Skip to content
Church.wiki
Acts

Acts 21

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino zvakaitika kuti tichibva nechikepe taparadzana navo, takafamba nenzira yakarurama tikasvika muKose, neraitevera muRodhe, tikabvapo tikasvika Patara;Select Acts 21:1

2ndokuti tawana chikepe chaiyambukira kuFonisiya, takapinda tikaenda nechikepe.Select Acts 21:2

3Takati tabudikira Saipuresi, ndokuisiya kuruoko rweruboshwe, tikaenda kuSiriya nechikepe, tikamhara paTire; nokuti chikepe chaifanira kututunura mutoro ipapo;Select Acts 21:3

4zvino takati tawana vadzidzi, tikagarapo mazuva manomwe; ivo vakati neMweya kuna Pauro, arege kukwira kuJerusarema.Select Acts 21:4

5Zvino zvakaitika kuti takapedza mazuva, tikabva tikaenda, vese vakatiperekedza nevakadzi nevana kusvikira kunze kweguta; zvino takafugama nemabvi pamahombekombe tikanyengetera.Select Acts 21:5

6Zvino tawonekana, takapinda muchikepe, asi ivo vakadzokera kwavo.Select Acts 21:6

7Asi isu takati tapedza rwendo nechikepe kubva kuTire, takasvika kuPitoremai, tikakwazisa hama tikagara navo zuva rimwe.Select Acts 21:7

8Chifume isu taiva naPauro takabva tikasvika kuKesariya; ndokupinda mumba maFiripi muevhangeri, waiva umwe wevanomwe, tikagara naye.Select Acts 21:8

9Uyuwo wakange ane vakunda vana, mhandara dzaiporofita.Select Acts 21:9

10Zvino takati tagara mazuva mazhinji, kwakaburuka kubva kuJudhiya umwe muporofita wainzi Agabhusi,Select Acts 21:10

11ndokusvika kwatiri, akatora bhanhire raPauro, akazvisunga maoko nemakumbo ake, akati: Mweya Mutsvene anoreva izvi: Murume bhanhire iri riri rake, VaJudha paJerusarema vachamusunga saizvozvi, nekumukumikidza mumaoko evahedheni.Select Acts 21:11

12Zvino takati tanzwa zvinhu izvi tese isu nevenzvimbo iyo tikakumbirisa kuti arege kukwira kuJerusarema.Select Acts 21:12

13Asi Pauro wakapindura akati: Munoitei muchichema nekuputsa moyo wangu? Nokuti ini ndakagadzirira, kwete kusungwa chete, asi nekufa paJerusarema nekuda kwezita raIshe Jesu.Select Acts 21:13

14Zvino wakati asingapwiswi, takanyarara tikati: Chido chaIshe ngachiitwe.Select Acts 21:14

15Zvino shure kwemazuva iwayo takarongedza, tikakwira kuJerusarema.Select Acts 21:15

16Nevamwewo vevadzidzi veKesariya vakaenda nesu, vakauya neumwe Minasoni weSaipuresi, mudzidzi wekare, watainogara naye.Select Acts 21:16

17Zvino takati tichisvika kuJerusarema, hama dzakatigamuchira nemufaro.Select Acts 21:17

18Chifume Pauro wakapinda nesu kuna Jakobho, nevakuru vese vakange varipo.Select Acts 21:18

19Zvino wakati avakwazisa, wakarondedzera chimwe nechimwe chezvinhu Mwari chaakaita pakati pevahedheni neshumiro yake.Select Acts 21:19

20Ivo vakati vachizvinzwa, vakakudza Ishe; vakati kwaari: Unoona, hama, kuti zvuru zvingani zveVaJudha vanotenda; uye vese vanoshingairira murairo;Select Acts 21:20

21zvino vakaudzwa nezvako, kuti unodzidzisa VaJudha vese vari pakati pevahedheni kuti vasiye Mozisi, uchiti varege kudzingisa vana, kana kufamba netsika.Select Acts 21:21

22Ko zvino chii? Zvirokwazvo zvakafanira kuti chaunga chiungane; nokuti vachanzwa kuti wasvika.Select Acts 21:22

23Naizvozvo ita izvi zvatinoreva kwauri; tine varume vana vane mhiko pamusoro pavo;Select Acts 21:23

24vatore pamwe newe, uzvichenure pamwe navo, uye uripe muripo wavo, kuti vaveure musoro, kuti vese vazive kuti zvavakaudzwa maererano newe hapana zviripo, asi iwewo pachako unofamba zvakarurama uchichengeta murairo.Select Acts 21:24

25Asi maererano nevahedheni vanotenda isu tanyora, tikatema kuti vasachengeta chinhu chakadai, kunze kwekuti vazvidzore pane zvakabairwa zvifananidzo, neropa nezvakadzipwa neupombwe.Select Acts 21:25

26Ipapo Pauro wakatora varume avo, zuva raitevera akazvichenura pamwe navo, akapinda mutembere kupira kupera kwemazuva ekunatswa, kusvikira kwabairwa chibairo cheumwe neumwe wavo.Select Acts 21:26

27Zvino mazuva manomwe akati opera, VaJudha vaibva kuAsia pavakamuona mutembere, vakamutsa chaunga chese, ndokuisa maoko kwaari.Select Acts 21:27

28Vakadanidzira, vachiti: Varume VaIsraeri, batsirai! Uyu ndiye munhu anodzidzisa vese kwese-kwese zvinopesana nevanhu, nemurairo, nenzvimbo ino; pamusoro pazvo anouisa VaGirikiwo mutembere, ndokusvibisa nzvimbo ino tsvene.Select Acts 21:28

29Nokuti vakange vamboona Trofimo muEfeso anaye muguta, wavaifunga kuti Pauro wamupinza mutembere.Select Acts 21:29

30Neguta rese rakanyonganiswa; vanhu vakamhanyira pamwe; vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetembere; mikova ikazarirwa pakarepo.Select Acts 21:30

31Zvino vakati vachitsvaka kumuuraya, shoko rikakwira kumukuru wechuru wehondo, kuti Jerusarema rese ranyonganiswa.Select Acts 21:31

32Iye pakarepo akatora mauto nevakuru vezana, akaburuka achimhanyira kwavari; ivo vakati vachiona mukuru wechuru chemazana nemauto, vakarega kurova Pauro.Select Acts 21:32

33Zvino mukuru wechuru chemazana wakaswedera, akamubata, ndokuraira kuti asungwe nemaketani maviri, akabvunza kuti waiva ani, uye kuti waitei.Select Acts 21:33

34Zvino vamwe pakati pevazhinji vakadanidzira chimwe vamwe chimwewo; zvino asingagoni kuziva chokwadi nekuda kwenyonga-nyonga, wakaraira kuti aiswe kuimba yemauto.Select Acts 21:34

35Zvino wakati asvika pamitanho, zvakaitika kuti atakurwe nemauto nekuda kwemhirizhonga yechaunga;Select Acts 21:35

36nokuti chaunga chevanhu chakatevera chichidanidzira chichiti: Mubvise!Select Acts 21:36

37Pauro wakati oda kupinzwa muimba yemauto akati kumukuru wechuru: Zvinotenderwa here kuti nditaure chinhu kwauri? Iye ndokuti: Unoziva chiGiriki here?Select Acts 21:37

38Ko iwe hausi uya muEgipita wakamutsa bongozozo mazuva ano asati asvika here, akatungamirira kurenje zvuru zvina zvevarume vaiva mhondi?Select Acts 21:38

39Asi Pauro wakati: Ini ndiri munhu muJudha, weTaso yeKirikia, mugari weguta risina kureruka. Zvino ndinokukumbirai, nditenderei kutaura kuvanhu.Select Acts 21:39

40Zvino wakati amutendera, Pauro wakamira pamitanho akaninira kuvanhu neruoko; zvino kwakati kwanyarara kwazvo, akataura kwavari nerurimi rwechiHebheru achiti:Select Acts 21:40

Next: Acts 22Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Acts

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.