Skip to content
Church.wiki
Acts

Acts 1

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Rondedzero yekutanga ndakaiita, haiwa Teofiro, pamusoro pezvese Jesu zvaakatanga kuita uyewo kudzidzisa,Select Acts 1:1

2kusvikira zuva raakakwidzwa, amboraira neMweya Mutsvene kuvaapositori vaakange asarudza;Select Acts 1:2

3vaakazviratidzawo kwavari ari mupenyu shure kwekutambudzika kwake neuchapupu uzhinji hunopwisa, achionekwa navo kwemazuva makumi mana, achitaura zvinhu zveushe hwaMwari.Select Acts 1:3

4Zvino aungana navo, akavaraira kuti varege kubva muJerusarema asi vamirire chivimbiso chaBaba, chamakanzwa neni;Select Acts 1:4

5nokuti Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nemvura, asi imwi muchabhabhatidzwa neMweya Mutsvene pasina mazuva mazhinji kubva ikozvino.Select Acts 1:5

6Naizvozvo ivo vakati vaungana vakamubvunza vachiti: Ishe, muchadzosera ushe kuna Israeri nenguva ino here?Select Acts 1:6

7Zvino akati kwavari: Hazvisi zvenyu kuziva nguva kana misi Baba yavakatara nesimba ravo pachavo;Select Acts 1:7

8asi muchagamuchira simba, Mweya Mutsvene asvika pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu zvese paJerusarema nemuJudhiya mese nemuSamaria, kusvikirawo kumugumo wenyika.Select Acts 1:8

9Zvino wakati areva zvinhu izvi, akakwidzwa vakatarira, negore rikamubvisa pameso avo.Select Acts 1:9

10Zvino vachakatarisisa kudenga, achikwira, zvino tarira, varume vaviri vakamira navo nenguvo chena;Select Acts 1:10

11ivowo vakati: Varume veGarirea, makamirirei makatarisisa kudenga? Iyeyu Jesu, anobviswa kwamuri achikwidzwa kudenga, achauya saizvozvo sezvamunomuona achienda kudenga.Select Acts 1:11

12Zvino vakadzokera kuJerusarema vachibva pagomo rinonzi reMiorivhi riri pedo neJerusarema, chinhambwe cherwendo rwesabata.Select Acts 1:12

13Vakati vapinda, vakakwira mukamuri yepamusoro apo paigara vese Petro naJakobho naJohwani naAndiriya, Firipi naTomasi, Bhatironomiyo naMatewu, Jakobho waArifio naSimoni muZiroti, naJudhasi waJakobho.Select Acts 1:13

14Ava vese vakatsungirira nemoyo umwe mumunyengetero nemukumbiro, pamwe nevakadzi, naMaria mai vaJesu, uye nevanin'ina vake.Select Acts 1:14

15Zvino mumazuva iwayo Petro wakasimuka pakati pevadzidzi akati (kwaiva nechaunga nevanhu pamwe vanenge zana nemakumi maviri):Select Acts 1:15

16Varume hama, zvakafanira kuti rugwaro urwu rwuzadziswe, Mweya Mutsvene zvawakagara wataura nemuromo waDhavhidhi pamusoro paJudhasi, wakange ari mutungamiriri wevaya vakabata Jesu,Select Acts 1:16

17nokuti wakange achiverengwa pamwe nesu, akagamuchira mugove weushumiri uhu.Select Acts 1:17

18Zvino uyu wakawana munda nemubairo wezvakaipa, akawa nemusoro, akaparuka nepakati, ura hwake hwese hukabvajukira kunze.Select Acts 1:18

19Zvikanzwikwa kuvagari vese paJerusarema, zvekuti munda uyo watumidzwa nerurimi rwavo pachavo kuti Akeridhama, ndiko kuti: Munda weropa.Select Acts 1:19

20Nokuti zvakanyorwa mubhuku reMapisarema zvichinzi: Musha wake ngauve dongo, uye kurege kuva neanogara mauri; uye: Utariri hwake, umwe ngaatore.Select Acts 1:20

21Naizvozvo zvakafanira pavarume ava vaifamba nesu munguva yese, apo Ishe Jesu aipinda nekubuda pakati pedu,Select Acts 1:21

22kutanga parubhabhatidzo rwaJohwani, kusvikira pazuva raakwidzwa kubva kwatiri, umwe wavo ngaave chapupu pamwe nesu chekumuka kwake.Select Acts 1:22

23Zvino vakamisa vaviri: Josefa wainzi Bharisabhasi, wakatumidzwawo Jusito, naMatiasi.Select Acts 1:23

24Vakanyengetera vachiti: Imwi Ishe, imwi muzivi wemoyo yevese, taridzai umwe pavaviri ava wamasarudza,Select Acts 1:24

25kugamuchira mugove paushumiri nevuapositori, Judhasi hwaakatsauka pahuri, kuti aende panzvimbo yake pachake.Select Acts 1:25

26Zvino vakavapa mijenya yavo, mujenya ukawira pana Matiasi; akaverengwa pamwe nevaapositori vanegumi neumwe.Select Acts 1:26

Next: Acts 2Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Acts

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.