama uku.Select 2 Corinthians 12:13
14Tarirai, ndazvigadzirira kuuya kwamuri rwechitatu, uye handizovi mutoro kwamuri; nokuti handitsvaki zvenyu, asi imwi; nokuti vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki vana.Select 2 Corinthians 12:14
15Uye ndinoda nemufaro mukuru kuparadza uye kuparadzirwa mweya yenyu, kunyange ndichikudai zvakapamhidzirwa zvikuru, ndinodikanwa zvishoma.Select 2 Corinthians 12:15
16Asi zvakadaro, ini handina kukuremedzai; asi zvandakange ndine mano, ndakakubatai nekunyengera.Select 2 Corinthians 12:16
17Ndakakutsvatai here chero neumwe waivo vandakatuma kwamuri?Select 2 Corinthians 12:17
18Ndakakumbira Tito, ndikatuma hama naye; Tito wakakutsvatai here? Hatina kufamba nemumweya umwe here? Hatinakufamba nemumakwara mamwe here?Select 2 Corinthians 12:18
19Zvekare munofunga kuti tinozvidzivirira kwamuri here? Tinotaura pamberi paMwari muna Kristu; asi tinotaura zvese, vadikanwi, zvekuvakwa kwenyu.Select 2 Corinthians 12:19
20Nokuti ndinotya, zvimwe pakusvika ndikuwanei musina kuita sezvandinoda, neni ndiwanikwe nemwi ndisina kuita sezvamunoda; zvimwe kuvepo makakava, godo, hasha, kupesana, kucherana, makuhwa, manyawi, mabongozozo;Select 2 Corinthians 12:20
21zvimwe pakusvika kwanguzve Mwari wangu andininipise pakati penyu, uye ndichemere vazhinji vevakambotadza, vakasatendeuka pakusachena neupombwe neunzenza hwavakaita.Select 2 Corinthians 12:21
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation