2 Corinthians 9
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Nokuti maererano nerubatsiro rwevatsvene, hazvina kufanira kwandiri kuti ndikunyorerei;Select 2 Corinthians 9:1
2nokuti ndinoziva kushingaira kwenyu, kwandinozvirumbidza nako pamusoro penyu kune veMakedhonia, kuti Akaya yakange yazvigadzirira kubvira gore rakapera; nekushingaira kwenyu kwakamutsa vazhinji.Select 2 Corinthians 9:2
3Asi ndakatuma hama, kuti kuzvirumbidza kwedu pamusoro penyu kusava pasina pachinhu ichi; kuti, sezvandakareva, muve makagadzirira;Select 2 Corinthians 9:3
4zvimwe pamwe, kana veMakedhonia vachiuya neni vakuwanei musina kuzvigadzirira, isu tinyadziswe (kuti tisati, imwi) pakuvimba uku kwekuzvikudza.Select 2 Corinthians 9:4
5Naizvozvo ndakaona zvakafanira kukurudzira hama, kuti vatange kuuya kwamuri, uye vatange kugadzira chipo chenyu chepachena chakataurwa nezvacho kare, kuti ichi chive chakagadzirirwa, saizvozvo sechipo chepachena asi kwete sekukara.Select 2 Corinthians 9:5
6Asi izvi kuti: Anodzvara zvishoma, anokohwawo zvishoma; neanodzvara zvizhinji, achakohwawo zvizhinji.Select 2 Corinthians 9:6
7Umwe neumwe sezvinoda moyo; kwete nekurwadziwa, kana nekurovererwa; nokuti Mwari anoda anopa nemufaro.Select 2 Corinthians 9:7
8Uye Mwari anogona kukuwanzirai nyasha dzese, kuti nguva dzese muve nekuringana kwese pazvese, muwanze pabasa rese rakanaka;Select 2 Corinthians 9:8
9sezvazvakanyorwa zvichinzi: Wakaparadzira, wakapa varombo; kururama kwake kunogara nekusingaperi.Select 2 Corinthians 9:9
10Zvino iye anopa mbeu kumudzvari, nekupa chingwa chekudya, ngaawanze mbeu dzenyu dzakadzvarwa, nekuwedzera zvibereko zvekururama kwenyu;Select 2 Corinthians 9:10
11muchifumiswa pazvinhu zvese zvichibva pakupana kwese, zvinokonzera kubudikidza nesu kuvonga kuna Mwari.Select 2 Corinthians 9:11
12Nokuti basa rekushumira uku harizadzisi kushaiwa kwevatsvene chete, asi kunowanzisawo nekuvongwa kuzhinji kuna Mwari;Select 2 Corinthians 9:12
13nekuda kweuchapupu hweshumiro iyi vanorumbidza Mwari pamusoro pekuteerera kwekupupura kwenyu evhangeri yaKristu, nekukura kwekupa kwenyu kwavari nekune vese.Select 2 Corinthians 9:13
14Uye nemunyengetero wavo pamusoro penyu, vachikushuvai nekuda kwenyasha hurusa dzaMwari pamusoro penyu.Select 2 Corinthians 9:14
15Zvino Mwari ngaavongwe nekuda kwechipo chake chisingarondedzereki.Select 2 Corinthians 9:15
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation