Acts 11
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino vaapositori nehama dzaiva paJudhiya vakanzwa kuti vahedheni vagamuchirawo shoko raMwari.Select Acts 11:1
2Zvino Petro wakati akwira kuJerusarema, vekudzingiswa vakapokana naye,Select Acts 11:2
3vachiti: Wakapinda muvarume vasina kudzingiswa, ukadya navo.Select Acts 11:3
4Asi Petro atanga wakavarondedzera zvichitevedzana achiti:Select Acts 11:4
5Ini ndakange ndiri muguta reJopa ndichinyengetera, zvino muchiyeverwa ndakaona chiratidzo, umwe mudziyo wakaburuka, semucheka mukuru unoburuswa kubva kudenga nemakona mana, ndokusvika kwandiri;Select Acts 11:5
6wandakati ndatarisisa ndacherekedza, zvino ndakaona mhuka dzine makumbo mana dzenyika nemhuka dzesango nezvinokambaira neshiri dzedenga.Select Acts 11:6
7Zvino ndakanzwa inzwi richiti kwandiri: Simuka, Petro, baya udye.Select Acts 11:7
8Asi ndakati: Aiwa kwete Ishe; nokuti hakuna chisakachena kana chine tsvina chakatongopinda mumuromo mangu.Select Acts 11:8
9Asi inzwi rakandipindura rwechipiri richibva kudenga richiti: Mwari chaachenesa, iwe usati chakasviba.Select Acts 11:9
10Uye izvi zvakaitika kusvikira katatu, zvese ndokukweverwazve kumusoro kudenga.Select Acts 11:10
11Zvino tarira, pakarepo varume vatatu vamire pamberi pemba yandakange ndiri, vatumwa kwandiri kubva kuKesariya.Select Acts 11:11
12Mweya ndokuti kwandiri ndiende navo, ndisiri asina chokwadi nechinhu; nehama idzi nhanhatuwo dzakaenda neni, zvino takapinda mumba memurume uyu;Select Acts 11:12
13iye akatipira kuti wakaona sei mutumwa amire mumba make, achiti kwaari: Tumira varume kuJopa, ugodana Simoni, anonzi Petro,Select Acts 11:13
14achakuudza mashoko, auchaponeswa nawo iwe nemhuri yako yese.Select Acts 11:14
15Zvino ndakati ndichatanga kutaura, Mweya Mutsvene wakaburukira pamusoro pavowo, sezvazvakaita pamusoro pedu pakutanga.Select Acts 11:15
16Zvino ndakarangarira shoko raIshe, kuti wakataura sei achiti: Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nemvura, asi imwi muchabhabhatidzwa neMweya Mutsvene.Select Acts 11:16
17Naizvozvo kana Mwari avapa chipo chakafanana nechaakapa kwatiriwo, takatenda kuna Ishe Jesu Kristu, ini ndaiva ani waigona kudzivisa Mwari?Select Acts 11:17
18Zvino vakati vanzwa zvinhu izvozvi vakanyarara, vakarumbidza Mwari, vachiti: Naizvozvo Mwari wakapawo kuvahedheni kutendeukira kuupenyu.Select Acts 11:18
19Zvino avo vakapararira nekushushwa kwakaitika pamusoro paSitefano vakagura kusvikira paFenikia neSaipuresi neAndiyokiya, vasingatauri shoko kuna ani asi kuVaJudha chete.Select Acts 11:19
20Asi kwaiva nevamwe vavo, varume VaSaipuresi neVaSairini vakati vasvika kuAndiyokiya, vakataura kuVaHerenisiti*, vachiparidza mashoko akanaka aIshe Jesu.Select Acts 11:20
21Neruoko rwaIshe rwaiva navo; uye uwandu ukuru hwakatenda hukatendeukira kuna Ishe.Select Acts 11:21
22Zvino shoko pamusoro pavo rikanzwikwa munzeve dzekereke yaiva paJerusarema; zvino vakatuma Bhanabhasi kuti agure kunosvika Andiyokiya;Select Acts 11:22
23iye asvika ndokuona nyasha dzaMwari akafara, akavakurudzira vese kuti varambire panaIshe nekuzvipira kwemoyo;Select Acts 11:23
24nokuti waiva murume wakanaka, uye azere neMweya Mutsvene uye nekutenda; chaunga chikuru ndokuwedzerwa kuna Ishe.Select Acts 11:24
25Bhanabhasi ndokubuda akaenda kuTaso kunotsvaka Sauro.Select Acts 11:25
26Zvino wakati amuwana akamuuisa kuAndiyokiya. Zvino zvikaitika kuti gore rese vakaungana mukereke vakadzidzisa chaunga chikuru; uye vadzidzi vakatanga kunzi vaKristu paAndiyokiya.Select Acts 11:26
27Zvino nemazuva iwayo, vaporofita vakaburukira kuAndiyokiya vachibva kuJerusarema.Select Acts 11:27
28Zvino kwakasimuka umwe wavo wainzi Agabhusi, ndokuratidza neMweya kuti nzara huru ichavapo panyika yese; yakaitikawo panguva yaKiraudhio Kesari.Select Acts 11:28
29Uye vadzidzi vakazvipira kuti chero ani paaigona napo, umwe neumwe wavo atume zvinobatsira kuhama dzigere muJudhiya;Select Acts 11:29
30zvavakaitawo, vakatumira kuvakuru neruoko rwaBhanabhasi naSauro.Select Acts 11:30
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation