2 Corinthians 8
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino tinokuzivisai, hama, nyasha dzaMwari dzakapiwa pamakereke eMakedhonia;Select 2 Corinthians 8:1
2kuti pakuedzwa kukuru kwedambudziko, kuwanzwa kwemufaro wavo neurombo hwavo hwakadzama zvakawedzera pafuma yekupa kwavo.Select 2 Corinthians 8:2
3Nokuti vakange vane chido pakukwanisa kwavo, ndinopupura, kunyange kupfuura kukwanisa kwavo,Select 2 Corinthians 8:3
4nechikumbiro chikuru vakatigombedzera, kuti tigamuchire chipo uye kugovana parubatsiro rwunova rwevatsvene;Select 2 Corinthians 8:4
5uye kwete sezvatakatarisira, asi vakatanga kuzvipa ivo kuna Ishe, nekwatiri nechido chaMwari.Select 2 Corinthians 8:5
6Zvekuti takakurudzira Tito, kuti sezvaakange ambotanga, saizvozvo apedzisewo kwamuri basa iri renyashawo.Select 2 Corinthians 8:6
7Asi sezvamakawanza pazvese, parutendo, uye pashoko, uye paruzivo, uye pakushingaira kwese, uye parudo rwenyu kwatiri, tarirai kuti muwanzewo pabasa iri renyasha.Select 2 Corinthians 8:7
8Handitauri semurairo, asi nekushingaira kwevamwe uye ndichiidza uchokwadi hwerudo rwenyu.Select 2 Corinthians 8:8
9Nokuti munoziva nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, kuti kunyange akange akafuma, nekuda kwenyu wakava murombo, kuti imwi kubudikidza neurombo hwake mufume.Select 2 Corinthians 8:9
10Zvino pachinhu ichi ndinopa maonero; nokuti ichi chinokubatsirai, imwi makatotanga kubva gore rakapera, kwete kuita chete, asi nekuda.Select 2 Corinthians 8:10
11Asi ikozvinowo pedzisai kuita, kuti, sezvapane chishuwo chemoyo, saizvozvo kuripo kupedzisawo kubva pane zvamunazvo.Select 2 Corinthians 8:11
12Nokuti kana chishuwo chemoyo chiripo, munhu anogamuchirika zvichienderana nezvaanazvo, kwete kuenderana nezvaasina.Select 2 Corinthians 8:12
13Nokuti hakusi kuti vamwe vave nekurerusirwa, imwi muremerwe; asi kubva pakuenzana, panguva yaikozvino zvakawanda zvenyu zviwedzere pakushaiwa kwavo,Select 2 Corinthians 8:13
14kutiwo zvakawanda zvavo zviwedzere pakushaiwa kwenyu, kuti kuve nekuenzana,Select 2 Corinthians 8:14
15sezvazvakanyorwa zvichinzi: Wakaunganidza zvizhinji haana kuva nezvakasara; newakaunganidza zvishoma haana kushaiwa.Select 2 Corinthians 8:15
16Asi ngaavongwe Mwari wakaisa mumoyo maTito kushingaira kwakadaro kwamuri,Select 2 Corinthians 8:16
17kuti zvirokwazvo wakagamuchira kurudziro, asi zvaakange achishingaira zvikuru, wakabva akaenda kwamuri nechido chake.Select 2 Corinthians 8:17
18Zvino takatuma pamwe naye hama, rumbidzo yake muevhangeri yakagura nemumakereke ese;Select 2 Corinthians 8:18
19zvisati zviri izvozvo chete, asi wakasarudzwawo nemakereke kuti atiperekedze nenyasha idzi, dzakabatiswa nesu mukurumbidzwa kwaIshe uyu, nechishuwo chemoyo wenyu;Select 2 Corinthians 8:19
20tichidzivirira izvi, zvimwe umwe angatimhura pamusoro pezvipamhidzirwa izvi zvinobatiswa nesu;Select 2 Corinthians 8:20
21tichirangarira zvakanaka kwete pamberi paIshe chete asi pamberi pevanhuwo.Select 2 Corinthians 8:21
22Uye takatuma navo hama yedu, yatakawana yakashingaira pazvizhinji kazhinji, asi zvino anonyanya kushingaira nekuda kwekukuvimbai kukuru.Select 2 Corinthians 8:22
23Kana zviri zvaTito, umwe wangu nemushandi pamwe neni kwamuri; kana hama dzedu, nhume dzekereke, vari kukudzwa kwaKristu.Select 2 Corinthians 8:23
24Naizvozvo ratidzai kwavari uchapupu hwerudo rwenyu nehwekuzvikudza kwedu pamusoro penyu, nepamberi pemakereke.Select 2 Corinthians 8:24
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation