Acts 13
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino paivapo muAndiyokiya, mukereke ipapo vamwe vaporofita nevadzidzisi, Bhanabhasi naSimioniwo wainzi Nigeri, naRukio muKurini, naManaeni wakange arerwa pamwe naHerodhe umwe wevatungamiriri vana, naSauro.Select Acts 13:1
2Vakati vachishumira kuna Ishe nekutsanya, Mweya Mutsvene akati: Nditsaurirei Bhanabhasi pamwe naSauro pabasa randakavadanira.Select Acts 13:2
3Ipapo vatsanya nekunyengetera nekuisa maoko pamusoro pavo, vakavaendesa.Select Acts 13:3
4Naizvozvo zvirokwazvo ivo vakati vatumwa naMweya Mutsvene, vakaburukira Serukia, vakabvapowo vakaenda kuSaipuresi nechikepe.Select Acts 13:4
5Zvino vasvika paSarami, vakaparidza shoko raMwari mumasinagoge eVaJudha; uye vakange vanaJohwaniwo mubatsiri.Select Acts 13:5
6Zvino vakati vagura nemuchiwi kusvikira paPafosi, vakawana imwe n'anga, muporofita wenhema, muJudha, wainzi Bhari-Jesu.Select Acts 13:6
7Wainge ane mutungamiriri Sejiyo Pauro, murume wakachenjera. Iye wakadanira kwaari Bhanabhasi naSauro akatsvaka kunzwa shoko raMwari.Select Acts 13:7
8Asi Erimasi n'anga, nokuti ndiro zita rake kana zvichishandurwa, akavapikisa, achitsvaka kutsausa mutungamiriri parutendo.Select Acts 13:8
9Asi Sauro, ndiye Paurowo, azadzwa neMweya Mutsvene, uye amutarisisa,Select Acts 13:9
10wakati: Iwe uzere nekubiridzira kwese nekunyengera kwese, mwanakomana wadhiabhorosi, muvengi wekururama kwese, haugumi here kutsausa nzira dzakarurama dzaIshe?Select Acts 13:10
11Uye ikozvino tarira, ruoko rwaIshe rwuri pamusoro pako, uye uchava bofu, usingaoni zuva kwenguva. Pakarepo mhute nerima zvakamuwira, akatenderera achitsvaka vangamutungamirira neruoko.Select Acts 13:11
12Panguva iyo mutungamiriri wakati aona zvakaitika akatenda, achishamiswa nedzidziso yaIshe.Select Acts 13:12
13Zvino Pauro nevaiva naye vakabva Pafosi nechikepe vakasvika paPega muPamufiriya. Asi Johwani wakabva kwavari akadzokera kuJerusarema.Select Acts 13:13
14Asi ivo vakati vagura vachibva paPega, vakasvika kuAndiyokiya muPisidhiya; vakapinda musinagoge nezuva resabata, vakagara pasi.Select Acts 13:14
15Zvino shure kwekuverengwa kwemurairo nevaporofita, vakuru vesinagoge vakatumira kwavari, vachiti: Varume hama, kana kune shoko mukati menyu rekurudziro kuvanhu, taurai.Select Acts 13:15
16Zvino Pauro wakasimuka, ndokuninira neruoko, akati: Varume VaIsraeri, nemwi munotya Mwari, teererai.Select Acts 13:16
17Mwari werudzi urwu rwaIsraeri wakasarudza madzibaba edu, akakudza vanhu vachiri vatorwa munyika yeEgipita, uye neruoko rwakakwirira akavabudisa mairi.Select Acts 13:17
18Uye akava nemoyo murefu nemaitiro avo nguva inenge makore makumi mana murenje.Select Acts 13:18
19Zvino wakati aparadza marudzi manomwe munyika yeKenani, akavagovera nyika yavo nemujenya.Select Acts 13:19
20Zvino shure kweizvozvo, makore anenge mazana mana nemakumi mashanu, wakavapa vatongi kusvikira kuna Samueri muporofita.Select Acts 13:20
21Uye kubvira ipapo vakakumbira mambo; Mwari ndokuvapa Sauro mwanakomana waKishi, murume werudzi rwaBhenjamini, makore makumi mana.Select Acts 13:21
22Zvino wakati amubvisa, wakavamutsira Dhavhidhi kuva mambo, waakapupurirawo akati: Ndawana Dhavhidhi waJese, murume anoenderana nemoyo wangu, achaita chido changu chese.Select Acts 13:22
23Pambeu yeuyu sechivimbiso, Mwari wakamutsira Israeri Muponesi Jesu;Select Acts 13:23
24iye asati asvika Johwani wakaparidza pakutanga rubhabhatidzo rwekutendeuka kuvanhu vese VaIsraeri.Select Acts 13:24
25Zvino Johwani wakati azadzisa rwendo, akati: Munofunga kuti ndini ani? Ini handisi iye, asi tarirai, shure kwangu anouya, wandisakafanira kusunungura shangu dzetsoka dzake.Select Acts 13:25
