2 Timothy 3
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Asi uzive ichi, kuti mumazuva ekupedzisira nguva dzekutambudzika dzichasvika.Select 2 Timothy 3:1
2Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vatuki, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasiri vatsvene,Select 2 Timothy 3:2
3vasina rudo rwechisikirwo, vasingaregereri, vacheri, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvakanaka,Select 2 Timothy 3:3
4vatengesi, vanomhanyirira, vane manyawi, vanoda mafaro kupfuura kuda Mwari,Select 2 Timothy 3:4
5vane mufananidzo wekunamata Mwari, asi vachiramba simba rawo; ubve pane vakadaiwo.Select 2 Timothy 3:5
6Nokuti kwavari kunobva vanoverevedza mudzimba, vachitapa vakadzi nzenza, vakaremedzwa nezvivi, vachitungamirirwa nekuchiva kwakasiyana-siyana,Select 2 Timothy 3:6
7vanongogara vachidzidza, asi havatongogoni kusvika paruzivo rwechokwadi.Select 2 Timothy 3:7
8Sezvowo Jane naJambere vakapikisa Mozisi, saizvozvowo ava vanoramba chokwadi, vanhu vendangariro dzakaodzwa, vakaraswa maererano nerutendo.Select 2 Timothy 3:8
9Asi havachapfuuriri mberi; nokuti upenzi hwavo huchaonekwa kune vese, sezvakazoita hwavowo.Select 2 Timothy 3:9
10Asi iwe wakanyatsoteverera dzidziso yangu, mufambiro, chinangwa, rutendo, moyo murefu, rudo, kutsungirira,Select 2 Timothy 3:10
11kushushwa, nenhamo, zvakandiwira paAndiyokiya, paIkonio, nepaRistra, kushushwa kwakadini kwandakatsungirira makuri; uye Mwari wakandinunura kubva maari ese.Select 2 Timothy 3:11
12Nevesewo vanoda kurarama mukunamata Mwari muna Kristu Jesu vachashushwa;Select 2 Timothy 3:12
13asi vanhu vakaipa nevanyengeri vachaenderera mberi pakuipa vachitsausa nekutsauswa.Select 2 Timothy 3:13
14Asi iwe rambira pazvinhu zvawakadzidza uye zvawakatendeswa, uchiziva kuti wakazvidzidza kuna ani,Select 2 Timothy 3:14
15uye kuti kubvira paucheche wakaziva magwaro matsvene, anogona kukuchenjedza kusvikira pakuponeswa kubudikidza nerutendo rwuri muna Kristu Jesu.Select 2 Timothy 3:15
16Rugwaro rwese rwakafemerwa naMwari uye rwunobatsira padzidziso, pakutsiura, pakururamisa, nepakuraira kuri mukururama;Select 2 Timothy 3:16
17kuti munhu waMwari ave wakakwana zvizere, agadzirirwa basa rese rakanaka.Select 2 Timothy 3:17
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation