Skip to content
Church.wiki
2 Thessalonians

2 Thessalonians 1

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Pauro naSirivhano naTimotio kukereke yeVaTesaronika muna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu:Select 2 Thessalonians 1:1

2Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.Select 2 Thessalonians 1:2

3Tinofanira kuvonga Mwari nguva dzese pamusoro penyu, hama, sezvazvakafanira, nokuti rutendo rwenyu rwunokura zvikurusa, nerudo rweumwe neumwe wenyu mese kune umwe neumwe rwunowanda;Select 2 Thessalonians 1:3

4nekudaro isu tomene tinozvirumbidza mamuri mumakereke aMwari pamusoro pemoyo murefu wenyu nerutendo mukushushwa kwenyu kwese nematambudziko amunotsunga maari.Select 2 Thessalonians 1:4

5Ndicho chiratidzo chekutonga kwakarurama kwaMwari, kuti muverengwe semakafanira ushe hwaMwari, hwamunotambudzikirawo;Select 2 Thessalonians 1:5

6sezvo chiri chinhu chakarurama kuna Mwari kutsiva dambudziko kune vanokutambudzai,Select 2 Thessalonians 1:6

7uye kwamuri munotambudzwa, kuzorora pamwe nesu, pakuzarurwa kwaIshe Jesu achibva kudenga nevatumwa vesimba rake,Select 2 Thessalonians 1:7

8mumoto unopfuta achitsiva kune vasingazivi Mwari, nekune vasingateereri evhangeri yaIshe wedu Jesu Kristu;Select 2 Thessalonians 1:8

9vacharangwa nekuparadza kusingaperi, vabviswe pamberi paIshe, nepakubwinya kwesimba rake,Select 2 Thessalonians 1:9

10paachauya kuzorumbidzwa muvatsvene vake, nekuyemurwa mune vese vanotenda (nekuti kupupura kwedu kwamuri kwakatendwa) nezuva iro.Select 2 Thessalonians 1:10

11Naizvozvo tinokunyengetereraiwo nguva dzese, kuti Mwari wedu akuverengei makafanirwa kudanwa uye azadzise kuda kwese kwakanaka kwekunaka hwake nebasa rerutendo nesimba;Select 2 Thessalonians 1:11

12kuti zita raIshe wedu Jesu Kristu rirumbidzwe mamuri, nemwi maari, zvichienderana nenyasha dzaMwari wedu nedzaIshe Jesu Kristu.Select 2 Thessalonians 1:12

Next: 2 Thessalonians 2Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

2 Thessalonians

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.