Skip to content
Church.wiki
2 Corinthians

2 Corinthians 2

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Asi ndakazvipira izvi, kusauyazve kwamuri mukusuwa.Select 2 Corinthians 2:1

2Nokuti kana ini ndichikusuwisai, ndiani zvino anondifadza, kunze kwaiye wakasuruvadzwa neni?Select 2 Corinthians 2:2

3Zvino ndakakunyorerai chinhu ichi chakadai kuti ndasvika, ndirege kusuwiswa naivo vanofanira kundifadza, ndine chivimbo mamuri mese, kuti mufaro wangu ndewenyu mese.Select 2 Corinthians 2:3

4Nokuti kubva mudambudziko guru nekusuruvara kwemoyo ndakakunyorerai nemisodzi mizhinji, kwete kuti murwadziswe, asi kuti muzive rudo rukurusa rwandinarwo kwamuri.Select 2 Corinthians 2:4

5Zvino kana umwe akarwadzisa, haana kurwadzisa ini, asi muchidimbu (kuti ndirege kukutakudzai mutoro) mese.Select 2 Corinthians 2:5

6Kuranga uku kwakakwanira wakadai ndiko kwevazhinji;Select 2 Corinthians 2:6

7kuti panzvimbo yaizvozvi zviri nani kuti mumukanganwire nekunyaradza, zvimwe wakadaro arege kuodzwa moyo kwazvo nekusuruvara kukuru.Select 2 Corinthians 2:7

8Naizvozvo ndinokukumbirisai kuti musimbise rudo kwaari.Select 2 Corinthians 2:8

9Nokuti ndizvo zvandakanyorerawo, kuti ndizive kuedzwa kwenyu, kana muchiteerera pazvinhu zvese.Select 2 Corinthians 2:9

10Zvino iye wamunokanganwira chinhu, neni ndinomukanganwira; nokuti kana neni ndichikanganwira chinhu, uyo wandinenge ndakakanganwira, ndinozviita nekuda kwenyu pamberi pechiso chaKristu,Select 2 Corinthians 2:10

11kuti tirege kushandiswa naSatani; nokuti hatizi vasingazivi mano ake.Select 2 Corinthians 2:11

12Zvino ndichisvika paTroasi neevhangeri yaKristu, ndazarurirwa mukova muna Ishe,Select 2 Corinthians 2:12

13handina kuwana zororo pamweya wangu, pakusawana kwangu Tito hama yangu; asi ndakawonekana navo ndikabva ndikaenda kuMakedhonia.Select 2 Corinthians 2:13

14Zvino ngaavongwe Mwari, anotikundisa nguva dzese muna Kristu, uye anoratidza nesu panzvimbo dzese hwema hweruzivo rwake.Select 2 Corinthians 2:14

15Nokuti tiri hwema hunonhuhwira hwaKristu kuna Mwari pane ivo vanoponeswa nepane ivo vanoparara;Select 2 Corinthians 2:15

16kune vamwe hwema hwerufu mukufa, nekune vamwe hwema hweupenyu muupenyu. Zvino ndiani angakwanira zvinhu izvi?Select 2 Corinthians 2:16

17Nokuti hatifanani nevazhinji vanokanganisa shoko raMwari; asi sevanobva pauchokwadi, asi sezvinobva kuna Mwari pamberi paMwari tinotaura muna Kristu.Select 2 Corinthians 2:17

Next: 2 Corinthians 3Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

2 Corinthians

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.