Acts 15
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino vamwe vakaburuka kubva kuJudhiya, vakadzidzisa hama kuti: Kana musingadzingiswi netsika yaMozisi, hamugoni kuponeswa.Select Acts 15:1
2Naizvozvo, kwakati kwava nekupesana nekupikisana kusati kuri kudiki kwaPauro naBhanabhasi navo, vakaronga kuti Pauro naBhanabhasi nevamwezve vavo vakwire kuJerusarema kuvaapositori nevakuru, pamusoro peshoko iri.Select Acts 15:2
3Naizvozvo vakati vachiperekedzwa nekereke, vakagura neFenike neSamaria, vachirondedzera zvekutendeuka kwevahedheni; vakaitira hama dzese mufaro mukuru.Select Acts 15:3
4Zvino vakati vasvika kuJerusarema, vakagamuchirwa nekereke nevaapositori nevakuru, vakarondedzera zvese Mwari zvaakaita navo.Select Acts 15:4
5Asi kwakamuka vamwe vebato reVaFarisi vaitenda, vachiti: Zvinofanira kuvadzingisa, nekuvaraira kuchengeta murairo waMozisi.Select Acts 15:5
6Vaapositori nevakuru vakaungana pamwe kuti vaongorore zveshoko iri.Select Acts 15:6
7Zvino kwakava nekukakavadzana kukuru, Petro wakasimuka akati kwavari: Varume hama, imwi munoziva kuti kubva pamazuva akare Mwari wakasarudza pakati pedu, kuti nemuromo wangu vahedheni vanzwe shoko reevhangeri, uye vatende.Select Acts 15:7
8Uye Mwari muzivi wemoyo wakapupura kwavari, achivapa Mweya Mutsvene, sekwatiriwo;Select Acts 15:8
9uye haana kuisa mutsauko pakati pedu navo, achichenura moyo yavo nerutendo.Select Acts 15:9
10Naizvozvo ikozvino munoidzirei Mwari, kuisa joko pamutsipa wevadzidzi, ratisina kugona kutakura kana madzibaba edu kana isu?Select Acts 15:10
11Asi nenyasha dzaIshe Jesu Kristu tinotenda kuti tinoponeswa, nenzira imwe savowo.Select Acts 15:11
12Chaunga chese ndokunyarara; ndokuteerera Bhanabhasi naPauro vachirondedzera kuti zvikuru sei zviratidzo nezvishamiso Mwari zvaakaita navo pakati pevahedheni.Select Acts 15:12
13Zvino ivo vakati vanyarara, Jakobho akapindura achiti: Varume hama, nditeererei:Select Acts 15:13
14Simioni warondedzera kuti Mwari wakashanyira vahedheni sei pakutanga kuti atorere zita rake vanhu kwavari.Select Acts 15:14
15Nemashoko evaporofita anobvumirana neizvi, sezvazvakanyorwa zvichinzi:Select Acts 15:15
16Shure kweizvi ndichadzoka, uye ndichavakazve tabhenakeri yaDhavhidhi yakawa; uye ndichavakazve matongo aro, uye ndicharimisazve;Select Acts 15:16
17kuti vakasara vevanhu vatsvake Ishe, nevechirudzi vese, pavanodanwa nezita rangu, ndizvo zvinoreva Ishe anoita zvinhu izvi zvese.Select Acts 15:17
18Anozikanwa kuna Mwari mabasa ake ese kubva pakusingaperi.Select Acts 15:18
19Naizvozvi ini ndinogura kuti tirege kutambudza vakabva kuvahedheni vakatendeukira kuna Mwari;Select Acts 15:19
20asi tivanyorere kuti vabve pazvakashatiswa zvezvifananidzo neupombwe nezvakadzipwa neropa.Select Acts 15:20
21Nokuti Mozisi anavo kubva pamazera akare vanomuparidza paguta rimwe nerimwe, achiverengwa mumasinagoge sabata rimwe nerimwe.Select Acts 15:21
22Ipapo zvikaonekwa zvakanaka kuvaapositori nevakuru vane kereke yese, kuti vatume varume vakasarudzwa pakati pavo kuAndiyokiya pamwe naPauro naBhanabhasi: Judhasi wainzi Bharisabhasi, naSirasi, varume vatungamiriri pakati pehama,Select Acts 15:22
23vakanyora seizvi neruoko rwavo: Vaapositori nevakuru nehama, kuhama dzekuvahedheni paAndiyokiya neSiriya neKirikia, kwaziwai;Select Acts 15:23
24sezvatakanzwa kuti vamwe vakabuda kwatiri vakakutambudzai nemashoko, vachikanganisa mweya yenyu, vachiti mudzingiswe nekuchengeta murairo, ivo vatisina kuraira;Select Acts 15:24
25zvaonekwa zvakanaka kwatiri tava nemoyo umwe, kutuma kwamuri varume vakasarudzwa, pamwe nevadikanwi vedu Bhanabhasi naPauro,Select Acts 15:25
26vanhu vakazvipira upenyu hwavo nekuda kwezita raIshe wedu Jesu Kristu.Select Acts 15:26
27Naizvozvo tatuma Judhasi naSirasi, ivo vachataurawo zvimwe chete neshoko remuromo.Select Acts 15:27
28Nokuti zvakaonekwa zvakanaka kuMweya Mutsvene, nekwatiri, kuti tirege kuchikutakudzai mutoro mukuru, kunze kwezvinhu izvi zvakafanira:Select Acts 15:28
29Kuti mubve pazvakabairwa zvifananidzo neropa nechakadzipwa neupombwe; kana mukazvisunungura pazviri, muchaita zvakanaka. Sarai zvakanaka.Select Acts 15:29
30Zvino vakati vaendeswa vakasvika kuAndiyokiya; vakati vaunganidza chaunga, vakakumikidza tsamba.Select Acts 15:30
31Zvino vakati vaverenga, vakafara pamusoro pekukurudzirwa.Select Acts 15:31
32Judhasiwo naSirasi, vaiva vaporofitawo pachavo, vakakurudzira hama nenhaurwa zhinji, nekuvasimbisa.Select Acts 15:32
33Vakati vagara kwenguva, vakaendeswa nehama murugare kuvaapositori,Select Acts 15:33
34asi zvakaonekwa zvakanaka kuna Sirasi kuti asarepo.Select Acts 15:34
35Paurowo naBhanabhasi vakasara muAndiyokiya vachidzidzisa nekuparidza shoko raIshe, nevamwewo vazhinji.Select Acts 15:35
36Zvino shure kwemamwe mazuva Pauro wakati kuna Bhanabhasi: Ngatidzokere ikozvino tishanyire hama dzedu muguta rimwe nerimwe, matakaparidza shoko raIshe, tione kuti vakadini.Select Acts 15:36
37Zvino Bhanabhasi wakange aronga kutora Johwani wainzi Mariko, kuti afambe navo.Select Acts 15:37
38Asi Pauro wakafunga kuti zvakanaka kusamutora afambe navo uyu wakavasiya kubva paPamufiriya, akasaenda navo kubasa.Select Acts 15:38
39Zvino kwakauya kukakavadzana kukuru, zvekuti vakaparadzana, umwe kubva kune umwe; Bhanabhasi ndokutora Mariko kufamba naye, akaenda kuSaipuresi nechikepe;Select Acts 15:39
40asi Pauro wakasarudza Sirasi akabuda akaenda, akumikidzwa nehama panyasha dzaMwari.Select Acts 15:40
41Ndokugura neSiriya neKirikia, achisimbisa makereke.Select Acts 15:41
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation