Acts 18
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Shure kwezvinhu izvi Pauro wakabva paAtene akauya kuKorinde.Select Acts 18:1
2Zvino akawana umwe muJudha wainzi Akwira, wePonto pakuberekwa (achangosvika kubva kuItaria), naPrisira mukadzi wake, nekuda kwekuraira kwaKiraudhio kuti VaJudha vese vabve kuRoma, akaenda kwavari;Select Acts 18:2
3zvino nokuti vakange vari vebasa rimwe, wakagara navo ndokushanda; nokuti vaiva vagadziri vematende pabasa.Select Acts 18:3
4Zvino waiparidza sabata rimwe nerimwe musinagoge, achigombedzera VaJudha neVaGiriki.Select Acts 18:4
5Zvino Sirasi naTimotio vakati vachiburuka kubva kuMakedhonia, Pauro wakamanikidzwa neMweya, akapupura kuVaJudha kuti Jesu ndiye Kristu.Select Acts 18:5
6Zvino vakati vachimupikisa nekutuka, akazunza nguvo, akati kwavari: Ropa renyu ngarive pamusoro penyu; ini ndakachena; kubva ikozvino ndichaenda kuvahedheni.Select Acts 18:6
7Zvino wakabva ipapo akaenda kumba kweumwe wainzi Jusito, wainamata Mwari, imba yake yaiva yakabatana nesinagoge.Select Acts 18:7
8NaKrisipo mutungamiriri wesinagoge wakatenda kuna Ishe neimba yake yese; nevazhinji veVaKorinde vakanzwa vakatenda uye vakabhabhatidzwa.Select Acts 18:8
9Zvino Ishe wakataura kuna Pauro pausiku nechiratidzo: Usatya, asi taura uye usanyarara;Select Acts 18:9
10nokuti ini ndinewe, uye hapana angakumukira kuti akukuvadze; nokuti ndine vanhu vazhinji muguta rino.Select Acts 18:10
11Zvino wakagara gore nemwedzi mitanhatu, achidzidzisa shoko raMwari pakati pavo.Select Acts 18:11
12Zvino Gario wakati ava mutungamiriri weAkaya, VaJudha vakamukira Pauro nemoyo umwe, vakamuuisa pamberi pechigaro chekutonga,Select Acts 18:12
13vachiti: Uyu anogombedzera vanhu kunamata Mwari zvinopesana nemurairo.Select Acts 18:13
14Zvino Pauro wakati oda kushamisa muromo, Gario akati kuVaJudha: Naizvozvo dai chaiva chinhu chezvisakarurama kana mhosva yakaipa, haiwa VaJudha, nechikonzero ichi ndaikuitirai nemoyo murefu;Select Acts 18:14
15asi kana dziri nharo pamusoro peshoko nemazita, nemurairo wenyu pachenyu, zvionerei imwi; nokuti ini handidi kuva mutongi weizvozvo.Select Acts 18:15
16Ndokuvadzinga pachigaro chekutonga.Select Acts 18:16
17Zvino VaGiriki vese vakabata Sositeni mutungamiriri wesinagoge, vakamurova pamberi pechigaro chekutonga. Asi Gario haana kuva nehanya nechinhu chimwe cheizvozvo.Select Acts 18:17
18Pauro wakati achigere mazuva mazhinji, akaonekana nehama, akabvapo nechikepe akaenda kuSiriya, uye Prisira naAkwira vanaye, aveura musoro paKenikirea, nokuti wakange ane mhiko.Select Acts 18:18
19Zvino wakasvika muEfeso, akavasiyapo; asi iye wakapinda musinagoge akataurirana neVaJudha.Select Acts 18:19
20Zvino vakati vamukumbira kugara navo nguva yakati rebei, haana kutenda;Select Acts 18:20
21asi wakavaoneka achiti: Ndinofanira nenzira dzese kuchengetedza mutambo unouya muJerusarema; asi ndichadzokazve kwamuri, kana Mwari achida. Akabva paEfeso nechikepe.Select Acts 18:21
22Zvino wakati asvika Kesariya, ndokukwira akakwazisa kereke, akaburukira kuAndiyokiya.Select Acts 18:22
23Zvino wakati ambopedza nguva, akabva, akagura nedunhu reGaratia neFrigia achitevedzanisa, achisimbisa vadzidzi vese.Select Acts 18:23
24Zvino umwe muJudha wainzi Aporo, muAreksandiria nekuberekwa, murume nyanzvi yekutaura, ane simba pamagwaro, wakasvika paEfeso.Select Acts 18:24
25Uyu wakange adzidziswa nzira yaIshe, uye waishingaira mumweya, achitaura nekunyatsodzidzisa zvinhu zvaIshe, achiziva rubhabhatidzo rwaJohwani chete;Select Acts 18:25
26iye ndokutanga kutaura asingatyi musinagoge. Zvino Prisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamutora, vakanyatsomududzira nzira yaMwari nemazvo.Select Acts 18:26
27Zvino wakati achida kuyambukira kuAkaya, hama dzakanyora dzichisimbisa vadzidzi kuti vamugamuchire; iye wakati achisvika akabatsira zvikuru avo vakatenda nenyasha;Select Acts 18:27
28nokuti wakapwisa VaJudha nesimba pachena, achiratidza nemagwaro kuti Jesu ndiye Kristu.Select Acts 18:28
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation