Skip to content
Church.wiki
Acts

Acts 12

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Nenguva iyoyo Herodhe mambo wakaisa maoko kuti atambudze vamwe kubva mukereke.Select Acts 12:1

2Ndokuuraya Jakobho mukoma waJohwani nemunondo.Select Acts 12:2

3Zvino wakati achiona kuti zvinofadza VaJudha, wakapfuurira mberi akabata Petrowo; zvino aiva mazuva ezvingwa zvisina mbiriso;Select Acts 12:3

4akati amubatawo akaisa mutirongo, akamukumikidza kumapoka mana evanhu vana emauto kuti vamurinde, achida kumuisa kuvanhu mushure mepasika.Select Acts 12:4

5Naizvozvo Petro wakachengetwa mutirongo; asi munyengetero wakaenderera mberi uchiitwa nekereke kuna Mwari uchiitirwa iye.Select Acts 12:5

6Zvino Herodhe wakati oda kumubudisa, usiku ihwohwo Petro wakange arere pakati pemauto maviri, akasungwa nemaketani maviri; nevarindi pamberi pemusuwo vakarinda tirongo.Select Acts 12:6

7Zvino tarira, mutumwa waIshe wakamirapo, chiedza ndokupenya muchitokisi; zvino akarova rutivi rwaPetro, akamumutsa achiti: Simuka nekukurumidza. Zvino maketani ake akawa pamaoko ake.Select Acts 12:7

8Mutumwa ndokuti kwaari: Zvisunge chiuno, uye sunga manyatera ako. Ndokuita saizvozvo. Zvino akati kwaari: Monera nguvo yako, unditevere.Select Acts 12:8

9Zvino wakabuda akamutevera; uye asingazivi kuti ichokwadi chinoitwa nemutumwa, asi waifunga kuti anoona chiratidzo.Select Acts 12:9

10Zvino vakati vapfuura chirindo chekutanga nechepiri, vakasvika pasuwo reutare raipinda muguta; iro rakavazarukira rega; zvino vakabuda, vakapfuura nzira imwe yemumusha, pakarepo mutumwa ndokubva kwaari.Select Acts 12:10

11Zvino Petro, wakati apengenuka, akati: Zvino ndinoziva zvirokwazvo kuti Ishe watuma mutumwa wake, uye wandisunungura paruoko rwaHerodhe netarisiro yese yevanhu veVaJudha.Select Acts 12:11

12Zvino wakati arangarira akaenda kumba kwaMaria mai vaJohwani wainzi Mariko, vazhinji pavakange vakaungana vachinyengetera.Select Acts 12:12

13Zvino Petro wakati agogodza pagonhi resuwo, murandakadzi wakauya kuzoteerera, wainzi Rodha.Select Acts 12:13

14Zvino wakati achiziva inzwi raPetro, haana kuzarura suwo nekuda kwemufaro, asi wakamhanyira mukati akavaudza kuti Petro amire pamberi pesuwo.Select Acts 12:14

15Asi vakati kwaari: Unopenga. Asi wakaramba achisimbisa kuti zvaiva zvakadaro. Ivo ndokuti: Mutumwa wake.Select Acts 12:15

16Asi Petro wakaramba achigogodza; zvino vakati vazarura vakamuona, vakashamisika.Select Acts 12:16

17Zvino wakavaninira neruoko kuti vanyarare, akavarondedzera kuti Ishe wakamubudisa sei mutirongo, akati: Pirai kuna Jakobho nekuhama zvinhu izvi. Zvino akabuda akaenda kune imwe nzvimbo.Select Acts 12:17

18Zvino kwakati kwaedza, bongozozo risati riri diki rikavapo pakati pemauto, kuti chii chakawira Petro.Select Acts 12:18

19Zvino Herodhe wakati amutsvaka akasamuwana, wakabvunzisisa varindi, akaraira kuti vabviswe. Zvino akabva Judhiya akaburukira Kesariya akagarako.Select Acts 12:19

20Zvino Herodhe wakatsamwira zvikuru veTire neVaSidhoni; asi vakauya kwaari nemoyo umwe, vakashamwaridzana naBhurasto mutariri weimba yekurara yamambo, vakakumbira rugare, nokuti nyika yavo yaipiwa kudya nenyika yamambo.Select Acts 12:20

21Zvino nezuva rakatarwa Herodhe wakapfeka nguvo dzeumambo, akagara pachigaro chekutonga, akaita nhaurwa kwavari.Select Acts 12:21

22Vanhu ndokudanidzira vachiti: Inzwi raMwari, uye kwete remunhu.Select Acts 12:22

23Zvino pakarepo mutumwa waIshe wakamurova, nokuti haana kupa Mwari rukudzo; ndokudyiwa nehonye, akapera.Select Acts 12:23

24Asi shoko raMwari rakakura rikawanda.Select Acts 12:24

25Zvino Bhanabhasi naSauro vakadzoka vachibva kuJerusarema, vapedzisa basa, vakaenda naJohwaniwo wainzi Mariko.Select Acts 12:25

Next: Acts 13Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Acts

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.