26Varume hama, vana verudzi rwaAbhurahama, neavo pakati penyu vanotya Mwari, shoko reruponeso urwu ratumirwa kwamuri.Select Acts 13:26
27Nokuti avo vanogara muJerusarema nevatungamiriri vavo havana kumuziva uyu, uye manzwi evaporofita anoverengwa sabata rimwe nerimwe, vakaazadzisa pakumurasa;Select Acts 13:27
28uye kunyange vasina kuwana mhosva yerufu, vakakumbira kuna Pirato kuti aurawe.Select Acts 13:28
29Zvino vakati vapedza zvese zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuturura pamuti, vakamuradzika muguva.Select Acts 13:29
30Asi Mwari wakamumutsa kubva kuvakafa;Select Acts 13:30
31iye wakaonekwa kwemazuva mazhinji neavo vakange vakwira naye kuJerusarema vachibva Garirea, vari zvapupu zvake kuvanhu.Select Acts 13:31
32Nesu tinoparidza kwamuri mashoko akanaka echivimbiso chakaitwa kumadzibaba,Select Acts 13:32
33kuti Mwari wakazadzisa ichi kwatiri, isu vana vavo, pakuti wakamutsa Jesu; sezvazvakanyorwawo mupisarema rechipiri kuti: Iwe uri Mwanakomana wangu, nhasi ini ndakubereka.Select Acts 13:33
34Zvino zvekuti wakamumutsa kubva kuvakafa, asadzokerazve kukuora, wakareva sezvizvi: Ndichakupai maropafadzo matsvene anovimbika aDhavhidhi.Select Acts 13:34
35Naizvozvowo anoti pane imwe nzvimbo: Hamungapi Mutsvene wenyu kuti aone kuora.Select Acts 13:35
36Nokuti Dhavhidhi, ashumira zano raMwari pazera rake pachake wakarara, uye wakaradzikwa kumadzibaba ake, ndokuona kuora;Select Acts 13:36
37asi Mwari waakamutsa, haana kuona kuora.Select Acts 13:37
38Naizvozvo ngazvizikanwe kwamuri, varume hama, kuti neuyu kanganwiro yezvivi inoparidzirwa imwi;Select Acts 13:38
39uye neuyu ani nani anotenda anonzi wakarurama pazvinhu zvese zvamakange musingagoni kunzi makarurama pazviri nemurairo waMozisi.Select Acts 13:39
40Naizvozvo onai kuti zvirege kuwira pamusoro penyu zvakarehwa muvaporofita, zvinoti:Select Acts 13:40
41Tarirai, imwi vazvidzi, uye mushamisike, nekuparadzwa; nokuti ini ndinobata basa pamazuva enyu, basa ramusingatombotendi, kunyange umwe achikurondedzerai.Select Acts 13:41
42Zvino pakubuda kweVaJudha musinagoge, vahedheni vakakumbira kuti mashoko awa ataurwe kwavari pasabata raitevera.Select Acts 13:42
43Zvino vesinagoge vakati vapera, vazhinji veVaJudha nevakatendeukira kuVaJudha vainamata vakatevera Pauro naBhanabhasi; ivo vakataura kwavari, vachivagombedzera kuti varambire munyasha dzaMwari.Select Acts 13:43
44Zvino nesabata rakatevera guta rinenge rese rakaungana kuzonzwa shoko raMwari.Select Acts 13:44
45Zvino VaJudha vakati vachiona zvaunga vakazadzwa negodo, vakapikisa zvinhu zvakarehwa naPauro, vachipikisa uye vachinyomba.Select Acts 13:45
46Asi Pauro naBhanabhasi vachitaura vakashinga vakati: Zvakange zvakafanira kuti shoko raMwari ritaurirwe kwamuri pakutanga; asi zvamarininira kure, uye mazvitongera kusafanira upenyu husingaperi, tarirai, tinotendeukira kuvahedheni.Select Acts 13:46
47Nokuti Ishe wakatiraira saizvozvo achiti: Ndakakugadza kuva chiedza chevahedheni, kuti uve weruponeso kusvikira kumugumo wenyika.Select Acts 13:47
48Zvino vahedheni vakati vachinzwa izvi vakafara, uye vakakudza shoko raIshe, neuwandu hwevese vakange vatarirwa upenyu husingaperi vakatenda;Select Acts 13:48
49uye shoko raIshe rikaparadzirwa kudunhu rese.Select Acts 13:49
50Asi VaJudha vakamutsa vakadzi vaishumira vaikudzwa, nevakuru veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi rushusho, vakavadzinga kubva kumiganhu yavo.Select Acts 13:50
51Asi ivo vakavazuzira guruva retsoka dzavo, vakasvika Ikonio.Select Acts 13:51
52Zvino vadzidzi vakazadzwa nemufaro neMweya Mutsvene.Select Acts 13:52
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation