Acts 19
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino zvakaitika, Aporo achiri paKorinde, Pauro wakati agura nemativi ekumusoro akasvika paEfeso; akawana vamwe vadzidzi,Select Acts 19:1
2akati kwavari: Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakatenda? Zvino vakati kwaari: Asi hatina kutongonzwa kana kune Mweya Mutsvene.Select Acts 19:2
3Zvino akati kwavari: Ko makabhabhatidzwa mune zvipi? Zvino vakati: Murubhabhatidzo rwaJohwani.Select Acts 19:3
4Zvino Pauro wakati: Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nerubhabhatidzo rwekutendeuka, achiudza vanhu kuti vatende kuna iye anouya shure kwake, ndiko kuti, kuna Kristu Jesu.Select Acts 19:4
5Zvino vakati vanzwa, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu.Select Acts 19:5
6Zvino Pauro wakati aisa maoko pamusoro pavo, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavo; vakataura nendimi, ndokuporofita.Select Acts 19:6
7Zvino varume vese vainge gumi nevaviri.Select Acts 19:7
8Zvino wakapinda musinagoge akataura akashinga, kwemwedzi mitatu achiparidza achipwisa pazvinhu zveushe hwaMwari.Select Acts 19:8
9Asi vamwe vakati vachiomesa moyo uye vasingatendi, vachitaura zvakaipa pamusoro penzira iyo pamberi pechaunga, akabva kwavari akatsaura vadzidzi, akaparidza zuva rimwe nerimwe muchikoro cheumwe Tiranosi.Select Acts 19:9
10Zvino izvi zvakaitika kwemakore maviri, zvekuti vese vakange vagere paAsia vakanzwa shoko raIshe Jesu, vese VaJudha neVaGiriki.Select Acts 19:10
11Mwari ndokuita mabasa esimba asina kujairika nemaoko aPauro,Select Acts 19:11
12zvekuti kunyange kuvarwere kwaiiswa micheka yekumeso kana mafasikoti zvaibva pamuviri wake, hosha dzikabva kwavari, nemweya yakaipa ikabuda kwavari.Select Acts 19:12
13Zvino vamwe VaJudha vambeyi vadzingi vemweya yakaipa, vakaidza kudana zita raIshe Jesu pamusoro pevaiva nemweya yakaipa, vachiti: Ndinokupikirai naJesu Pauro waanoparidza.Select Acts 19:13
14Zvino paiva nevamwe vanakomana vanomwe vaSikevha muJudha mupristi mukuru vaiita izvi.Select Acts 19:14
15Mweya wakaipa ndokupindura ukati: Jesu ndinomuziva, naPauro ndinoziva nezvake; asi imwi ndimwi vana ani?Select Acts 19:15
16Zvino munhu mweya wakaipa wawaiva paari akavakwakukira, akavakurira, akavakunda, zvekuti vakatiza mumba umo vasina nguvo vakuvadzwa.Select Acts 19:16
17Zvino izvi zvikazikanwa kune vese VaJudha neVaGirikiwo vakange vagere paEfeso; kutya ndokuvawira vese; zita raIshe Jesu ndokukudzwa.Select Acts 19:17
18Zvino vazhinji vevakange vatenda vakauya, vakareurura, nekurondedzera mabasa avo.Select Acts 19:18
19Zvino vazhinji vevaiita zveun'anga vakaunganidza mabhuku pamwe vakaapisa pamberi pevese; ndokuverenga mutengo wawo, zvino vakawana masirivheri zvuru makumi mashanu.Select Acts 19:19
20Naizvozvo shoko raIshe rakakura nesimba rikakunda.Select Acts 19:20
21Zvino izvi zvakati zvapera, Pauro wakazvipira mumweya, ambogura nepaMakedhonia neAkaya, kuenda kuJerusarema, achiti: Shure kwekuva kwangu ikoko, ndinofanirawo kunoona Roma.Select Acts 19:21
22Zvino akatumira kuMakedhonia vaviri vevaimushandira, Timotio naErasto, iye akagara muAsia kwenguva.Select Acts 19:22
23Zvino nenguva iyoyo nyonga-nyonga isati iri diki ikavapo pamusoro penzira iyo.Select Acts 19:23
24Nokuti umwe, wainzi Dhemetrio, mupfuri wesirivheri, waiita zvitembere zvaDhiana zvesirivheri, waiuisa mubairo usati uri mudiki kumhizha;Select Acts 19:24
25wakadziunganidza pamwe nevamwe vebasa rakadaro, akati: Varume, munoziva kuti nebasa iri tine upfumi hwedu.Select Acts 19:25
26Zvino munoona nekunzwa kuti pasati pari paEfeso chete, asi panenge paAsia yese, Pauro uyu wakagombedzera nekutsausa chaunga chikuru, achiti vakaitwa nemaoko havasi vamwari.Select Acts 19:26
27Zvino hazvisi izvi chete kuti chikamu chedu chisvike panjodzi yekuzvidzwa, asi netembere yamwarikadzi mukuru Dhiana ichaitwa chinhu pasina neukuru-kuru hwake huchaderedzwa, iye Asia nenyika yese wavanonamata.Select Acts 19:27
28Zvino vakati vachizvinzwa vakazara nekutsamwa, vakadanidzira vachiti: Mukuru Dhiana weVaEfeso!Select Acts 19:28
29Zvino guta rese rakazadzwa nenyonga-nyonga; vakamhanyira nemoyo umwe panhandare, vakakweva Gayo naArisitako VaMakedhonia, vaperekedzi vaPauro.Select Acts 19:29
30Zvino Pauro akada kupinda muchaunga, vadzidzi havana kumutendera.Select Acts 19:30
31Uye nevamwe vevakuru veAsia, vaiva shamwari dzake, vakatuma shoko kwaari, vachikumbira zvikuru kwaari kuti arege kuzvipinza panhandare.Select Acts 19:31
32Zvino vamwe vakadanidzira chimwe vamwe chimwe; nokuti ungano yakange yanyonganiswa, uye vazhinji vasingazivi zvavakaunganira.Select Acts 19:32
33Zvino vakabudisira Arekisandiro kunze kubva muchaunga, VaJudha vachimusundira mberi. Zvino Arekisandiro akaninira neruoko, achida kuzvidavirira kuvanhu.Select Acts 19:33
34Asi pavakaziva kuti muJudha, inzwi rimwe rakamuka kune vese, vakadanidzira maawa anenge maviri vachiti: Mukuru Dhiana weVaEfeso!Select Acts 19:34
35Zvino munyori wakati anyaradza vanhu akati: Varume veEfeso, nokuti munhu ndeupi aripo asingazivi kuti guta reVaEfeso ndiro muchengetedzi wetembere yamwarikadzi mukuru Dhiana newechakawa kubva kudenga.Select Acts 19:35
36Naizvozvo zvinhu izvi zvazvisingagoni kurambwa, munofanira kunyarara musingaiti chinhu nekumhanyirira.Select Acts 19:36
37Nokuti mauisa varume ava, vasiri makororo edzitembere kana vamhuri vamwarikadzi wenyu.Select Acts 19:37
38Naizvozvo kana Dhemetrio nemhizha dzinaye vane mhosva neumwe, matare emhosva akazarurwa, nevatongi varipo; ngavakwirirane.Select Acts 19:38
39Asi kana muchitsvaka chimwe chinhu maererano nezvimwe zvinhu, zvingatemwa paungano iri pamutemo.Select Acts 19:39
40Nokuti tiri munjodziwo yekupiwa mhosva yebongozozo ranhasi zvapasina chikonzero chatingapa nacho rondedzero yenyongano iyi.Select Acts 19:40
41Zvino wakati ataura izvozvi, akaparadza ungano.Select Acts 19:41
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation